Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 All Israel's community left the Wilderness of Sin, journeying stage by stage as our Father commanded, and camped at Rephidim—but there was no water for the people to drink. Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimu, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
2 The people argued with Moses: "Give us water to drink." Moses replied, "Why argue with me? Why test our Father?" Saka vanhu vakakakavadzana naMozisi uye vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mozisi akapindura akati, “Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?”
3 The people were thirsty there for water and grumbled against Moses, saying, "Why did you bring us up from Egypt to kill us and our children and our livestock with thirst?" Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, saka vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”
4 Moses cried out to our Father, "What should I do with this people? They're about to stone me." Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Ndoiteiko navanhu ava? Votoda kunditaka namabwe.”
5 Our Father said to Moses, "Go ahead of the people. Take some elders of Israel with you, and take in your hand the staff you struck the Nile with, then go. Jehovha akapindura Mozisi akati, “Famba pamberi pavanhu. Tora vamwe vavakuru vavaIsraeri uye ubate muruoko rwako tsvimbo yawakarova nayo mvura yeNairi, ugoenda.
6 I will stand there before you on the rock at Horeb. Strike the rock, and water will come out of it for the people to drink." Moses did so as Israel's elders watched. Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri.
7 He named the place Massah and Meribah, because the people of Israel quarreled and tested our Father, asking, "Is our Father among us or not?" Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”
8 Then Amalek came and fought against Israel at Rephidim. VaAmareki vakauya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu.
9 Moses said to Joshua, "Choose men for us, and go out to fight Amalek. Tomorrow I will stand on the hilltop with our Father's staff in my hand." Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.”
10 Joshua did as Moses said and fought Amalek; Moses, Aaron, and Hur went up to the hilltop. Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
11 Now whenever Moses held up his hand, Israel prevailed; but whenever he lowered his hand, Amalek prevailed. Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.
12 Moses' hands grew heavy, so they set a stone under him and he sat on it, while Aaron and Hur supported his hands, one on each side, so they stayed steady until sunset. Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwana.
13 And Joshua overwhelmed Amalek and his people with the edge of the sword. Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.
14 Our Father told Moses, "Write this in a book as a reminder, and recite it aloud to Joshua: I will completely erase Amalek's memory from under heaven." Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chicharangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”
15 Moses built an altar and named it "Our Father Is My Banner," Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.”
16 and he said, "For a hand is on the throne of our Father: He will war against Amalek generation after generation." Akati, “Nokuti maoko akasimudzirwa kumusoro kuchigaro choushe chaJehovha. Jehovha acharwa neAmareki kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune nechimwe chizvarwa.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]