1In the second year of his reign, Nebuchadnezzar had dreams; his spirit was troubled and his sleep left him.OSCBMugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope.
2So the king ordered the magicians, enchanters, sorcerers, and astrologers summoned to tell him his dreams. They came and stood before the king.OSCBSaka mambo akarayira nʼanga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo,
3The king said to them, "I dreamed a dream, and my spirit is troubled to know the dream."OSCBiye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.”
4Then the astrologers said to the king in Aramaic, "King, live forever! Tell your servants the dream, and we will reveal its interpretation."OSCBIpapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.”
5The king answered the astrologers, "My decree is firm: if you don't tell me the dream and its meaning, you'll be cut to pieces and your houses reduced to rubble.OSCBMambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwe-gurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara.
6But if you tell the dream and its meaning, you'll receive gifts, rewards, and great honor from me. So tell me the dream and its meaning."OSCBAsi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.”
7They answered a second time, "Let the king tell his servants the dream, and we will give its meaning."OSCBIvo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.”
8The king replied, "I know for certain you're trying to buy time, because you see my decree is firm:OSCBIpapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema:
9If you don't tell me the dream, there is only one verdict for you. You have agreed to speak lying, corrupt words before me until the times change. So tell me the dream, then I'll know you can reveal its interpretation."OSCBKana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.”
10The astrologers answered the king, "No one on earth can do what the king asks. No great, powerful king ever demanded such a thing of any magician, enchanter, or Chaldean.OSCBVachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kunʼanga ipi zvayo kana vaya vanoita zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi.
11The king's request is too hard; only the gods, who don't live among mortals, can reveal it to the king."OSCBZvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.”
12At this the king grew angry and furious, and ordered all Babylon's wise men destroyed.OSCBIzvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe.
13So the decree went out to kill the wise men, and they searched for Daniel and his companions to put them to death.OSCBSaka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo.
14Then Daniel answered Arioch, the king's guard commander, with wisdom and discretion; Arioch had gone out to kill Babylon's wise men.OSCBArioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara.
15He asked Arioch, the king's officer, "Why such a harsh decree from the king?" Then Arioch explained it to Daniel.OSCBAkabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho.
16So Daniel went in and asked the king for time, so that he might reveal the interpretation to the king.OSCBNokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya.
17Then Daniel went home and told his companions Hananiah, Mishael, and Azariah about the matter,OSCBIpapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vanaHanania, Mishaeri naAzaria.
18urging them to plead for mercy from our Father in heaven about this mystery, so Daniel and his companions wouldn't be destroyed with Babylon's other wise men.OSCBAkavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi.
19Then the mystery was revealed to Daniel in a night vision, and Daniel blessed our Father in heaven.OSCBChakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga
20Daniel said: "Blessed be the name of our Father forever and ever, for wisdom and might belong to him.OSCBakati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri; uchenjeri nesimba ndezvake.
21He changes times and seasons; he removes kings and sets up kings; he gives wisdom to the wise and knowledge to those who have understanding.OSCBAnoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera.
22He reveals deep and hidden things; he knows what lies in darkness, and the light dwells with him.OSCBAnozarura zvakadzika nezvakavanzika; anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari.
23To you, the God of my fathers, I give thanks and praise, for you have given me wisdom and might, and now you have made known to me what we asked of you; you have made known to us the king's matter."OSCBNdinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”
24So Daniel went to Arioch, whom the king had appointed to destroy Babylon's wise men, and said, "Don't destroy Babylon's wise men. Take me to the king, and I will give him the interpretation."OSCBIpapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.”
25Then Arioch quickly brought Daniel before the king and said, "Among the exiles of Judah I found a man who can tell the king the interpretation."OSCBArioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.”
26The king asked Daniel, called Belteshazzar, "Can you tell me the dream I saw and what it means?"OSCBMambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?”
27Daniel answered the king, "No wise men, enchanters, magicians, or astrologers can reveal the mystery the king asks about.OSCBDhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho
28But our Father in heaven reveals mysteries, and has made known to King Nebuchadnezzar what will happen in the latter days. Your dream and the visions in your mind as you lay on your bed were these:OSCBasi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:
29"As you lay in bed, O king, your thoughts turned to what would come, and the revealer of mysteries showed you what is to be.OSCB“Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika.
30But this mystery was revealed to me not because I have more wisdom than anyone else alive, but so the king may know its interpretation, and you may understand your heart's thoughts.OSCBAsi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.
31"You watched, O king, and saw a great statue. This statue, huge and dazzling in brightness, stood before you, and its appearance was terrifying.OSCB“Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho.
32The statue's head was fine gold, its chest and arms silver, its belly and thighs bronze,OSCBMusoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira,
33its legs of iron, its feet partly of iron and partly of clay.OSCBmakumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu.
34While you watched, a stone cut without hands struck the statue's feet of iron and clay, crushing them.OSCBMuchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya.
35Then the iron, clay, bronze, silver, and gold were all broken to pieces together, becoming like chaff on a summer threshing floor. The wind carried them off, leaving no trace. But the stone that struck the statue became a great mountain filling the whole earth.OSCBIpapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose.
36"This was the dream. Now we will tell the king its interpretation.OSCB“Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo.
37You, king, are the king of kings, to whom our Father in heaven has given kingdom, power, might, and glory.OSCBImi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya,
38Into your hand he has placed all people, the beasts of the field, and the birds of the sky, wherever they live, making you ruler over them all. You are the head of gold.OSCBakaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.
39"After you another kingdom will arise, inferior to yours; then a third kingdom, of bronze, ruling over all the earth.OSCB“Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose.
40A fourth kingdom will be strong as iron—iron breaks and shatters everything—and as iron crushes all these, it will break and crush them.OSCBPakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose.
41As you saw the feet and toes—part potter's clay, part iron—it will be a divided kingdom; yet it will have some of iron's strength, just as you saw iron mixed with soft clay.OSCBSezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu.
42As the toes were partly iron and partly clay, so the kingdom will be partly strong and partly brittle.OSCBSezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi.
43As you saw iron mixed with soft clay, the people will mix in marriage but not hold together, just as iron does not mix with clay.OSCBUye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana.
44"In those kings' days our Father in heaven will set up a kingdom never to be destroyed, nor its rule left to another people. It will crush all these kingdoms and end them, and it will stand forever.OSCB“Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi.
45This is what the vision meant: the stone cut from a mountain, not by human hands, broke the iron, bronze, clay, silver, and gold to pieces. Our great Father has shown the king what will happen after this. The dream is certain, its interpretation trustworthy."OSCBIzvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”
46Then King Nebuchadnezzar fell facedown, bowed to Daniel, and ordered offering and incense given to him.OSCBIpapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuhwira.
47The king told Daniel, "Truly your God is God of gods, Lord of kings, and revealer of secrets, since you could reveal it."OSCBMambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.”
48Then the king promoted Daniel to high honor, gave him many great gifts, and made him ruler of Babylon's whole province and chief prefect over all its wise men.OSCBIpapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose.
49Daniel asked the king, who put Shadrach, Meshach, and Abednego over Babylon province's affairs; Daniel remained at the king's court.OSCBPamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo.