Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In Jehoiakim king of Judah's third year, Nebuchadnezzar king of Babylon marched on Jerusalem and besieged it. Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba.
2 The Sovereign Father handed Jehoiakim king of Judah over to him, with some items from our Father's house; he took them to Shinar, to his god's house, and the items into his god's treasury. Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake.
3 The king ordered Ashpenaz, his chief official, to bring some Israelites from the royal family and nobility. Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri kubva mumhuri youshe nemhuri yemakurukota,
4 Young men without defect, good-looking, skilled in all wisdom, well-informed, quick to understand, fit to stand in the king's palace—and to teach them Babylonian writing and language. majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi.
5 The king assigned them a daily portion of his food and wine, three years' training, then service before him. Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo.
6 Among them were Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah, from the sons of Judah. Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria.
7 The chief official renamed them: Daniel, Belteshazzar; Hananiah, Shadrach; Mishael, Meshach; Azariah, Abednego. Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego.
8 Daniel resolved not to make himself unclean with the king's food or wine, so he asked the chief official's permission not to make himself unclean. Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
9 Now our Father gave Daniel favor and compassion in the eyes of the chief official. Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni,
10 The chief official told Daniel, "I fear my lord the king, who set your food and drink. Why should he see your faces worse than boys your age? You'd forfeit my head to the king." asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.”
11 Then Daniel said to the steward the chief official had appointed over Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah, Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria,
12 "Please test your servants for ten days. Give us only vegetables to eat and water to drink. “Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete.
13 Then compare our appearance with the youths eating the king's food; do with your servants as you see." Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.”
14 So he agreed to this and tested them for ten days. Saka akatenda hake pane izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi.
15 After ten days they looked healthier and better fed than all the young men eating the royal food. Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo.
16 So the steward took away their assigned food and the wine they were to drink, and gave them vegetables instead. Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo.
17 To these four boys our Father gave knowledge and insight in all writing and wisdom; Daniel understood all visions and dreams. Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
18 When the king's set days for bringing them in ended, the chief official brought them before Nebuchadnezzar. Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari.
19 The king spoke with them, and none matched Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah; so they served the king. Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.
20 Whenever the king questioned them on wisdom and understanding, he found them ten times better than all magicians and enchanters in his whole kingdom. Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi nʼanga dzose navanhu vose muumambo hwose.
21 And Daniel remained there until the first year of King Cyrus. Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]