Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Timothy 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I solemnly charge you before our Father and Christ Jesus, who will judge the living and the dead, by his appearing and his kingdom: Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti:
2 Preach the word; stand ready in season and out; correct, rebuke, and encourage, with complete patience and teaching. Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka.
3 For a time will come when they won't tolerate sound teaching, but will pile up teachers to fit their own desires, since their ears itch, Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo.
4 and will turn their ears away from the truth and wander off into myths. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.
5 But you: stay clear-headed in everything, endure hardship, do an evangelist's work, fulfill your service. Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.
6 For I am already being poured out like a drink offering; my time to depart has come. Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika.
7 I have fought the good fight, I have finished the race, I have kept the faith. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu.
8 Now a crown of righteousness awaits me, which the Lord, the righteous judge, will give me on that day—not only to me but to all who have loved his appearing. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.
9 Do your best to come to me soon. Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri,
10 Demas loved this present world, abandoned me, went to Thessalonica. Crescens went to Galatia, Titus to Dalmatia. nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia.
11 Only Luke is with me. Pick up Mark and bring him with you—he's useful to me for service. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu.
12 I have sent Tychicus to Ephesus. Ndakatuma Tikikasi kuEfeso.
13 When you come, bring the coat I left with Carpus at Troas, and the scrolls, especially the parchments. Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe.
14 Alexander the coppersmith did me great harm; the Lord will repay him according to his deeds. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita.
15 Watch out for him yourself, for he strongly opposed our message. Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu.
16 No one stood with me at my first defense—all abandoned me. May it not be charged against them. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo.
17 But the Lord stood with me and strengthened me, so through me the message would be fully proclaimed and all nations would hear it. I was rescued from the lion's mouth. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
18 The Lord will rescue me from every evil deed and carry me safely into his heavenly kingdom. Glory to him forever and ever. Amen. Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
19 Greet Prisca and Aquila, and the household of Onesiphorus. Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesiferasi.
20 Erastus stayed at Corinth, and I left Trophimus, who was ill, at Miletus. Erastasi akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimasi paMiretasi achirwara.
21 Try hard to come before winter. Eubulus, Pudens, Linus, Claudia, and all the brothers and sisters greet you. Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhurasi anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, Rino, Kiraudhiyo nehama dzose.
22 The Lord be with your spirit. Grace be with you all. Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]