Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Timothy 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So then, my child, draw your strength from the grace that is in Christ Jesus. Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
2 And what you heard from me in the presence of many witnesses, entrust to faithful people able to teach others too. Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.
3 Take your share of suffering like a good soldier of Christ Jesus. Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu.
4 No soldier on duty gets tangled in civilian affairs—he wants to please the one who enlisted him. Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, nokuti anoda kufadza mukuru wake wehondo.
5 And an athlete is not crowned unless he competes according to the rules. Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa.
6 The hard-working farmer ought to be the first to receive a share of the crops. Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.
7 Think over what I am saying, for the Lord will give you understanding in everything. Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.
8 Remember Jesus Christ, risen from the dead, a descendant of David, as told in my gospel, Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,
9 for which I suffer, chained like a criminal. But the word of our Father is not chained! randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa.
10 So I endure everything for the sake of the chosen, so they too may gain the salvation in Christ Jesus, with eternal glory. Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi.
11 This saying is trustworthy: If we have died with him, we will also live with him; Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye;
12 if we endure, we will also reign with him; if we disown him, he also will disown us; kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;
13 if we are faithless, he remains faithful, for he cannot disown himself. kana tikasava nokutenda, iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi.
14 Remind them of these things, and warn them before our Father not to quarrel over words—useless, and ruins those who listen. Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.
15 Do your best to present yourself to our Father approved, a worker unashamed, rightly handling the word of truth. Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
16 But avoid empty, godless chatter; it leads people further into wickedness, Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.
17 and their talk will spread like gangrene. Among them are Hymenaeus and Philetus, Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi,
18 who wandered away from the truth, claiming the resurrection already happened, and are undermining some people's faith. vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe.
19 Yet our Father's firm foundation stands, sealed: "He knows those who are his," and "Let all who name his name turn from evil." Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”
20 In a large house there are vessels not only of gold and silver, but also of wood and clay—some for honor, some for dishonor. Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
21 So if anyone purifies himself from these, he becomes a vessel of honor: holy, useful to the Master, ready for every good work. Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
22 Flee youthful cravings; pursue righteousness, faith, love, and peace with those who call on the Lord from a pure heart. Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
23 Have nothing to do with foolish, ignorant controversies; you know they breed quarrels. Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara.
24 The Lord's servant must not be quarrelsome, but be gentle to all, able to teach, patient when wronged. Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi.
25 Gently correcting those who oppose him. Perhaps our Father will grant them repentance to know the truth, Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi,
26 and they may sober up, escaping the devil's trap where he has held them captive to do his will. uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]