Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 36 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The people of the land took Josiah's son Jehoahaz and made him king in Jerusalem in place of his father. Uye vanhu vomunyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuita mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake.
2 Jehoahaz was twenty-three years old when he became king, and he reigned three months in Jerusalem. Jehoahazi akanga ana makore makumi maviri namatatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu.
3 Egypt's king deposed him at Jerusalem and fined the land about 7,500 pounds of silver and 75 pounds of gold. Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusarema akatemera Judha kuti iripe matarenda zana esirivha netarenda regoridhe.
4 Egypt's king made his brother Eliakim king over Judah and Jerusalem, renaming him Jehoiakim; Neco took his brother Jehoahaz to Egypt. Mambo weIjipiti akaita kuti Eriakimu, mukoma waJehoahazi, ave mambo pamusoro peJudha neJerusarema akashandura zita raEriakimi kuti anzi Jehoyakimi. Asi Neko akatora mununʼuna waEriakimi, Jehoahazi, akaenda naye kuIjipiti.
5 Jehoiakim was twenty-five when he became king; he reigned eleven years in Jerusalem, doing evil in our Father's eyes. Jehoyakimi akanga aina makore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe chete akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.
6 Nebuchadnezzar king of Babylon marched against him, bound him in bronze chains to take him to Babylon. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akamurwisa akamusunga nengetani dzendarira kuti amutore aende naye kuBhabhironi.
7 Nebuchadnezzar also took some of our Father's house articles to Babylon, putting them in his temple in Babylon. Nebhukadhinezari akatorawo midziyo yomutemberi yaJehovha akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mutemberi yake ikoko.
8 The rest of Jehoiakim's acts, his detestable things, and the charges against him are written in the Book of Kings of Israel and Judah; his son Jehoiachin reigned in his place. Zvimwe zvakaitwa panguva yokutonga kwaJehoyakimi, zvinhu zvinonyangadza zvaakaita nezvose zvakawanikwa zvaakakanganisa, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha. Uye Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paumambo.
9 Jehoiachin was eight when he became king; he reigned three months and ten days in Jerusalem, doing evil in our Father's eyes. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu namazuva gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
10 In spring, King Nebuchadnezzar brought him to Babylon with the precious articles from our Father's house, making Zedekiah, Jehoiachin's relative, king over Judah and Jerusalem. Pakupera kwegore, Mambo Nebhukadhinezari akatuma shoko rokuti auyiswe kuBhabhironi pamwe chete nemidziyo inokosha kubva mutemberi yaJehovha, akaita mununʼuna waJehoyakini, Zedhekia, mambo pamusoro peJudha neJerusarema.
11 Zedekiah was twenty-one years old when he became king, and he reigned eleven years in Jerusalem. Zedhekia akanga ava namakore makumi maviri nerimwe paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe.
12 He did evil in our Father's eyes, not humbling himself before Jeremiah the prophet, who spoke from our Father's mouth. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye haana kuzvininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, akataura shoko raJehovha.
13 He also rebelled against King Nebuchadnezzar, who made him swear by our Father, stiffening his neck and hardening his heart, refusing to return to our Father, God of Israel. Akamukirawo Mambo Nebhukadhinezari akanga amuita kuti ape mhiko muzita raMwari. Akaomesa mutsipa akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.
14 All the leading priests and the people grew more and more unfaithful, matching all the nations' detestable practices, and made unclean the house our Father had made holy in Jerusalem. Uyezve vakuru vose vavaprista navanhu vakanyanya kutadza vachitevera zvinonyangadza zvose zvendudzi vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga akudza kwazvo muJerusarema.
15 Our Father, the God of their fathers, sent word repeatedly through his messengers, pitying his people and his dwelling place. Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.
16 But they mocked our Father's messengers, despised his words, mocked his prophets, until our Father's anger rose against his people, past remedy. Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa.
17 So he brought Chaldea's king against them, who killed their young men with the sword in their sanctuary, sparing no young man, virgin, elder, or aged. Our Father gave them all into his hand. Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari.
18 All the articles of our Father's house, great and small, the treasures of our Father's house and of the king and his officials—all he brought to Babylon. Akatakura midziyo yose yaiva mutemberi yaMwari akaenda nayo kuBhabhironi, zvose zvikuru nezvidiki nepfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yaMambo namachinda ake.
19 They burned the house of our Father, tore down Jerusalem's wall, burned all its palaces, destroyed everything valuable in it. Vakapisa temberi yaMwari vakaputsa rusvingo rweJerusarema; vakapisa mizinda yose uye vakaparadza zvose zvaikosha imomo.
20 He exiled the sword's survivors to Babylon; they served him and his sons until Persia's kingdom began to reign, Akatakura vose vakanga vasara muutapwa avo vakanga vapunyuka kubva pamunondo uye vakava varanda vake nevevanakomana vake kusvikira pakutanga umambo hwePezhia kutonga.
21 to fulfill our Father's word through Jeremiah: until the land enjoyed its sabbaths, all its desolate days it rested, fulfilling seventy years. Nyika yakava namaSabata ayo ezororo; panguva yose yokuparadzwa kwayo yakazorora, kusvikira makore makumi manomwe apera kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe.
22 In Cyrus king of Persia's first year, to fulfill our Father's word through Jeremiah, our Father stirred Cyrus king of Persia's spirit to proclaim throughout all his kingdom, and to put it in writing: Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuitira kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe, Jehovha akasunda mwoyo waSirasi mambo wePezhia kuti aparadzire kuumambo hwake hwose uye kuti anyore achizivisa kuti:
23 Cyrus king of Persia says: "The LORD, God of heaven, gave me all earth's kingdoms and charged me to build him a house in Jerusalem, in Judah. Any of his people among you—may the LORD his God be with him—let him go up." “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia: “ ‘Jehovha Mwari wedenga, andipa umambo hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake vari pakati penyu, Jehovha Mwari wake ave naye, uye ngaaende ikoko.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]