Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 35 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Josiah kept Passover to our Father in Jerusalem; they slaughtered the Passover lamb on the fourteenth day of the first month. Josia akapemberera Pasika kuna Jehovha muJerusarema, uye gwayana rePasika rakaurayiwa pazuva regumi nemana romwedzi wokutanga.
2 He assigned priests their duties and encouraged them in service of our Father's house. Akagadza vaprista pamabasa avo akavakurudzira kuti vashumire mutemberi yaJehovha.
3 He told the Levites who taught all Israel and were holy to our Father: "Put the holy ark in the house Solomon son of David, king of Israel, built. You need no longer carry it on your shoulders. Now serve your Father and his people Israel. Akati kuvaRevhi, vaidzidzisa Israeri yose uye vakanga vakatsaurirwa kuna Jehovha, “Isai areka yesungano mutemberi yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri. Haifaniri kutakurwa pamapfudzi enyu. Zvino shumirai Jehovha Mwari uye navanhu vake Israeri.
4 Prepare yourselves by your fathers' houses, by your divisions, by David king of Israel's written instructions, and his son Solomon's instructions. Zvigadzirirei nemhuri dzenyu mumapoka enyu, maererano nezvakarayirwa zvakanyorwa naDhavhidhi mambo weIsraeri nomwanakomana wake Soromoni.
5 Stand in the holy place by family groups of your lay brothers, one Levite division per group. “Mirai munzvimbo tsvene neboka ravaRevhi pachikamu chiduku cheboka chimwe nechimwe chemhuri dzehama dzenyu.
6 Slaughter the Passover lamb, dedicate yourselves, and prepare for your brothers, following the word of our Father through Moses." Urayai makwayana ePasika muzvinatse mugadzirire makwayana kuitira hama dzenyu, muchiita zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.”
7 Josiah gave the lay people 30,000 lambs and young goats, 3,000 bulls, for Passover offerings—for everyone present, from his own possessions. Josia akapa vamwe vanhu vose vakanga varipo makwai nembudzi zvaisvika zviuru makumi matatu sezvipiriso zvePasika, uyewo nemombe zviuru zvitatu, zvose izvi zvakabva mupfuma yamambo.
8 His officials also gave willingly to the people, priests, and Levites. Hilkiah, Zechariah, and Jehiel, chief officers of our Father's house, gave the priests 2,600 Passover offerings and 300 bulls. Machinda ake akapawo nokuda kwavo kuvanhu nokuvaprista navaRevhi. Hirikia, Zekaria naJehieri, mutariri mukuru wetemberi yaMwari akapa vaprista zvipiriso zviuru zviviri namazana matanhatu nemombe mazana matatu.
9 Conaniah, with his brothers Shemaiah and Nethanel, and Hashabiah, Jeiel, and Jozabad, Levite leaders, gave the Levites 5,000 Passover offerings and 500 bulls. Uyewo Konania pamwe chete naShemaya naNetaneri vanunʼuna vake, naHashabhia, Jeyeri naJozabhadhi, vatungamiri vavaRevhi, vakapa zvipiriso zvePasika zviuru zvishanu nemombe mazana mashanu zvavaRevhi.
10 The service was set; priests stood at their posts, Levites by their divisions, as the king commanded. Nguva yokushumira yakati yarongwa, vaprista vakamira munzvimbo dzavo vaine vaRevhi mumapoka avo sezvakanga zvarayirwa namambo.
11 They slaughtered the Passover lambs; priests sprinkled the blood passed to them, and Levites skinned them. Makwayana ePasika akaurayiwa, vaprista vakasasa ropa ravakapiwa, vaRevhi vachivhiya mhuka idzi.
12 They set aside the burnt offerings, distributing them by family division among the common people, to offer to our Father as written in the book of Moses; likewise with the bulls. Vakaisa parutivi zvipiriso zvinopiswa kuti vazvipe kuzvikamu zvamapoka emhuri dzavanhu kuti vazvipe kuna Jehovha sezvazvakanyorwa mubhuku raMozisi. Vakaita zvimwe chetezvo nemombe.
13 They roasted the Passover lamb in fire as required, boiled the holy offerings in pots, kettles, and pans, and quickly brought them to all the common people. Vakagocha mhuka dzePasika pamoto nenzira yakarayirwa, vakabikira zvipiriso zvitsvene muhari, mumakate nomumakango uye vakapa vanhu vose nokukurumidza.
14 Afterward they prepared for themselves and the priests, since the priests, Aaron's sons, were busy offering burnt offerings and fat portions until night; so the Levites prepared for themselves and the priests, Aaron's sons. Vapedza izvi, vakatanga kugadzirira zvavo nezvavaprista, nokuti vaprista vezvizvarwa zvaAroni vakabayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku. Saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navaprista vorudzi rwaAroni.
15 The singers, Asaph's sons, stood at their posts as David, Asaph, Heman, and Jeduthun the king's seer had commanded. The gatekeepers stayed at each gate; they had no need to leave their duty, for their fellow Levites prepared for them. Vaimbi, zvizvarwa zvaAsafi, vakanga vari munzvimbo dzakanga dzarayirwa naDhavhidhi, Asafi, Hemani naJedhutuni muoni wamambo. Vachengeti vamasuo pasuo rimwe nerimwe vaisafanira kusiya nzvimbo dzavo nokuti dzimwe hama dzavo vaRevhi vaivagadzirirawo zvavo.
16 So all the service of our Father was arranged that day: to keep Passover and offer burnt offerings on the altar of our Father, by King Josiah's command. Saka panguva iyoyo basa rose raJehovha rakaitwa kuti vapemberere Pasika nezvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha sezvakanga zvarayirwa naMambo Josia.
17 The Israelites present kept Passover then, and the Feast of Unleavened Bread seven days. VaIsraeri vakanga varipo vakapemberera Pasika panguva iyoyo vakacherechedza Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe.
18 No Passover like it had been kept in Israel since Samuel the prophet's days; none of Israel's kings kept a Passover like Josiah's, with the priests, Levites, all Judah and Israel present, and Jerusalem's residents. Pasika haina kunge yambocherechedzwa saizvozvi muIsraeri kubva pamazuva omuprofita Samueri; uye hakuna kana mumwe chete pamadzimambo eIsraeri akanga apemberera Pasika sezvakaitwa naJosia navaprista, vaRevhi neJudha yose neIsraeri vakanga varipo navanhu veJerusarema.
19 This Passover was kept in the eighteenth year of Josiah's reign. Pasika iyi yakapembererwa mugore regumi norusere rokutonga kwaJosia.
20 After all this, once Josiah had prepared the temple, Egypt's king Neco marched up to fight at Carchemish on the Euphrates, and Josiah went out to meet him. Mushure maizvozvi zvose, Josia paakanga agadziridza zvinhu mutemberi, Neko mambo weIjipiti, akakwidza kundorwa naye paKakemishi paYufuratesi, uye Josia akabudawo kundosangana naye kuti varwe.
21 But Neco sent messengers to him, saying, "What do we have to do with each other, king of Judah? I'm not coming against you today, but against the house I'm at war with. God told me to hurry—stop opposing God, who is with me, or he'll destroy you." Asi Neko akatuma nhume kwaari achiti, “Ibopoto ripiko riripo pakati pangu newe, nhai mambo weJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandiri kurwisana nayo. Mwari andiudza kuti ndikurumidze; saka mira kurwisana naMwari, ari kurutivi rwangu, kana kuti achakuparadza.”
22 Josiah did not turn away from him, but disguised himself to fight him. He ignored Neco's words from the mouth of our Father, and went to fight in the plain of Megiddo. Kunyange zvakadaro Josia haana kubva kwaari asi akazvishandura kuti arwe naye muhondo. Haana kuda kuteerera zvakanga zvataurwa naNeko sokurayira kwaMwari asi akaenda kundorwa naye pabani reMegidho.
23 Archers shot King Josiah; he told his servants, "Get me out—I'm badly wounded." Vawemburi vouta vakapfura Mambo Josia, uye iye akati kumachinda ake, “Ndibvisei pano; ndakuvara zvakaipisisa.”
24 His servants moved him from the chariot to his second chariot and brought him to Jerusalem, where he died and was buried in his fathers' tombs. All Judah and Jerusalem mourned Josiah. Saka vakamutora vakamuburitsa mungoro yake vakamuisa mune imwe ngoro yaakanga anayo, vakauya naye kuJerusarema, kwaakandofira. Akavigwa mumakuva amadzibaba ake, uye Judha yose neJerusarema vakamuchema.
25 Jeremiah composed laments for Josiah, and to this day all the singers, men and women, sing laments for Josiah. This became a custom in Israel, and it is written in the Laments. Jeremia akanyora dzimbo dzokuchema Josia, uye kusvikira nhasi vaimbi vechirume nevechikadzi vose vanorangarira Josia munziyo idzodzo dzokuchema.
26 The rest of Josiah's acts, and his faithful deeds in keeping with what is written in our Father's law. Zvimwe zvakaitwa naJosia panguva yokutonga kwake, namabasa okuzvipira kwake maererano nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,
27 His acts, first to last, are written in the Book of the Kings of Israel and Judah. zvose zvaakaita kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]