Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Amaziah became king at twenty-five and reigned twenty-nine years in Jerusalem. His mother was Jehoaddan of Jerusalem. Amazia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Mai vake vainzi Jehoadhini, uye vaibva kuJerusarema.
2 He did what was right in the eyes of our Father, but not wholeheartedly. Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete nomwoyo wose.
3 Once the kingdom was firmly his, he executed the servants who had killed his father the king. Paakapedza kusimbisa umambo hwake akauraya machinda akanga auraya baba vake.
4 But he did not put their children to death, as written in the Law, the book of Moses, where our Father commanded, "Parents must not die for their children, nor children for their parents; each dies for his own sin." Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita sezvazvakanga zvakanyorwa muMurayiro, muBhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira achiti, “Madzibaba havafaniri kuurayiwa nokuda kwavana vavo, uye kuti vana havafaniri kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo.”
5 Amaziah gathered Judah, organized them by ancestral houses under commanders of thousands and hundreds, for all Judah and Benjamin. He counted those twenty and up: 300,000 chosen men fit for war, handling spear and shield. Amazia akaunganidza vanhu veJudha akavaronga zvichienderana nemhuri dzavo pasi pavatungamiri vezviuru uye navatungamiri vamazana akaverengawo vaiva namakore makumi maviri naanopfuura akaona kuti vaisvika zviuru mazana matatu vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo, vaigona kushandisa mapfumo nenhoo.
6 He also hired 100,000 strong warriors from Israel for about 7,500 pounds of silver. Akatorazve varwi zviuru zana kubva kuIsraeri akavaripa matarenda zana esirivha.
7 A man of our Father came to him: "King, don't let Israel's army go with you, for our Father is not with Israel—all these Ephraimites. Asi munhu waMwari akauya kwaari akati, “Haiwa Mambo, ava varwi vabva kuIsraeri havafaniri kuenda nemi nokuti Jehovha havasi kuIsraeri, havasi kune upi zvake munhu wokuEfuremu.
8 Even if you fight bravely, our Father will overthrow you before the enemy, for our Father has power to help or overthrow." Kunyange mukaenda kundorwa nesimba rose, Mwari achakukundai pamberi pavavengi nokuti Mwari ane simba rokubatsira kana kuputsa.”
9 Amaziah asked the man of our Father, "But what about the roughly 7,500 pounds of silver I gave Israel's troops?" He replied, "Our Father can give you far more than this." Amazia akabvunza munhu waMwari akati, “Asi, matarenda zana andakaripa kuvaIsraeri anoitwa sei?” Munhu waMwari akapindura akati, “Jehovha anogona kukupa zvakawanda kupfuura izvi.”
10 So Amaziah sent home the troops that came to him from Ephraim. They burned with anger against Judah and returned home enraged. Saka Amazia akaregera varwi vose vakanga vabva kuEfuremu vachienda uye akavati vaende zvavo kumba. Vakatsamwa zvikuru nokuda kweJudha vakaenda kumba vachipopota zvikuru.
11 But Amaziah took courage, led out his people to the Valley of Salt, and struck down 10,000 men of Seir. Ipapo Amazia akatungamirira hondo yake kuMupata weMunyu, kwaakandouraya varume veSeiri zviuru gumi.
12 Judah's men also captured 10,000 alive, took them to the cliff top, and threw them down, smashing them all to pieces. Hondo yeJudha yakabatazve varume zviuru gumi vakavatora vakaenda navo pamusoro pegomo pamawere vakavakanda pasi pakavhunika-vhunika.
13 Meanwhile the troops Amaziah sent back, not letting them join the battle, raided Judah's cities from Samaria to Beth-horon, struck down 3,000 people, and carried off much plunder. Panguva imwe cheteyo varwi vakanga vadzoserwa naAmazia pakurwa uku vakandopamba maguta eJudhea kubva kuSamaria kusvika kuBheti Horoni. Vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakapamba.
14 After Amaziah defeated the Edomites, he brought back the gods of Seir's people, set them up as his own gods, bowed to them, and burned offerings to them. Amazia paakadzoka kundouraya vaEdhomu, akadzosa vamwari vavanhu veSeiri akavamisa, akavakotamira savamwari vake, akavapisira zvibayiro.
15 So our Father's anger burned against Amaziah, and he sent a prophet, who asked, "Why seek this people's gods, which couldn't save their own from your hand?" Kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro paAmazia, akatuma muprofita kwaari, akati, “Seiko uchibvunzira kuna vamwari vavanhu ava vakatadza kuponesa vanhu vavo kubva mumaoko ako?”
16 As he spoke, the king said, "Did we make you the king's counselor? Stop! Why be killed?" The prophet stopped but said, "I know our Father has determined to destroy you, because you did this and ignored my counsel." Achiri kutaura, mambo akati kwaari, “Ko, takugadza kuti uve mupi wamazano wamambo here? Mira! Uchafireko?” Saka muprofita akamira, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari akagadzirira kukuparadza nokuti wakaita izvi, uye hauna kuteerera kurayira kwangu.”
17 Amaziah king of Judah consulted his advisers, then sent to Joash son of Jehoahaz, son of Jehu, king of Israel: "Come, let us face each other in battle." Mushure mokunge Amazia mambo weJudha abvunza vapi vake vamazano akatumira shoko rokudenha kuna Jehoashi, mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri achiti, “Uya tisangane chiso nechiso.”
18 Joash king of Israel answered Amaziah king of Judah: "A Lebanon thistle sent to a Lebanon cedar, saying, 'Give your daughter to my son as wife.' But a wild Lebanon beast passed and trampled the thistle. Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwakanga rwuri muRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri muRebhanoni, rokuti, ‘Ipa mwanasikana wako kumwanakomana wangu kuti ave mukadzi wake.’ Ipapo imwe mhuka yomusango yaiva muRebhanoni yakauya ikatsika-tsika rukato rwuya pasi petsoka dzayo.
19 You said, 'Look, I have struck down Edom,' and your heart grew proud, boasting. Stay home. Why court disaster and fall—you and Judah with you?" Unozviti wakakunda vaEdhomu uye zvino wava namanyawi nokuzvikudza. Zvino gara kumba kwako! Seiko uchikumbira matambudziko uye uchizviwisira pasi iwe neJudhawo?”
20 But Amaziah wouldn't listen—this was from our Father, to hand them over for seeking Edom's gods. Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuteerera, nokuti Mwari akaita izvozvo kuti avaise kuna Jehoashi nokuti vakanga vatsvaka vamwari veEdhomu.
21 So Joash king of Israel marched up, and he and Amaziah king of Judah faced off at Beth-shemesh in Judah. Saka Jehoashi mambo weIsraeri akavarwisa. Iye naAmazia vakatarisana paBheti Shemeshi muJudha.
22 Judah was defeated by Israel, and everyone fled to his own home. Judha yakakundwa neIsraeri uye munhu wose akatizira kumba kwake.
23 Joash king of Israel captured Amaziah king of Judah, son of Joash, son of Jehoahaz, at Beth-shemesh, took him to Jerusalem, and broke down its wall from the Ephraim Gate to the Corner Gate—about 600 feet. Jehoashi mambo weIsraeri akatapa Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akauya naye kuJerusarema akaputsa rusvingo rweJerusarema kubva paSuo raEfuremu kusvika paSuo Rapakona, nzvimbo yakareba makubhiti mazana mana.
24 He took all the gold, silver, and articles found in the house of our Father in Obed-edom's care, plus the palace treasures and hostages, and returned to Samaria. Akatora goridhe nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa mutemberi yaMwari zvaichengetwa naObhedhi-Edhomu, pamwe chete nepfuma yose yaiva mumuzinda navanhu vorubatso, uye vakadzokera kuSamaria.
25 Amaziah son of Joash, king of Judah, lived fifteen years after Joash son of Jehoahaz, king of Israel, died. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokunge Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri afa.
26 The rest of Amaziah's acts, first to last, are they not written in the Book of the Kings of Judah and Israel? Zvimwe zvose zvakaitwa naAmazia mukutonga kwake kubva pakutonga kusvikira pakupedzisira hazvina kunyorwa here mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri?
27 After Amaziah turned from following our Father, they conspired against him in Jerusalem, and he fled to Lachish. But they sent men after him there and killed him. Kubva panguva yakatsauka Amazia kubva mukutevera Jehovha, vakamupandukira muJerusarema uye iye akatizira kuRakishi vakandomuurayira ikoko.
28 They brought him back on horseback and buried him with his ancestors in the City of Judah. Akandotorwa namabhiza akazovigwa pamwe chete namadzibaba ake muGuta reJudha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]