Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Joash became king at seven, and reigned forty years in Jerusalem. His mother Zibiah was from Beersheba. Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhia uye vaibva kuBheerishebha.
2 Joash did what was right in our Father's eyes all the days of Jehoiada the priest. Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJehoyadha muprista.
3 Jehoiada chose two wives for him, and Joash had sons and daughters. Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana.
4 Some time later, Joash set his heart on restoring the house of our Father. Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha.
5 He gathered the priests and Levites, told them, "Go to Judah's cities, collect money from all Israel yearly to repair your Father's house—hurry." But the Levites didn't hurry. Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo.
6 The king summoned Jehoiada the chief priest: "Why haven't you required the Levites to bring the tax from Judah and Jerusalem that Moses, our Father's servant, and the assembly set on Israel for the tent of testimony?" Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?”
7 Athaliah's sons, that wicked woman, broke into our Father's house and even used all the holy things of our Father's house in worship of the Baals. Zvino vanakomana vaAtaria mukadzi uya akaipa vakanga vamanikidzira kupinda mutemberi yaMwari uye vakanga vashandisa kunyange midziyo yayo inoera mukunamata Bhaari.
8 At the king's order, they made a chest and set it outside our Father's house gate. Mambo akati arayira, bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha.
9 They announced in Judah and Jerusalem: bring our Father the tax Moses, our Father's servant, set on Israel in the wilderness. Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje.
10 All the officials and all the people rejoiced, bringing and dropping their gifts into the chest until full. Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara.
11 Whenever the Levites brought the chest to the king's officials and saw it full of money, the royal secretary and chief priest's officer emptied it and returned it to its place. Daily they collected much money. Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda.
12 The king and Jehoiada gave it to workers on our Father's house, who hired masons and carpenters to restore it, and iron and bronze workers to repair our Father's house. Mambo naJehoyadha akaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo navavezi vamatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi.
13 Workers labored; repair progressed by their hands. They restored our Father's house to its form and strengthened it. Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa.
14 When finished, they brought the rest of the money to the king and Jehoiada, making from it articles for our Father's house: vessels for service and burnt offerings, dishes, gold and silver vessels. They offered burnt offerings in our Father's house continually, all Jehoiada's lifetime. Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha.
15 Jehoiada grew old and full of years, then died; at his death he was 130 years old. Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu.
16 They buried him in the City of David among the kings, for doing good in Israel toward our Father and his house. Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake.
17 After Jehoiada died, Judah's officials came and bowed to the king, and he listened to them. Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari.
18 They abandoned our Father's house, God of their ancestors, served Asherah poles and idols—so anger came on Judah and Jerusalem for this guilt. Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema.
19 Yet our Father sent them prophets to bring them back to himself; they warned them, but they wouldn't listen. Kunyange zvazvo Jehovha akatumira vaprofita kuvanhu kuti vavadzosere kwaari, uye kunyange vaipupura zvakaipa nezvavo, havana kuteerera.
20 Then the Spirit of our Father came on Zechariah son of Jehoiada the priest. He stood before the people and said, "This is what our Father says: Why break his commands? You won't succeed—you abandoned him, so he abandons you." Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista. Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’ ”
21 They conspired against him, stoning him in our Father's house courtyard at the king's command. Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha.
22 King Joash forgot the kindness Zechariah's father Jehoiada had shown him and killed his son. As Zechariah was dying he said, "May our Father see and require it." Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.”
23 At the turn of the year Aram's army attacked Joash, invaded Judah and Jerusalem, killed all the people's officials, sent all their plunder to Damascus's king. Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko.
24 Though Aram's army came with few men, our Father gave a much larger army into their hand, since Judah abandoned our Father, the God of their ancestors. So judgment fell on Joash. Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakanga ine varume vashoma shoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi.
25 When the Arameans left, leaving him badly wounded, his servants conspired against him for the blood of Jehoiada the priest's son, killing him on his bed. He died and was buried in the City of David, not in the kings' tombs. VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva amadzimambo.
26 Conspirators against him: Zabad son of Shimeath, Ammonite woman, and Jehozabad son of Shimrith, Moabite woman. Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu.
27 His sons, the many prophecies against him, and rebuilding our Father's house are written in the Book of the Kings' commentary; his son Amaziah reigned in his place. Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]