Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After David settled in his house, he told Nathan the prophet, "Look, I live in a cedar house, but the ark of our Father's covenant sits under tent curtains." Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.”
2 Nathan replied to David, "Do all that is in your heart, for our Father is with you." Natani akapindura kuna Dhavhidhi akati, “Zvose zvamunazvo mupfungwa itai nokuti Mwari anemi.”
3 But that night the word of our Father came to Nathan: Usiku ihwohwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti:
4 Go tell David my servant: "This is what your Father says: You are not the one to build me a house to live in." “Enda unotaurira muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Hausiwe uchandivakira imba yokugara.
5 I haven't lived in a house from the day I brought Israel up to now—I've moved tent to tent, dwelling to dwelling. Handina kumbogara mumba kubvira zuva randakaburitsa Israeri kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi. Ndaifamba kubva mutende ndichienda mune rimwe, kubva pane imwe nzvimbo yokugara ndichienda pane imwe.
6 Wherever I moved with all Israel, did I ever speak a word to any of Israel's judges, whom I commanded to shepherd my people, asking, 'Why haven't you built me a cedar house?' Kwose kwose kwandakafamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe zvake wavatungamiri vavo, wandairayira kuti afudze vanhu vangu, “Seiko usina kundivakira imba yomusidhari?” ’
7 So tell my servant David: "This is what the Father of heaven's armies says: I took you from the pasture, from following the flock, to be ruler over my people Israel. “Zvino naizvozvo udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mutongi wavanhu vangu Israeri.
8 I've been with you everywhere you went, and cut off all your enemies before you. Now I'll make your name like the name of earth's greatest ones. Ndakanga ndinewe kwose kwawaienda uye ndakauraya vavengi vako vose pamberi pako. Zvino ndichaita kuti zita rako rive samazita avarume vakuru kwazvo panyika.
9 I will appoint a place for my people Israel and plant them there, to live in their own home, never disturbed again. Wicked people will no longer wear them down as before, Uye ndichapa nzvimbo kuvanhu vangu Israeri uye ndichavadyara kuti vave nomusha wavo pachavo uye kuti vasazokanganiswa. Vanhu vakaipa havangazovadzvinyiriri zvakare sezvavakavaita pakutanga
10 since I appointed judges over my people Israel, I will subdue all your enemies. I tell you: your Father will build you a house. uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. “ ‘Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba:
11 When your days end and you go to be with your ancestors, I will raise your offspring after you, one of your sons, and I will establish his kingdom. Kana mazuva ako akwana uye pauchaenda kundova namadzibaba ako, ndichasimudza mwana wako achakutevera paumambo, mumwe wavanakomana vako pachako uye ndichasimbisa umambo hwake.
12 He is the one who will build me a house, and I will establish his throne forever. Iyeye ndiye achandivakira imba, uye ndichasimbisa chigaro chake choumambo nokusingaperi.
13 I will be his Father; he will be my son. I won't remove my covenant love from him as I removed it from the one before you. Ndichava baba vake uye iye achava mwanakomana wangu. Handizobvisi rudo rwangu kwaari zvakare sokurubvisa kwandakaita kune akakutangira.
14 I will set him over my house and my kingdom forever; his throne will stand firm forever." Ndichamugadza kuti atonge imba yangu noumambo hwangu nokusingaperi; chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.’ ”
15 Nathan reported to David all these words and this entire vision. Natani akandotaura kuna Dhavhidhi mashoko ose echiratidzo chose ichi.
16 Then King David went in, sat before our Father, and said, "Who am I, my Father, and what is my house, that you have brought me this far? Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda akagara pamberi paMwari akati: “Ndini aniko, nhai Jehovha Mwari, uye mhuri yangu chiiko, kuti mandisvitsawo pano?
17 And as if this were a small thing in your eyes, my Father—you have spoken of your servant's house reaching into the distant future, and you have looked on me as the greatest of men, my Father. Uye sokuti izvi hazvina kukwana pamberi penyu, haiwa Mwari, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Mandiona sokunge ndini ndinokudzwa kupinda vanhu vose, imi Jehovha Mwari.
18 What more can David say to you for honoring your servant? For you know your servant. “Chiizve chimwe chingataurwa naDhavhidhi kwamuri nokuda kwokuti maremekedza muranda wenyu kudai? Nokuti munoziva muranda wenyu,
19 My Father, for your servant's sake and by your own heart, you have done all these great things, revealing all these great promises. imi Jehovha, nokuda kwomuranda wenyu uye maererano nokuda kwenyu maita chinhu chikuru ichi mukaita kuti zvivimbiso izvi zvikuru zviziviswe.
20 My Father, none is like you, no Father besides you, as all we've heard with our ears. “Hakuna mumwe akaita semi, imi Jehovha, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu pachedu.
21 Who is like your people Israel, the one nation on earth our Father went to redeem as a people for himself, making yourself a name by great and awesome deeds, driving out nations before your people, whom you redeemed from Egypt? Uye ndiani akaita savanhu venyu Israeri, rudzi rumwe chete panyika runa Mwari warwo akaenda kundozvidzikinurira vanhu, kuti azviitire zita, uye kuti aite zvishamiso zvikuru zvinotyisa, nokudzinga ndudzi kubva pamberi pavanhu venyu vamakadzikinura kubva kuIjipiti?
22 You made your people Israel your very own forever, and you, my Father, became their Father. Makazvigadzirira vanhu venyu Israeri kuti vave venyu pachenyu nokusingaperi, uye imi, imi Jehovha, mava Mwari wavo.
23 Now, my Father, let the word you spoke about your servant and his house stand forever; do as you have spoken. “Uye zvino, Jehovha, itai kuti chivimbiso chamaita kumuranda wenyu neimba yake chisimbiswe nokusingaperi. Itai sezvamakavimbisa,
24 Let it stand, and your name grow great forever, so it's said, 'The Father of heaven's armies is our Father over Israel.' Let your servant David's house be established before you. kuitira kuti chisimbiswe uye kuti zita renyu rive guru nokusingaperi. Ipapo vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ndiye Mwari waIsraeri.’ Uye imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
25 For you, my Father, revealed to your servant that you will build him a house—so your servant found courage to pray before you. “Imi Mwari wangu, mazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba. Saka muranda wenyu atsunga kuti anyengetere kwamuri.
26 Now, my Father, you are our Father; you promised your servant this good thing. Haiwa Jehovha, muri Mwari! Mavimbisawo zvinhu izvi zvakanaka kumuranda wenyu.
27 Now you have chosen to bless your servant's house, so it may continue before you forever; for you, my Father, have blessed it, and it is blessed forever." Zvino makafadzwa kuti muropafadze imba yomuranda wenyu kuti ienderere mberi nokusingaperi pamberi penyu, nokuti imi, imi Jehovha, mairopafadza uye ichava yakaropafadzwa nokusingaperi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]