Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Chronicles 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 They brought the ark of our Father and set it inside the tent that David had pitched for it, and they offered burnt offerings and peace offerings before our Father. Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.
2 When David had finished offering the burnt offerings and peace offerings, he blessed the people in the name of our Father. Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.
3 And he distributed to every Israelite, both men and women, a loaf of bread, a date cake, and a raisin cake. Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.
4 He appointed some of the Levites to minister before the ark of our Father, to invoke, to give thanks, and to praise our Father. Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:
5 Asaph was the chief, and second to him were Zechariah, then Jeiel, Shemiramoth, Jehiel, Mattithiah, Eliab, Benaiah, Obed-edom, and Jeiel, with harps and lyres; and Asaph sounded the cymbals. Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
6 Benaiah and Jahaziel the priests were to blow the trumpets regularly before the ark of the covenant of our Father. uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7 On that day David first appointed Asaph and his brothers to give thanks to our Father: Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8 Give thanks to our Father; call upon his name; proclaim his deeds among the peoples! Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
9 Sing to him; sing praises to him; tell of all his wondrous works! Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
10 Exult in his holy name; let the hearts of those who seek our Father rejoice! Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
11 Seek our Father and his strength; seek his presence continually! Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
12 Remember the wondrous works that he has done, his miracles and the judgments he pronounced. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
13 You children of Israel his servant, you sons of Jacob, his chosen ones! Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake, haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14 He is our Father; his judgments are in all the earth. Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose.
15 Remember his covenant forever, the word he commanded for 1,000 generations, Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa.
16 the covenant he made with Abraham, his sworn oath to Isaac, Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
17 which he confirmed to Jacob as a statute, to Israel as an everlasting covenant, Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
18 saying, "To you I will give the land of Canaan as your allotted inheritance." “Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.”
19 When you were few in number, of little importance, and strangers in the land, Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,
20 wandering from nation to nation, from one kingdom to another people, vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
21 he allowed no one to oppress them; he rebuked kings on their account, Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo.
22 "Do not touch my anointed ones, and do my prophets no harm!" “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
23 Sing to our Father, all the earth! Proclaim his salvation day after day. Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24 Publish his glorious deeds among the nations; tell every people the amazing things he has done! Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25 For great is our Father, and most worthy of praise; he is to be feared above all gods. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26 For all the gods of the peoples are idols, but our Father made the heavens. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.
27 Splendor and majesty are before him; strength and joy are in his dwelling. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
28 Ascribe to our Father, all families of the peoples, ascribe to our Father glory and strength! Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
29 Ascribe to our Father the glory due his name; bring an offering and come before him! Worship our Father in the splendor of holiness. ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
30 Tremble before him, all the earth! Indeed, the world is firmly established; it will never be moved. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi.
31 Let the heavens be glad, and let the earth rejoice, and let them say among the nations, "Our Father reigns!" Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
32 Let the sea roar, and all that fills it; let the fields exult, and everything in them! Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
33 Then the trees of the forest will sing for joy before our Father, for he comes to judge the earth. Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika.
34 Give thanks to our Father, for he is good; for his covenant love endures forever! Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
35 Say also: "Save us, our Father; gather us and rescue us from among the nations, that we may give thanks to your holy name and exult in your praise." Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.”
36 Blessed be our Father, from everlasting to everlasting! Then all the people said, "Amen!" and praised our Father. Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
37 So David left Asaph and his brothers there before the ark of the covenant of our Father, to minister regularly before the ark as each day required, Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.
38 and Obed-edom with his sixty-eight brothers; Obed-edom son of Jeduthun and Hosah were to be gatekeepers. Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
39 And Zadok the priest and his fellow priests served before the tabernacle of our Father at the high place that was at Gibeon, Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni
40 to offer burnt offerings to our Father on the altar of burnt offering regularly, morning and evening, according to all that is written in the law of our Father, which he commanded Israel. kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.
41 With them were Heman and Jeduthun and the rest of those chosen and designated by name to give thanks to our Father, for his covenant love endures forever. Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”
42 Heman and Jeduthun had with them trumpets and cymbals to sound, and instruments for the sacred songs of our Father. The sons of Jeduthun were stationed at the gate. Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.
43 Then all the people departed, each to his home, and David turned to bless his own household. Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]