Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Romans 4 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 What then should we say that Abraham, our physical forefather, has found? Zvino toti chiiko pamusoro paAbhurahamu teteguru vedu panyama?
2 For if Abraham was justified by works, he has something to boast about—but not before our Father. Ndava dai Abhurahamu adoruramisiwa nomabasa, angadai ano chokuzvikudza nacho, manje pamberi paMwari, haanai.
3 For what does Scripture say? Abraham believed our Father, and it was counted to him as righteousness. Ko Gwaro rinoti chii? “Abhurahamu adotenda Mwari ndokubva waverengehwa pakuva adorurama.”
4 To the one who works, wages aren't credited as a gift but as what's owed. Zvino kumunhu anoshanda, muhoro wache haudaidziwe kuti chipo, asi unenge uri muripo wache.
5 But to one who does not work, but trusts him who justifies the wicked, his faith is counted as righteousness. Asi kumunhu asinai kushanda asi achindovimba naiye anoruramisa adoipa, kutenda kwacheko ndiko kunoverengewa kuti ndiko kururama.
6 As David also speaks of the blessing of the person our Father credits righteousness to, apart from works: Dhavhiti anorevawo zvibodzi bodzizvo paanonyaira zvokukomborehwa kwomunhu anoverengehwa pakururama naMwari, pasinai mabasa:
7 "Blessed are those whose lawless deeds are forgiven, and whose sins are covered; “Vadokomborehwa ivo vano zvitema zvidoregerehwa, nozvakaipa zvidofukidziwa,
8 blessed is the one whose sin our Father will never count against him." adokomborehwa munhu uyo Mwari waasingadzoverengera zvitema zvache.”
9 Is this blessing only for the circumcised, or also the uncircumcised? We say Abraham's faith was credited as righteousness. Anga chikomborero ichochi nyhovadochecheudziwa vega vega nai kana kuti novasinai kuchecheudziwa nyhavowo? Tambonyaira tichiti kutenda kwaAbhurahamu ndiko kudomuita kuti averengehwe pakururama.
10 How then was it credited? While he was circumcised, or uncircumcised? Not while circumcised, but while uncircumcised. Zvanga zvidomira tini paadoverengehwa pakururama? Wanga wabva kuchecheudziwa chere kana kuti wanga asati? Wanga asati, aikona wabva kuchecheudziwa.
11 He received circumcision as a sign, a seal of the righteousness he had by faith while still uncircumcised, so he would be father of all who believe though uncircumcised, with righteousness credited to them too, Futi adotodzotambira chiratidzo chokuchecheudziwa sechisimbiso chokururama kwaanga awana nokutenda asati wachecheudziwa. Chinangwa changa chiri chokumuita baba wovese vanotenda asi vasinai kuchecheudziwa kuitira kuti vaverengehwe pakururama.
12 and father of the circumcised who are not only circumcised but also walk in the footsteps of the faith our father Abraham had while uncircumcised. Ari kamu baba wovadochecheudziwa, aikona vadochecheudziwa vega asiwo noavo vanotekaira mutsoka dzokutenda kwanga kuri muna baba vedu Abhurahamu asati wachecheudziwa.
13 For the promise to Abraham and his offspring that he would inherit the world did not come through the law, but through faith's righteousness. Chivimbiso kuna Abhurahamu nokuvana vache, chokuti vachagara nhaka yonyika, hachinai kuuya kuburikidza nomutemo, asi kuburikidza nokururama kwokutenda.
14 For if those who live by the law are heirs, faith is emptied and the promise nullified. Kana vanorarama mumutemo vari ivo vaji vonhaka, kutenda kunenge kusisina kukosha, kana nochivimbiso hachichinawo basa.
15 Law brings wrath; where there is no law, there is no violation. Ndava mutemo unouyisa ukari, futi pasinai mutemo hapanai kuchora mutemo.
16 So it comes by faith, to be by grace, guaranteeing the promise to all the offspring—not only those tied to the law but also those who share Abraham's faith, father of us all, Nokuti chivimbiso chidotsamira pakutenda kuitira kuti chive chomutsa kuti pavewo nochokwadi kuti chinosvika kuvana vache vese, aikona vaye vari mumutemo vega vega, asi novayewo vokutenda kwaAbhurahamu anova baba vedu tese.
17 as it is written, "I have made you father of many nations"—before our Father, in whom he believed, who gives life to the dead and calls things that do not exist into being. Semanyorehwo yazvidoitiwa, “Ndakuita baba womarudzi mazinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, iye waadotenda kwaari, Mwari anopasa upenyu vadopfa, anodaidza zvinhu zvisipo kuti zvivepo.
18 Against hope, he believed in hope, becoming father of many nations, as he'd been told: "So will your offspring be." Panga pasingagurupirike, nokutenda Abhurahamu adogurupira, achibva wava baba vomarudzi mazinji, sekunyepewa kwaanga aitiwa kuti, “Ndizvo zvichaita vana vako.”
19 Not weak in faith, he considered his own body already as good as dead—he was about one hundred—and Sarah's womb lifeless. Haanai kuita makhato pakutenda nokuda kwomuiri wache wanga watopfa zvawene, ndava wanga watova nomakore zana, kana noungomwa hwaSara.
20 He did not doubt our Father's promise in lack of faith, but was strengthened in faith, giving glory to our Father, Haanai kugwetedzeka pakutenda achipokana chivimbiso chaMwari asi adojirichira pakutenda achipasa mbiri kuna Mwari.
21 fully convinced that what our Father had promised he was also able to do. Adozara nokugutsikana kuti Mwari chaadovimbisa anogonawo kuchiita.
22 That is why "it was credited to him as righteousness." Ndokusaka kutenda kwache kudoverengehwa pakururama.
23 But the words "it was credited to him" were written not for his sake alone, Mashoko yokuti “Kudoverengehwa kwaari,” yadonyorehwaba iye wega.
24 and also for us who will be credited with it—those trusting the one who raised our Lord Jesus from the dead, Asi nokwatiriwo kuchaverengehwawo daro kana tichitenda maari iye adomutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvadopfa.
25 who was delivered over for our sins and raised to make us right with our Father. Adoisiwa pakupfa nokuda kwozvitema zvedu, asi adomuka kamu noupenyu kuitira kururamisiwa kwedu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]