Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Luke 4 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Jesus, full of the Holy Spirit, returned from the Jordan, led by the Spirit in the wilderness. Zvino Jesu paanga adozara naMweya Mutsvene, adodzoka kubva kuJorodhani, futi adotungamihwa naMweya
2 Forty days, tempted by the devil, eating nothing in those days; when they ended, he was hungry. kwomazuva makumi manai ari musango, achiedzewa najabhurosi. Hapanai chaadoja mumazuva yakareyo, payadodzopera, wanga waanonzara.
3 The devil told him, "If you're the Son of God, tell this stone to become bread." Jabhurosi adoti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, raira ibhwe iri riite zingwa.”
4 And Jesus answered him, "It is written, 'Man shall not live by bread alone.'" Asi Jesu adomupindura achiti, “Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nozingwa basi.’”
5 Then the devil led him up and showed him all the kingdoms of the world in an instant. Zvino jabhurosi adotora Jesu ndokuenda naye padokwirira nonguwa ipfupipfupiyo adomunangidza umambo hwese hwopasi,
6 He said to him, "I will give you all this authority and their glory, for it has been entrusted to me, and I give it to whomever I want. adoti kwaari, “Ndinokupasa ukuru hwesehwu nokubhwinya kwahwene, ndava ndidohupasiwa, uye ndinohupasawo wandinoda.
7 If you, then, will worship me, it will all be yours." Kana ukandinamata, zvese zvingatova zvako.”
8 And Jesus answered him, "It is written, 'You will worship your Father, and serve only him.'" Zvino Jesu adomupindura achiti, “Kudonyohwa kuti, ‘Unofanira kunamata Ishe Mwari wako basi iye chete ndiye waunofanira kushumira.’”
9 Then he led him to Jerusalem, stood him on the temple's highest point, and said, "If you're the Son of God, throw yourself down from here, Ipopo adoenda naye kuJerusarema, ndokumugadzika pakatorotoro koimba yaMwari, ndokuti kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi kubva pakarepano.
10 for it is written, 'He will command his angels concerning you, to guard you,' Ndava kudonyohwa kuti, ‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako, kuti dzikuchengete.’
11 and 'On their hands they will bear you up, so that you won't strike your foot against a stone.'" Futi dzichakukacha, kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’”
12 And Jesus answered him, "It is said, 'You shall not put your Father to the test.'" Zvino Jesu adomupindura achiti, “Zvidotauhwa kuti, ‘Rega kuedza Ishe Mwari wako.’”
13 And when the devil had ended every temptation, he departed from him until an opportune time. Zvino jabhurosi paadopedza kumuyedza nokuedza kwese, adobirika paari kusvikira pava noumwe mukana.
14 Jesus returned to Galilee in the Holy Spirit's power, and news of him spread through the whole region. Zvino Jesu adodzokera kuGaririya ari musimba raMweya, nyaya pamusoro pache idosvika kunzvimbo dzese dzidopoteredza.
15 And he taught in their synagogues, and everyone glorified him. Adodzidzisa mumasinagoge yavo nokurumbidziwa novese.
16 He came to Nazareth, where he was raised, and as usual entered the synagogue on the Sabbath, then stood to read. Zvino adosvika kuNazareta, kwaadokurira, setsika yache adopinda musinagoge nomusi woSabata. Adosumuka kuti averenge,
17 He was handed the scroll of the prophet Isaiah, unrolled it, and found where it was written: adotambidziwa bhuku romuporofiti Isaya. Adophedenura bhuku ndokuwana padonyorewa,
18 "The Spirit of our Father is upon me, because he has anointed me to proclaim good news to the poor. He has sent me to proclaim freedom for the captives and recovery of sight to the blind, to set free those who are oppressed, “Mweya waShe ari pandiri, nokuti adondizodza kuti ndiparidze nyaya idonaka kuvarombo. Adondituma kudzoparidza rusununguko kunhapwa nokudzotsera meso kumarombe, nokusunungura vadodzvinyirihwa,
19 to proclaim the year of our Father's favor." kuti ndiparidze gore raShe rinotambirika.”
20 He rolled up the scroll, gave it back to the attendant, and sat down. Every eye in the synagogue was fixed on him. Ipopo adovhara bhuku, ndokuridzotsera kumubati, achibva wagarikika, meso yovese vanga vari musinagoge yadomudzvokora.
21 And he began to say to them, "Today this Scripture has been fulfilled in your hearing." Iye adothanga kuti kwavari, “Nasi gwaro iri razazisiwa munzeve dzenyu.”
22 All spoke well of him, amazed at the gracious words from his mouth, and said, "Isn't this Joseph's son?" Zvino vese vadonyaira zvidonaka pamusoro pache vachishamisika nomashoko yotsitsi yadobirika mumuromo mache. Vadobva vati, “Anga wakareyu mwanakomanaba waJosefa nai?”
23 He said to them, "Surely you'll quote this proverb to me: 'Doctor, heal yourself.' Do here in your hometown, too, what we heard happened in Capernaum." Iye adoti kwavari, “Pasina kupokana, muchanyaira tsumo kwandiri yokuti, ‘Murapi, zvirape, zvatidonzva kuti udoita kuKaperenaume, zviitewo muno mumusha mako.’”
24 And he said, "Truly, I say to you, no prophet is acceptable in his hometown. Ndokubva wati kwavari, “Chokwadi ndinoti kwamuri, hapanai muporofiti anotambirika munyika yache.
25 But truly I tell you, many widows lived in Israel in Elijah's days, when the sky was shut three years and six months and a great famine struck the whole land, Asi ndinokuudzai chokwadi, paiva novajiche vazinji muIzirairi pamazuva yaEriya, padozarihwa denga kwomakore matatu nomwedzi mitanhatu, kudouya nzara ikuru munyika yese,
26 and Elijah was sent to none of them but only to a widow in Zarephath of Sidon. Eriya adotumiwaba kuno umwe wavo, asi kumujiche kuZarefati basi, munyika yoSidhoni, kumukadzi wanga ari mujiche.
27 Many had leprosy in Israel in the days of the prophet Elisha, yet none was made clean except Naaman the Syrian." Futi muIzirairi manga muno vomapere vadowanda panguwa yomuporofiti Erisha, asi hapanai kana mubodzi adoporesewa kunze kwaNaamani muSiriya.”
28 When they heard these things, everyone in the synagogue was furious. Pavadonzva zvakarezvo, vese vanga vari musinagoge vadozara noukari.
29 They got up, drove him out of town, and took him to the edge of the hill their town was built on, to throw him off the cliff. Vadosumuka vachimubiritsa muguta, vadoenda naye kumapiripiri yopakatunhu panova padovakhihwa guta ravo, kuti vamugwididzire awe nomusoro.
30 But he walked through the crowd and went away. Asi iye adobirika nopakati pavo ndokuenda zvache.
31 He went down to Capernaum, a town in Galilee, and taught them on the Sabbath, Zvino adoenda kuKaperenaume, guta roGaririya, wanga achivadzidzisa nomusi woSabata.
32 and they were astonished at his teaching, for his word possessed authority. Futi vadoshamisika nokudzidzisa kwache, nokuti shoko rache ranga rino chikuriri.
33 In the synagogue was a man with the spirit of an unclean demon; he cried out in a loud voice, Musinagogemo manga muno murume wanga ano mweya riri shave ridoipa, adokuwa zvinoruzha achiti,
34 Ha! What do you want with us, Jesus of Nazareth? Have you come to destroy us? I know who you are—God's Holy One. “Aa! Munei nesu Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai, kuti muri Mutsvene waMwari!”
35 Jesus rebuked him: "Be silent and come out of him!" The demon threw him down before them all, came out, and did him no harm. Asi Jesu adomudzuma achiti, “Nyarara ubirike maari!” Zvino shave paridomuwisira pasi pakati povanhu, ridobirika risinai kumukuwadza.
36 All were amazed and asked each other, "What word is this? With authority and power he orders unclean spirits, and they leave!" Vese vadoshamisiwa nazvo ndokutaurirana vachiti, “Shoko hwai rakareri? Ndava nosimba rochikuriri anodzuma mweya idoipa, ichibva yabirika!”
37 And reports about him went out into every place in the surrounding region. Nhau pamusoro pache dzidosvika kumatunhu yese yadopoteredza.
38 And he arose and left the synagogue and entered Simon's house. Now Simon's mother-in-law was ill with a high fever, and they asked him to help her. Zvino adosumuka ndokubirika musinagoge achipinda mumba maSimoni. Manje amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri zvidonyanya, vadonyepa Jesu pamusoro pokuhwara kwakareko.
39 He stood over her and rebuked the fever; it left her, and she rose at once and began serving them. Jesu adomira pamberi paamezvara vaSimoni Pita ndokudzuma denda. Vadobva vapora kabodzi nokabodzi padenda rakarero, ivo ndokusumuka nokamangu vachitenairira vanhu.
40 As the sun set, all who had someone sick with various diseases brought them to him; laying his hands on each one, he healed them. Zvino zuva paranga raakunyura ratoti piriviri vese vanga vano vahwere vomatenda yadosiyanasiyana vadouya novahwerevo kuna Jesu, iye adoisa maoko yache pamusoro pavo vese achivaporesa.
41 Demons also came out of many, shouting, "You are the Son of God!" He silenced them, forbidding them to speak, since they knew he was the Christ. Mashave yadobirikawo muvanhu vazinji, yachikuwa yachiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi iye adoyadzuma, achiyarambidza kunyaira, ndava yaiziva kuti ndiye Khirisitu.
42 At daybreak he went out to a remote place. Crowds looked for him, came to him, and tried to keep him from leaving them. Pakwanga kwachena adobirika achienda kwake wega. Vanhu vadomutsvaga ndokumuwana, vadoedza kumuchengetedza kuti arege kudzovasiya.
43 But he told them, "I must announce the good news of our Father's kingdom to the other towns too—this is why I was sent." Asi iye adoti kwavari, “Ndinofanira kuparidza Nyaya Idonaka youmambo hwaMwari kunoyamwe maguta futi, ndava ndizvo zvandidotumiwa.”
44 And he was preaching in the synagogues of Judea. Zvino wanga achiparidza mumasinagoge yomuJudhiya.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]