Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Luke 2 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 In those days Caesar Augustus issued a decree to register the whole inhabited world. Pamazuva yakareyo chirevo chidobva kuna Ogasito Khesari kuti nyika yese inyohwe.
2 This was the first registration, when Quirinius was governor of Syria. Kwakareku kwanga kuri kunyohwa kwokuthanga kudoitiwa Sairiniyasi ari mutongi woSiriya.
3 Everyone went to be registered, each to his own town. Munhu wese adoenda konyohwa, umwe noumwe kuguta rache.
4 Joseph too went up from Galilee, from the town of Nazareth, to Judea, to the city of David called Bethlehem, since he belonged to David's house and family, NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti.
5 to be registered with Mary, his fiancée, who was expecting a child. Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba,
6 While they were there, the time came for her to give birth. futi pavanga vari kwakareko, nguwa yokupona kwaMariya idosvika.
7 She gave birth to her firstborn son, wrapped him in cloths, and laid him in a manger, because the inn had no place for them. Adopona mwana wache mukomana wodangwe ndokumuputiridza nomapiza, nokumuenzeresa muchijiro chozvipfuwo, ndava kwanga kusinai nzvimbo mudzimba dzovarendo.
8 Shepherds were in that same region, staying out in the fields, keeping watch over their flock by night. Mudunhu rakarero manga munananyakabusa, vaichengeta mahwai yavo usiku.
9 An angel of our Father stood before them; the glory of our Father shone around them, and great fear seized them. Ngirozi yaIshe idozvionesa kwavari, kubhwinya kwaIshe ndokuvapenyera kumativi yese, ivo ndokubatiwa nokucha.
10 The angel told them, "Don't be afraid—I bring good news of great joy for everyone: Ipopo ngirozi idoti kwavari, “Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese.
11 Today in the city of David, a Savior was born to you—Christ the Lord. Ndava nasi muguta raDhavhiti, mazvarihwa Muponisi, ndiye Khirisitu Ishe.
12 This is your sign: you'll find a baby wrapped in cloths, lying in a manger." Futi ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri, muchawana mwana adoputiridziwa nomapiza adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo.”
13 Suddenly there was with the angel a multitude of the heavenly host, praising our Father and saying, Kabodzi nokabodzi kudovapo pabodzi nongirozi yakareyo hondo yokudenga ikurufutiyo, yanga ichirumbidza Mwari ichiti,
14 "Glory to our Father in the highest, and on earth peace among those with whom he is pleased!" “Kubhwinya mbakuve kuna Mwari Wokumusorosoro, nopanyika mbapave norugare pakati povanhu vanomufadza!”
15 When the angels left them for heaven, the shepherds said to each other, "Let's go straight to Bethlehem and see this thing that has happened, which our Father has made known to us." Ngirozi padzidobirika pavari dzichienda kudenga, anyakabusa vadotaurirana vachiti, “Mbatiendei kuBheterehema toona chinhu chakarechi chaitika, chataudziwa naIshe.”
16 They hurried off and found Mary and Joseph, and the baby lying in the manger. Saka vadoenda nokamangu, ndokuwana Mariya naJosefa, nomwana adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo.
17 When they saw him, they made known what had been told them about this child. Pavadomuona vadozivisa zvanga zvatauhwa kwavari pamusoro pomwana wakareyo.
18 All who heard were amazed at what the shepherds told them. Vanhu vese vadozvinzva vadoshamisiwa nozvavadonyepewa nananyakabusa.
19 But Mary treasured up all these things, pondering them in her heart. Asi Mariya adochengeta zvinhu zvakarezvo zvese, achizvifungitsitsa mumwoyo mache.
20 The shepherds returned, glorifying and praising our Father for all they'd heard and seen, just as they were told. Anyakabusa vadodzokera, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pozvese zvavadonzva nozvavadoona, semaudzihwo yavanga vaitiwa.
21 When eight days for his circumcision were complete, he was named Jesus, the name the angel gave before he was conceived in the womb. Mumasure momazuva masere, mwana paanga wachecheudziwa, adotenzewa zita rokuti Jesu, iro raadopasiwa nongirozi asati wava mudumbu.
22 When their days of purification under the Law of Moses ended, they brought him up to Jerusalem to present him to our Father, Padokwana nguwa yokuzvinatsa kwavo maererano nomutemo waMozisi, vadouya naye kuJerusarema kuti vamupereke kuna Ishe
23 (as it is written in our Father's Law, "Every firstborn male will be called holy to our Father"), Zvakarezvi zvidoitika kuti mutemo waIshe uzazisiwe unoti, “Murume wese anozurura chibereko achanzi mutsvene kuna Ishe.”
24 and to offer a sacrifice as the Law of our Father says: a pair of turtledoves or two young pigeons. Vadodzoenda kopira chipiriso zvichienderana nozvinotauhwa nomutemo waIshe, zvinoti, “tuvana tuiri tonjiva, kana marunga mairi yohangaiva.”
25 In Jerusalem lived a man named Simeon, righteous and devout, waiting for Israel's comfort, with the Holy Spirit on him. Zvino muJerusarema maiva nomunhu waiitiwa Simiyoni, murume wakareyu wanga adorurama futi adozvipira, waitarisira kunyaradziwa kwovaIzirairi, Mweya Mutsvene wanga ari paari.
26 The Holy Spirit had revealed to him he wouldn't die before seeing our Father's Christ. Wanga adoisihwa pachenu naMweya Mutsvene kuti waidzoonaba ipfa asati waona Khirisitu waIshe.
27 Prompted by the Spirit, he entered the temple. As the parents brought in the child Jesus to do for him what the Law required, Paadofemehwa naMweya adouya muimba yaMwari, zvino vabereki pavadouya nomwana Jesu, kudzomuitira zviri maererano notsika yomutemo,
28 Simeon took him up in his arms and blessed our Father, saying, Simiyoni adotora mwana mumaoko mache achibva warumbidza Mwari achiti,
29 "Sovereign Father, now you are letting your servant depart in peace, according to your word. “Ishe, zvino chiregai zvenyu muranda wenyu aende norugare, maererano noshoko renyu,
30 For my eyes have seen your salvation, ndava meso yangu yaona ruponiso renyu
31 which you have prepared in the presence of all peoples: ramudogadzirira pamberi povanhu vese,
32 a light for revelation to the Gentiles, and for glory to your people Israel." chiedza chokuzarurihwa kumarudzi yasiri maJudha, nokubhwinya kuvanhu venyu vaIzirairi.”
33 His father and mother were amazed at what was said about him. Baba vache namai vache vadoshamisiwa nozvidonyaihwa pamusoro pache.
34 And Simeon blessed them and told Mary, his mother, "This child is appointed for the fall and rising of many in Israel, and to be a sign that is opposed, Zvino Simiyoni adovaropafadza achibva wati kuna Mariya amai vache, “Ona, Mwana wakareyu adomisihwa kuwa nokusumuka kwovazinji muIzirairi, nochiratidzo chinonyaihwa zvokupikisa
35 and a sword will pierce through your own soul also—so that thoughts from many hearts may be revealed." futi bakatwa richakubaya nokutobirikira pamweya pako, kuti pfungwa dzomuhana dzovazinji dziisiwe pachenu.”
36 Also there was Anna, a woman prophet, daughter of Phanuel of Asher's tribe, very old, having lived with her husband seven years after her virginity, Paiva nomuporofitikadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, wodzinza raAsha, wanga atochemberetsa, wanga wandogara nomurume wache makore manomwe kubva paumhandara hwache,
37 and a widow until eighty-four, never leaving the temple, worshiping with fasting and prayer night and day. wanga ari mujiche kusvikira wava nomakore makumi masere nomanai. Waibirikaba muimba yaMwari, wainamata nokutsanya achinyengetera usiku nomasikati.
38 Coming up at that same hour, she gave thanks to our Father and spoke of the child to all awaiting Jerusalem's redemption. Paadouya nguwa yakareyo, adopasa kutenda kuna Mwari, achibva wanyaira pamusoro pache kuno vese vanga vadotarisira kudzikinuhwa kwoJerusarema.
39 When they finished everything required by our Father's Law, they returned to Galilee, to their own town of Nazareth. Pavadoita zvese zviri maererano nomutemo waIshe, vadodzokera kuGaririya, kuguta ravo, Nazareta.
40 The child grew, becoming strong, filled with wisdom, and our Father's favor was on him. Mwana adokura ndokuva nosimba, adozara nouchenjeri, nonyasha dzaMwari dzaiva paari.
41 Now his parents went to Jerusalem every year at the Feast of Passover. Zvino vabereki vache vaienda kuJerusarema makore yese kumabiko yoPhasika.
42 When he was twelve years old, they went up according to the custom of the feast. Jesu paanga wava nomakore gumi nomairi, vadoenda kumutambo zvaiva maererano notsika.
43 When the festival ended and they left for home, the boy Jesus stayed behind in Jerusalem, unknown to his parents. Padodzopera mutambo, vabereki vache vaakudzokera kumba, mwanakomana Jesu adosara kuJerusarema, asi vabereki vache vanga vasingazvizive,
44 Thinking he was in the group, they traveled a day's journey, then searched for him among relatives and acquaintances. vaifunga kuti wanga ari pabodzi naabiyavo, ndokufamba kwozuva rese, asi vadothanga kumutsvaga pakati pohama dzavo noshamwari dzavo.
45 When they did not find him, they returned to Jerusalem, searching for him. Zvino pavadomusaya, vadodzoka kuJerusarema komutsvaga.
46 After three days they found him in the temple, sitting among the teachers, listening to them and asking them questions. Kwapera mazuva matatu vadodzomuwana ari muchivanze choimba yaMwari, wanga adogarikika pakati povadzidzisi, achivatetekera nokuvabvunza mibvunzo.
47 All who heard him were amazed at his understanding and his answers. Vese vadomunzva vadoshamisika nomunzvitsitsiro wache nomhinduro dzache.
48 When his parents saw him, they were astonished. His mother said, "Child, why have you done this to us? Look, your father and I have been anguished, searching for you." Vabereki vache pavadomuona vadoshamisika, amaache vadobva vati kwaari, “Nai mwana, watiitirei daipa? Ona, baba vako nainipano tanga tichishupika kukutsvaga.”
49 He said to them, "Why were you searching for me? Didn't you know I must be in my Father's house?" Iye adoti kwavari, “Ko manga muchinditsvagirei? Hamuzive nai kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?”
50 But they did not understand the saying that he spoke to them. Asi havanai kunzvitsitsa zvaanga achinyaira kwavari.
51 Then he went down with them and came to Nazareth, remaining obedient to them. His mother kept all these things in her heart. Zvino adoenda navo ndokusvika kuNazareta, futi waivateerera, asi amai vache vadochengeta zvinhu zvakarezvi zvese mumwoyo mavo.
52 Jesus increased in wisdom and stature and in favor with our Father and with people. Futi Jesu adoingidzika pauchenjeri nopamumhu, nopakudikana naMwari novanhu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]