Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 13 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Now, before the Passover festival, Jesus knew his hour had come to leave this world to his Father. Having loved his own in the world, he loved them to the end. Zvino mutambo woPhasika usati wasvika, Jesu achiziva kuti nguwa yache yasvika yokuti abirike panyika achienda kuna Baba, paadoda vache vanga vari panyika, adovada kusvika pakupedzisira.
2 During supper, the devil had already put into Judas son of Simon Iscariot's heart the plan to betray Jesus. Panguwa yokuja kwomauro, jabhurosi wanga watodira kare mumwoyo maJudhasi mwanakomana waSaimoni Sikariyoti pfungwa yokupandukira Jesu.
3 Jesus, knowing that the Father had given everything into his hands, and that he had come from him and was returning to him, Jesu achiziva kuti Baba vadoisa zvese mumanja yache, futi kuti adouya kubva kuna Mwari futi kuti wanga achienda kuna Mwari,
4 rose from supper, took off his outer clothes, picked up a towel, and tied it around his waist. saka adosumuka kubva patafura ndokubisa jasi rache rokunze achidira padivi, achibva wazvisunga nothauro,
5 Then he poured water into a basin and began washing the disciples' feet, drying them with the towel tied around him. zvino adodururira mvura mumbiya ndokuthanga kushambidza tsoka vadzidzi achidzipukuta nothauro raanga adozvisunga naro.
6 He came to Simon Peter, who said to him, "Lord, are you going to wash my feet?" Adosvika pana Simoni Pita, zvino Pita adobva wati kwaari, “Ishe, maakushambidza tsoka dzangu chere?”
7 Jesus answered him, "You do not realize now what I am doing, but later you will understand." Jesu adomupindura, “Zvandiri kuita hauzvizive iye manje, asi uchadzozvinzvitsitsa pasure.”
8 "You will never wash my feet," Peter said. Jesus answered, "Unless I wash you, you share nothing with me." Pita adoti kwaari, “Hamungamboshambidza tsoka dzangu.” Jesu adomupindura, “Ndikareka kukushamba, haungave wangu.”
9 Simon Peter said to him, "Lord, not only my feet, but also my hands and head!" Simoni Pita adoti kwaari, “Ishe, aikona tsoka dzangu chete asi nomaoko yangu nomusoro wangu futi!”
10 Jesus told him, "One who has bathed needs only to wash his feet—he is fully clean. You are clean, but not all of you." Jesu adoti kwaari, “Uyo anenge washamba zvichadaba kuti ashambidziwe, kusiya kwomakumbo yacheyo chete, ndava watochena muviri wese, futi mudotochena, asi hamusi mese.”
11 He knew who would betray him; that's why he said, "Not all of you are clean." Ndosaka adoti “Mudochenaba mese” ndava waiziva kuti mbani waidzomupandukira.
12 After washing their feet and dressing, he reclined again and said to them, "Do you understand what I have done for you? Paanga washamba tsoka dzavo watotora jasi rache achirisimira nokudzokera panzvimbo yache, adovabvunza achiti, “Manzvitsitsa chere zvandaita kwamuri?
13 You call me Teacher and Lord, and rightly so, for that is what I am. Munondidaidza kuti Mudzidzisi uye Ishe, ipopo munokohorora, ndava ndozvandiri.
14 So if I, your Lord and Teacher, washed your feet, you too must wash each other's feet. Manje kana inini Ishe wenyu noMudzidzisi, ndashamba tsoka dzenyu, saka munofanirawo kushambidzana tsoka.
15 For I have given you an example, that you should do as I have done for you. Nokuti ndakupasai muenzaniso, kuti muitewo zvandaita kwamuri.
16 Truly, truly, I say to you, a servant isn't greater than his master, nor a messenger greater than his sender. Ndinokunyepai chokwadi kuti, muranda haakurire tenzi wache, kana nhume haikurire anoituma.
17 If you know these things, you are blessed if you do them. Kana muchiziva zvinhu izvozvi, mudokomborehwa kana muchizviita.
18 "I don't mean all of you—I know those I've chosen. But Scripture must be fulfilled: 'The one eating my bread has raised his heel against me.' Handisi kureva imimi mese ndinoziva vandidosarura. Asi kuti gwaro rizadzisiwe, ‘Uyo wandaija naye zvokuja zvangu wandipandukira,’
19 I tell you now, before it happens, so you'll believe, once it happens, that I AM. Ndinokunyairirai zvakarezvi iye zvino, zvisati zvaitika, kuti pazvinodzoitika mutende kuti Ndini Iye.
20 Truly, truly, I tell you, whoever welcomes someone I send welcomes me, and whoever welcomes me welcomes the one who sent me." Chokwadi ndinokutaurirai kuti wese anotambira wandinotuma anotambirawo inini, futi anotambira inini anotambirawo adondituma.”
21 After saying this, Jesus, troubled in spirit, testified, "Truly, truly, I tell you, one of you will betray me." Zvino Jesu paadonyaira zvakarezvo, adotambudzika mumweya wache ndokuti, “Chokwadi, umwe wenyu achandipandukira.”
22 The disciples looked at one another, at a loss to know which of them he meant. Vadzidzi vadonangarana nangarana, vasingazive waanga achireva.
23 One of his disciples, the one Jesus loved, was reclining at his side. Mumwe wovadzidzi vache, waidiwa naJesu, wanga adotsveyamira papfupi nochipfuwa chaJesu,
24 So Simon Peter motioned to him to ask which one Jesus meant. adotsvetehwa naSimoni Pita achimuti, “Mubvunze kuti ari kutaura ani.”
25 Leaning back against Jesus, he asked him, "Lord, who is it?" Saka wanga ari papfupi naJesu adoti kwaari, “Ishe, angave yani?”
26 Jesus answered, "It's the one I'll give this bread to, once I've dipped it." Then he dipped the bread and gave it to Judas, son of Simon Iscariot. Jesu adomupindura achiti, “Nguyo wandichapasa chimepfu kana ndachiseva mumbenge.” Saka paadoseva chimepfu adochipasa Judhasi, mwanakomana waSimoni Sikariyoti.
27 After Judas took the bread, Satan entered into him. So Jesus told him, "Do quickly what you're doing." Saka mumasure mokutora chimepfu chozingwa, Sathani adopinda muna Judhasi. Jesu adobva wati kwaari, “Zvese zvauchaita, ita nokukurumidza.”
28 But no one reclining at the table understood why he said this to him. Zvino vanga vari patafura hapanai adoziva kuti sei adonyaira zvakarezvi kwaari.
29 Since Judas held the money bag, some thought Jesus meant, 'Buy what we need for the feast,' or, 'Give something to the poor.' Vamwe vadofunga kuti, ndava Judhasi waigara nohomwe yomari, saka Jesu waimunyepa kuti atenge zvavaida pamutambo, kana kuti waifanira kupasa zvimwe zvinhu kuvarombo.
30 As soon as Judas had taken the bread, he went out. And it was night. Saka paadondotambira chimepfu, adoenda panze nokamangu, futi hwanga hwava usiku.
31 After Judas left, Jesus said, "Now the Son of Man is glorified, and my Father is glorified in him. Judhasi paadobirika, Jesu adoti, “Zvino Mwanakomana woMunhu wakudziwa, futi maari Mwari vakudziwa,
32 If my Father is glorified in him, my Father will also glorify the Son in himself and glorify him immediately. Kana Mwari akudziwa maari, Mwari achakudzawo Mwanakomana maari, uye achamukudza kabodzi nokabodzi.
33 Dear children, I'm with you a little longer. You'll look for me, and as I told the Jewish leaders, so I tell you now: where I'm going, you can't come. Vana vangu, ndichava nemi kwokanguwa kadiki. Muchanditsvaga, sezvandidoudza vaJudha saka ndava kukuudzaiwo, ‘Kwandiri kuenda munokonaba kuuya.’
34 I give you a new command: love one another. As I have loved you, so you must love one another. Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro.
35 By this everyone will know that you are my disciples, if you love one another." Kana muchidanana vanhu vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu.”
36 Simon Peter said to him, "Lord, where are you going?" Jesus answered, "Where I'm going you can't follow me now, but you'll follow later." Simoni Pita adomubvunza achiti, “Ishe, muri kuenda poi?” Jesu adomupindura kuti, “Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino, asi uchadzotevera pasure.”
37 Peter asked, "Lord, why can't I follow you now? I'll lay down my life for you." Pita adoti kwaari, “Ishe sei ndisingakone kukuteverai iye manje? Ndinopereka upenyu hwangu nokuda kwenyu.”
38 Jesus replied, "You will lay down your life for me? Truly, truly, I tell you: the rooster won't crow until you have denied me three times." Jesu adomupindura achiti, “Uchapereka upenyu hwako nokuda kwangu chere? Chokwadi, ndinokunyepa kuti, uchandiramba katatu jongwe risati rarira.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]