Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 11 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 A man named Lazarus was sick, from Bethany, the village of Mary and her sister Martha. Zvino umwe murume waiitiwa Razaro wanga achihwara, waibva kuBhetani, musha waMariya, mukoma nomunin'ina naMarita.
2 Mary—whose brother Lazarus was sick—anointed the Lord with fragrant oil and dried his feet with her hair. Uyu ndiye uye Mariya wokuzora Ishe mapfuta achipukuta tsoka dzaIshe nobvudzi rache, ndiye wanga anohanzvadzi yaihwara, yaiitiwa Razaro.
3 So the sisters sent word to him, saying, "Lord, the one you love is sick." Saka hanzvadzi dzaRazaro dzidotumira shoko kuna Jesu dzichiti, “Ishe, uyeuye wamunoda wahwara.”
4 Hearing this, Jesus said, "This sickness won't end in death, but is for the glory of our Father, so the Son of our Father may be glorified through it." Asi Jesu paadozvinzva adoti, “Kuhwara kwakareku hakusi kwoipfa, ndokwokuitira kuti Mwari akudziwe kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudziwe nako”
5 Now Jesus loved Martha and her sister and Lazarus. Zvino Jesu waida Marita naMariya, naRazaro wacho.
6 So when he heard Lazarus was sick, he stayed two more days where he was. Saka paadonzva kuti Razaro wahwara, adoita mazuva mairi adondogara panzvimbo yaanga ari.
7 Then after this he said to the disciples, "Let us go back to Judea." Mumasure mozvakarezvo adoti kuvadzidzi vache, “Mbatiendei kuJudhiya pakare.”
8 The disciples said to him, "Rabbi, the Jews just now tried to stone you, and you're going back there?" Vadzidzi vadoti kwaari, “Mudzidzisi, vaJudha vanga vachida kukutemai nomatombo, asi manje maakuenda kwakarekuye pakare?”
9 Jesus answered, "Aren't there twelve hours in the day? Anyone who walks by day won't stumble - he sees the light of this world. Jesu adovapindura achiti, “Pazuva hapanai maawa gumi nomairi nai? Kana umwe munhu akatekaira masikati, haagwetsewe, ndava anovhenekehwa nochiedza chonyika.
10 But if anyone walks at night, he stumbles, because the light is not in him." Asi kana munhu akatekaira usiku, anogwetsewa, ndava haanai chiedza.”
11 After this, he told them, "Our friend Lazarus has fallen asleep, but I'm going to wake him." Wanyaira deipo, ndokudzoti kwavari, “Shamwari yedu Razaro waenzera, asi ndinoenda komumutsa.”
12 So the disciples said to him, "Lord, if he has fallen asleep, he will get better." Vadzidzi vadoti kwaari, “Ishe, kana waenzera, achapora.”
13 Now Jesus had been speaking about his death, but they thought he meant natural sleep. Zvino Jesu wanga wanyaira zvoipfa yaRazaro, asi ivo vadofunga kuti waireva zvokundozorora adoenzera zvache.
14 So then Jesus told them plainly, "Lazarus has died, Saka Jesu adodzovanyairira zviri pachenu, “Razaro wapfa,
15 I'm glad for your sake I wasn't there, so you'll believe. But let's go to him." futi nokuda kwenyu ndinofara kuti ndanga ndisipo, kuitira kuti mutende. Asi mbatiendei kwaari.”
16 So Thomas, called the Twin, told the other disciples, "Let's go too, and die with him." Thomasi, waiitiwa womamhasa adoti kuno vadzidzi biyache, “Tiendeiwo naye, kuti tipfe pabodzi naye.”
17 So when Jesus arrived, he found that Lazarus had already been in the tomb four days. Zvino Jesu paadosvika, adowana Razaro watoisiwa muguwa, patova nomazuva manai.
18 Bethany was near Jerusalem, about two miles away, Bhetani ranga riri papfupi nokuJerusarema, kudondoita makhiromita matatu,
19 and many of the Jews had come to Martha and Mary to console them about their brother. vaJudha vazinji vanga vaenda kuna Marita naMariya kobata maoko nokuda kwomayanga yohanzvadzi yavo.
20 When Martha heard Jesus was coming, she went to meet him; Mary stayed sitting in the house. Marita paadonzva kuti Jesu wanga achiuya, adoenda kokumana naye, asi Mariya adoramba adogara mumba.
21 Martha said to Jesus, "Lord, if you had been here, my brother would not have died. Marita adoti kuna Jesu, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba.
22 But even now I know that whatever you ask of our Father, he will give you." Asi naipopa ndinoziva kuti chese chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupasai.”
23 Jesus said to her, "Your brother will rise again." Jesu adoti kwaari, “Hanzvadzi yako ichamuka pakare.”
24 Martha said to him, "I know he'll rise again in the resurrection on the last day." Marita adoti kwaari, “Ndinoziva kuti achamuka pakare pakumuka kwozuva rokupedzisira.”
25 Jesus told her, "I am the resurrection and the life. Whoever believes in me will live, even though he dies, Jesu adoti kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama,
26 and everyone who lives and believes in me will never die. Do you believe this?" futi wese mupenyu anotenda kwandiri achapfaba. Unozvitenda chere?”
27 She said to him, "Yes, Lord; I believe you are the Christ, the Son of our Father, the one coming into the world." Adoti kwaari, “Hinde, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari, ari kuuya panyika.”
28 After saying this, she went and called her sister Mary privately: "The Teacher is here—he's calling for you." Paadonyaira zvakarezvo adoenda kodaidza Mariya mukoma nomunin'ina naye, achimuti nokazevezeve, “Mudzidzisi ari pano, futi ari kukudaidza.”
29 When Mary heard this, she rose quickly and went to him. Paadondozvinzva izvozvo, adosumuka nokamangu ndokuenda kwanga kuna Jesu.
30 Jesus had not yet entered the village; he was still where Martha met him. Zvino Jesu wanga asati wapinda mumusha, asi wanga achiri panzvimbo yaadosangana naMarita.
31 The Jews with her in the house, comforting her, saw Mary rise quickly and leave; they followed, thinking she was going to the tomb to weep there. VaJudha vanga vanaye mumba, vachimunyaradza, vadoona Mariya achisumuka kamangu achibirika, vadomutevera vachifunga kuti wanga achienda kuguwa korira ari ikoko.
32 Mary came to Jesus, saw him, fell at his feet, and said, "Lord, if you had been here, my brother would not have died." Zvino Mariya paadosvika panga pana Jesu achimuona, adopfugama pasi pamberi potsoka dzache achiti kwaari, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba.”
33 When Jesus saw her weeping, and the Jews who came with her also weeping, he groaned in spirit and was troubled. Zvino Jesu paadomuona achirira, pabodzi novaJudha vaadouya navo, adodzamihwa mumweya wache ndokushushikana,
34 And he said, "Where have you laid him?" They said to him, "Lord, come and see." futi adodzoti, “Mudomuviga poi?” Vadoti kwaari, “Ishe, uyai muone.”
35 Jesus wept. Jesu adorira.
36 So the Jews said, "See how he loved him!" Saka vaJudha vadoti, “Onai kuti waimuda sei!”
37 But some of them said, "Could this man who opened the blind man's eyes not have kept him from dying?" Asi vamwe vavo vadoti, “Wakareyu wokusvinudza meso yorombe, waikonaba nai kudziirira munhu wakareyu kuti areke kupfa?”
38 So Jesus, again deeply moved in himself, came to the tomb—a cave with a stone against it. Zvino Jesu adonzva kudzamihwa pakare, ndokuenda paguwa, ranga riri bako, nodombo ridoisiwa pamuromo parene.
39 Jesus said, "Take away the stone." Martha, the dead man's sister, said to him, "Lord, he must smell by now—he's been dead four days." Jesu adoti, “Biritsai dombo.” Asi Marita, hanzvadzi yomupfi adoti kwaari, “Ishe iye manje wakutonuhwa, nokuti kwatopera mazuva manai wapfa.”
40 Jesus said to her, "Didn't I tell you: if you believe you'll see our Father's glory?" Jesu adoti kwaari, “Ko handinai kukunyairira kuti kana ukatenda uchaona kubhwinya kwaMwari?”
41 So they removed the stone. Jesus looked up and said, "Father, I thank you that you heard me. Saka vadobiritsa dombo. Jesu adosimudza chiso chache ndokuti, “Baba ndinokutendai kuti mandinzva.
42 I knew you always hear me, but I said this for the crowd standing here, so they may believe you sent me." Ndinoziva kuti munondinzva nguwa dzese, asi ndazvinyaira nondava yovanhu vadomira pano, kuti vatende kuti mudondituma.”
43 When he had said this, he cried out with a loud voice, "Lazarus, come out!" Paadonyaira zvakarezvi, adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, “Razaro, birika.”
44 The dead man came out, feet and hands bound with strips of linen, and his face wrapped in cloth. Jesus said to them, "Untie him; let him go." Munhu adopfa adobirika muguwa, maoko nomakumbo yache yanga yadopomberedzewa nojira, chiso chache chidofukidziwa nofuko. Jesu adoti kwavari, “Mumononorei mapiza yomuguwa mumureke aende.”
45 So many of the Jews who came to Mary and saw what Jesus did believed in him. Saka vaJudha vazinji vanga vauya naMariya vachiona zvidoitiwa naJesu, vadotenda kwaari,
46 But some of them went to the Pharisees and told them what Jesus had done. asi vamwe vavo vadoenda kuvaFarisi ndokuvanyairira zvanga zvaitiwa naJesu.
47 So the chief priests and Pharisees convened the council and said, "What are we doing? For this man performs many signs. Saka vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vadounganidza dare, ndokuti, “Toita tini? Nokuti murume iyeyu ari kuita zviratidzo zvidowanda.
48 If we leave him alone, everyone will believe in him, and the Romans will come and take away both our place and our nation." Tikamureka achienderera mberi daipa, vese vachatenda kwaari, ipopo vaRoma vanodzouya kopwanya zvese, imba yaMwari yedu norudzi redu.”
49 But one of them, Caiaphas, high priest that year, told them, "You know nothing at all. Asi mabiyawo waiitiwa Kefasi waiva muphirisita mukuru gore rakarero, adoti kwavari, “Hapanai chamunoziva peno,
50 Don't you see it's better for you that one man die for the people than the whole nation perish?" munonzvitsitsaba kuti zvidokodzera kwamuri kuti munhu mubodzi apfire vanhu, pano kuti rudzi rese rirege kuparadziwa.”
51 He didn't say this on his own; as high priest that year, he prophesied Jesus would die for the nation, Haanai kunyaira zvakarezvi nokuda kwache wega, asi nondava yokuva kwake muphirisita mukuru gore rakarero, adoporofita kuti Jesu waifanira kupfira rudzi rovaJudha,
52 not only for the nation, but also to gather into one the scattered children of our Father. aikona kuti rudzi iroro rega, asi kuunganidza pabodzi vana vaMwari vadopamwarira pasi pese.
53 So from that day on they plotted to put him to death. Saka kubva pazuva rakarero vadopangana kuti vangamubaye tini.
54 So Jesus no longer moved about openly among the Jews, but withdrew to a town called Ephraim near the wilderness, and stayed there with his disciples. Zvino Jesu haanai kudzotekaira pachenu pakati povaJudha, asi adobirika achienda kudunhu rokunyasi kwosango, kuguta rinoitiwa Efuremu, futi adogara kwakareko novadzidzi vache.
55 The Jews' Passover was near, and many went up from the country to Jerusalem before it to purify themselves. Zvino Paseka mutambo wovaJudha, yanga yaakusvika, futi vazinji vadobva kumatunhu vachienda kuJerusarema Paseka isati yasvika, kuitira kuti vazvinatse.
56 So they looked for Jesus, asking each other as they stood in the temple, "What do you think? Surely he won't come to the feast?" Vanga vachitsvaga Jesu vachitonyairirana vadomira muimba yaMwari vachiti, “Munofungei? Kuti haangauye kumutambo?”
57 The chief priests and Pharisees had ordered that anyone who knew his whereabouts must report it, so they could arrest him. Manje vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vanga vatsindikira vanhu vachiti, wese anenge wandoziva kwaiva naJesu, waifanira kuvaudza kuti vamusunge.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]