Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 In the beginning was the Word, and the Word was with our Father, and the Word was God. Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari.
2 He was in the beginning with our Father. Wanga ari pakuthanga naMwari.
3 All things were made through him, and without him not one thing was made that was made. Zvinhu zvese zvidoitiwa kuburikidza naye, futi kunze kwache hapanai chokugadzihwa changa chidogadzihwa.
4 In him was life, and the life was the light of all people. Maari maiva noupenyu, futi upenyu hwacho hwaiva chiedza chovanhu.
5 The light shines in the darkness, and the darkness has not overcome it. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harinai kuchikunda.
6 There came a man sent from our Father, whose name was John. Kwanga kuno munhu adotumiwa naMwari, waiitiwa Johwani.
7 He came as a witness, to bear witness about the light, so that all might believe through John's witness. Adouira kuti apfakazire chiedza chakarecho, kuti vese vatende kuburikidza naye.
8 He was not the light, but came to bear witness about the light. Iye wanga asiri chiedza chacho, asi adouya kuti apase upfakazi hwochiedza.
9 The true light, which gives light to everyone, was coming into the world. Chiedza chochokwadi chinovhenekera vanhu vese changa chichiuya panyika.
10 He was in the world. The world came into being through him, yet did not know him. Wanga ari panyika, futi nyika idonhadzihwa kuburikidza naiye, asi nyika yacho hainai kumuziva.
11 He came to his own, and his own people did not receive him. Adouya kuvanhu vache, asi vanhu vachevo havanai kumutambira.
12 But to all who received him, believing in his name, he gave the right to become children of our Father, Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari,
13 children born not of blood nor of the will of flesh nor of the will of man, but of our Father. vasinai kuzvahwa nomagazi kana nokuda kwomuviri wonyama, kana nokuda kwomunhu, asi vadozvahwa naMwari.
14 The Word became flesh and lived among us. We saw his glory, the glory of the one and only Son from the Father, full of grace and truth. Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.
15 John testified about him, crying out, "This is the one I meant: he who comes after me outranks me, since he existed before me." Johwani adopasa upfakazi pamusoro pache ndokudaidzira achiti, “Wakareyu ndiye wandidoreva ndichiti, ‘Anouya mumasure mangu asi adondithangira, nokuti wanga aripo inini ndisati ndavapo.’”
16 For from his fullness we have all received, grace upon grace. Nokuti pakuzara kwache, tese tidotambira mutsa pamusoro pomutsa.
17 For the law was given through Moses; grace and truth came through Jesus Christ. Nokuti mutemo udouya kuburikidza naMozisi, asi mutsa nochokwadi zvidouya naJesu Khirisitu.
18 No one has ever seen our Father; the one and only God, close beside the Father, has made him known. Hapanai adomboona Mwari, asi Mwanakomana mubodzi ari pachipfuwa chaBaba ndiye adoita kuti azikane.
19 This is John's testimony, when the Jews sent priests and Levites from Jerusalem to ask him, "Who are you?" Uhwu ndihwo upfakazi hwaJohwani, padouya nhume dzovaJudha kwaari dzichibva kuJerusarema, dzaiva vaphirisita novarevhi, vadomubvunza vachiti, “Ndiwe yani?”
20 He confessed, and did not deny, but confessed, "I am not the Christ." Adopasa upfakazi, haanai kuramba, asi adopasa upfakazi achiti, “Ndiniba Khirisitu.”
21 So they asked him, "What then? Are you Elijah?" "I am not," he said. "Are you the Prophet?" "No," he answered. Ivo vadomubvunza vachiti, “Chii manje? Ndiwe Eriya chere?” Iye adoti, “Ndiniba.” Vadomuti, “Ndiwe muporofiti chere?” Iye adopindura achiti, “Neye.”
22 So they asked, "Who are you? We need to give an answer to those who sent us. What do you say about yourself?" Vadodzoti kwaari, “Ndiwe yani? Tinoda mhinduro yokopasawo vadotituma. Unozviti ndiwe yani?”
23 He said, "I'm the voice of one crying out in the wilderness, 'Make straight the way of the Lord,' as the prophet Isaiah said." adoti, “Ndini ‘izvi roanokuwa musango, yororai nzira yaIshe!’” Ndokunyohwa kwazvidoitiwa nomuporofiti Isaya.
24 Now they had been sent from the Pharisees. Zvino vaimubvunzavo vanga vatumiwa kubva kuvaFarise.
25 They asked him, "Why baptize, then, if you're not the Christ, nor Elijah, nor the Prophet?" Vadomubvunza vachiti, “Manje kana usiri Khirisitu, kana Eriya, kana kuti muporofiti, sei uri kuombeka?”
26 John answered them, "I baptize with water, but among you stands one you do not know, Johwani adovapindura achiti, “Ndinoombeka nomvura, asi pakati penyu padomira umwe wamusingazive,
27 even he who comes after me, whose sandal strap I am not worthy to untie." wakareyo anouya mumasure mangu, ndinokodzeraba kusugudura murawu woshangu dzache.”
28 These things took place in Bethany across the Jordan, where John was baptizing. Zvakarezvi zvidoitika muBhetani kumhiri kwohwizi Jorodhani, kwaanga achiombekera Johwani.
29 The next day, seeing Jesus coming toward him, he said, "Look! The Lamb of our Father—Jesus—who takes away the sin of the world! Mangwanachimuka Johwani adoona Jesu achiuya kwaari ndokubva wati, “Nangarai Hwayana raMwari, rinobvisa zvitema zvonyika!
30 This is the one I meant: 'After me comes a man who ranks before me, because he was before me.' Iyeyu ndiye wandidoreva ndichiti, ‘Mumasure mangu muchauya umwe adondithangira, nokuti wanga aripo kumberi kwangu.’
31 I didn't know him, but I came baptizing with water so he would be revealed to Israel." Inipano handinai kuziva kuti ngupi, nondava yakareyo ndidouya ndichiombeka nomvura, kuti iye anangidziwe kuvaIzirairi.”
32 John testified: "I saw the Holy Spirit descend from heaven like a dove and remain on him. Johwani adopasa upfakazi achiti, “Ndidoona Mweya achiburuka kubva kudenga adoita kunge njiva, ndokuvhoda nokuramba ari paari.
33 I didn't know him, but the one who sent me to baptize with water told me, 'The one you see the Holy Spirit come down and stay on—he is the one who baptizes with the Holy Spirit.' Inini pachangu ndaimuzivaba, asi adondituma kuti ndiombeke nomvura, ndiye adoti kwandiri, ‘Waunoona achivhodewa naMweya achigara paari, wakareyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’
34 And I have seen and have borne witness that this is the Son of our Father." Inini ndidoona ndokupasa upfakazi kuti, wakareyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
35 The next day John was standing again with two of his disciples, Mangwanachimuka Johwani wanga adomira novadzidzi vache vairi,
36 and looking at Jesus as he walked by, he said, "Look! The Lamb of our Father!" ndokunangara Jesu waitekaira zvache, Johwani adobva wati, “Onai Hwayana raMwari!”
37 The two disciples heard him say this, and they followed Jesus. Vadzidzi vairi vadomunzva achitaura zvakarezvo, vadobva vatevera Jesu.
38 Jesus turned, saw them following, and asked, "What do you seek?" They said, "Rabbi" (meaning Teacher), "where do you stay?" Jesu adocheuka, ndokuvaona vachimutevera, iye ndokuti kwavari, “Anga muri kutsvaga chii?” Vadoti kwaari, “Mudzidzisi” zvinoreva kuti Mudzidzisi, “Muri kugara poi?”
39 He told them, "Come and you will see." So they went and saw where he was staying, and remained with him that day—about four in the afternoon. Adoti kwavari, “Uyai muone.” Vadouya ndokuona paanga achigara, ndokugara naye zuva rakarero, ndava nguwa yanga yaakusvika paawa yochigumi.
40 One of the two who heard John speak and followed Jesus was Andrew, Simon Peter's brother. Umwe wovairi vadonzva Johwani achitaura, achibva watevera Jesu, ndiAndireya, waiva mukoma nomunin'ina naSimoni Pita.
41 He first found his own brother Simon and told him, "We've found the Messiah" (meaning Christ). Chinhu chaadothanga kuita kuwana Simoni hama yache, adomunyepa achiti, “Tawana Mesiya,” zvinoreva kuti Khirisitu.
42 He brought him to Jesus. Jesus looked at him and said, "You are Simon the son of John. You will be called Cephas" (meaning Peter). Adoenda naye kuna Jesu. Jesu adomunangara ndokubva wati, “Saka ndiweka Simoni, mwanakomana waJohwani? Uchaitiwa Kefasi.” Izvozvo zvinoreva kuti Pita.
43 The next day, Jesus decided to leave for Galilee. He found Philip and said, "Follow me." Zuva ridotevera Jesu adosarudza kuenda kuGaririya. Adowana Firipi ndokumuti, “Nditevere.”
44 Now Philip was from Bethsaida, the city of Andrew and Peter. Zvino Firipi waibva kuBhetisaidha, guta raibva Andireya naPita.
45 Philip found Nathanael and told him, "We've found the one Moses wrote of in the Law and the prophets—Jesus, son of Joseph, from Nazareth." Firipi adowana Natanieri ndokuti kwaari, “Tamuwana adonyohwa naMozisi pamusoro pache mumurairo, novaporofiti, Jesu woNazareta Mwanakomana waJosefa.”
46 Nathanael said, "Can anything good come from Nazareth?" Philip said, "Come and see." Natanieri adobva wati kwaari, “Pano chinhu chidonaka chingabvewo kuNazareta chere?” Firipi adobva wamuti, “Uya uone.”
47 Jesus saw Nathanael approaching and said of him, "Look—a true Israelite, with no deceit in him!" Jesu paadoona Natanieri achiuya kwaari adomuti, “Nangarai muIzirairi wochokwadi, asinai unyengeri!”
48 Nathanael asked him, "How do you know me?" Jesus answered, "Before Philip called you, while you were under the fig tree, I saw you." Natanieri adoti kwaari, “Ko munondiziva tini?” Jesu adomupindura achiti, “Ndakuona usati wadaidziwa naFiripi, pawanga uri pasi pomukuyu.”
49 Nathanael answered him, "Rabbi, you are the Son of our Father! You are the King of Israel!" Natanieri adoti, “Mudzidzisi, muri Mwanakomana waMwari! Muri Mambo wovaIzirairi!”
50 Jesus answered him, "You believe because I told you I saw you under the fig tree? You'll see greater things than these." Jesu adobva wamupindura achiti, “Watenda ndava ndati kwauri ndakuona pasi pomukuyu? Uchaona zvidokuritsa kukunda zvakarezvi.”
51 He told him, "Truly, truly, I say to you, you will see heaven opened, and our Father's angels ascending and descending on the Son of Man." Zvino adoti kwaari, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizuruka, ngirozi dzaMwari dzichikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]