Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

James 3 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 My brothers and sisters, not many of you should become teachers, since we teachers face stricter judgment. Hama dzangu, rekai kuva vadzidzisi vadowanda, ndava munoziva kuti isisu tinodzidzisa tichanyanyitsa kutongewa.
2 For we all stumble in many ways. Anyone who never stumbles in speech is a mature man, able to control his whole body too. Tese tinogwetsewa nomitoo idowanda. Kana munhu asingaphonye pakutaura, munhu wakareyo adokwana, anokonawo kuchengetedza muviri wache wese.
3 If we put bits in horses' mouths to make them obey us, we guide their whole bodies too. Patinoisa mathomu mumiromo yomabhiza kuti yatiteerere, tinokhonesa muviri wayene wese.
4 Consider ships too: though large and driven by strong winds, a tiny rudder steers them wherever the pilot wants. Kana kutora muenzaniso wozvikepe, kana zvidotokura sei uye zvichisundiwa nomhepo inosimba, zvinokhomutsiwa nochidzoreso chidikidiki zvichienda kunodiwa nomuchairi.
5 So too the tongue is a small body part, yet boasts great things. See how small a fire sets ablaze a great forest! Ndomwenze chirimi nyhidikidiki pamuviri, asi chinozvikudza maninge. Fungai makuriro yosango rinopisiwa nokamoto kadikidiki!
6 The tongue is a fire, a world of wickedness placed among our body's parts. It stains the whole body, sets the whole course of life ablaze, and is itself set ablaze by hell. Kana nochirimi moto, inyika yozvidoipa pakati ponhengo dzomiviri yedu, chinosvipisa muviri wese womunhu, chinobatidza moto upenyu hwese, icho pachacho chinobatidziwa nomoto wogehena.
7 Every kind of beast, bird, reptile, and sea creature is tamed, and has been tamed, by humankind, Marudzi yomhuka dzese, tushiri, zvinosvova nozvirombo zvomugungwa zvinogona kupingudziwa uye zvidombopingudziwa nomunhu,
8 but no human being can tame the tongue. It is a restless evil, full of deadly poison. asi hapanai munhu anokwanisa kupingudza chirimi. Hachidekharike pakuipa, chidozara nonduru inobaya.
9 With it we bless our Father; with it we curse people made in the likeness of our Father. Nochirimi tinorumbidza Ishe naBaba, nacho tinotukana vanhu, vadosikiwa mumufananidzo waMwari.
10 From the same mouth come blessing and cursing. My brothers and sisters, this should not be. Kubva mumuromo mubodzi bodziyo munobirika rumbidzo nokutukana. Hama dzangu izvozvo zvinofaniraba kudaro.
11 Does a spring pour out both fresh and bitter water from the same opening? Ko kasipiti kangabirike mvura idonaka noinochochora nai?
12 Brothers and sisters, can a fig tree bear olives, or a vine figs? Neither can a salt spring yield fresh water. Hama dzangu, mukuyu ungabereke maorivhi, kana muzambiringa kubereka huyu? Nokasipiti komvura inochochora hakangabiritse mvura idonaka.
13 Who is wise and understanding among you? Let him show his deeds through good conduct, in wisdom's humility. Mbani adochenjera noanonzvitsitsa pakati penyu? Mbaazvinangidze noupenyu hwache hudonaka, nozviito zvinoitiwa mukupfava kunobva pauchenjeri.
14 But if bitter envy and selfish ambition fill your heart, don't boast or lie against the truth. Asi kana ukachengeta chanje inovava nokunyangarihwa mumwoyo mako, reka kuzvirumbidza nazvo nokubhwodokera chokwadi.
15 This is not the wisdom that comes down from above, but is earthly, unspiritual, demonic. “Uchenjeri” hudodaro hunobvaba kudenga asi ngwonyika, husiri hwomweya, ngwomashave.
16 For where there is jealousy and selfish ambition, there will be disorder and every vile practice. Ndava panousvinu nokunyangarihwa, ndipo pamunowana kunyongana nokuita kwese kudoipa.
17 Wisdom from above: pure first, then peace-loving, gentle, reasonable, full of mercy and good fruit, unbiased, sincere. Asi uchenjeri hunobva kudenga chokuthanga hudochena, hunofarira runyararo, hudopfava, hunozvideredza, huzere notsitsi nochibereko chidonaka, hahunai rusaruro hahusi hwomusese.
18 And the harvest of righteousness is sown in peace by those who make peace. Vayananisi vanojara murunyararo vanokohwa goho rokururama.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]