Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 9 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 But Saul, still breathing threats and murder against the Lord's disciples, went to the high priest, Asi Sauro achitutuma noukari adovhundutsa nokubaya vadzidzi vaIshe. Adoenda kumuphirisita mukuru,
2 and asked him for letters to Damascus's synagogues, so that if he found any of the Way, men or women, he could bring them bound to Jerusalem. kokumbira matsamba yokuti aende kuDhamasiko kumasinagoge kuti kana akawana vanhurume kana vanhukadzi, voNzira yakarei, auye navo kuJerusarema vadosungiwa.
3 As he traveled and was approaching Damascus, suddenly a light from heaven flashed around him. Zvino adoti watova papfupi noDhamasiko, kabodzi nokabodzi chiedza chidobva kudenga chidomutoya kumativi yese.
4 He fell to the ground and heard a voice saying, "Saul, Saul, why are you persecuting me?" Uye adowira pasi, ndokunzva dzinga richiti kwaari, “Sauro, Sauro unonditambudzireiko?”
5 He said, "Who are you, Lord?" And he said, "I am Jesus, whom you are persecuting. Iye adoti, “Ndimi yaniko Ishe?” Iye adoti, “Ndini Jesu wauri kutambudza.
6 But rise and enter the city, and you will be told what you must do." Asi sumuka uende muguta, uchanyepewa zvaunofanira kuita.”
7 The men traveling with him stood speechless, hearing the voice but seeing no one. Varume vaanga anavo pahwendo, vadomira vasinai noromuromo rese, vachinzva dzinga asi vasingaone munhu.
8 Saul got up from the ground, but with eyes open he saw nothing; they led him by the hand and brought him into Damascus. Zvino Sauro adosumuka kubva pasi, paadopenya, meso yache yanga yachaonaba, vadotomubata janja vachipinda naye muDhamasiko.
9 He was blind for three days and neither ate nor drank. Adoitirafuti mazuva matatu, asingaone, kana kuja kana kumwa mvura chaiyo.
10 A disciple named Ananias lived in Damascus. In a vision the Lord said, "Ananias." He answered, "Here I am, Lord." Zvino paDhamasiko panga pano mudzidzi waitiwa Ananiyasi. Ishe adoti kwaari nozvaadomunangidza muchiratidzo, “Ananiyasi!” Iye adoti, “Ndiri pano Ishe.”
11 The Lord said to him, "Get up, go to the street called Straight, and look in Judas's house for a man from Tarsus named Saul—he is praying, Ishe adoti kwaari, “Sumuka uende munzira yomuguta inoitiwa Idorungama, ubvunze mumba maJudhasi munhu anoitiwa Sauro anobva kuThasasi, nokuti ari kunyengetera.
12 and in a vision has seen a man named Ananias come in and place his hands on him so he may see again." Naiyewo adoona murume anoitiwa Ananiyasi achipinda mumba achimuturika manja pamusoro wache kuti aone pakamu.”
13 Ananias replied, "Lord, many have told me about this man—the harm he's done your holy ones in Jerusalem. Zvino Ananiyasi adopindura akati, “Ishe ndidonzva novanhu vadowanda nozvo murume wakareyu kuti adobata uyanga vatsvene venyu muJerusarema.
14 And here he has authority from the chief priests to bind all who call on your name." Noipopano ano simba pakamu raadopasiwa novaphirisita vakuru kuti asunge vese vanonamata nozita renyu.”
15 But the Lord said to him, "Go, for this man is my chosen instrument to carry my name before nations, kings, and Israel's people. Asi Ishe adoti kwaari, “Enda, nokuti murume wakareyu mudziyo wangu wandidosarudza kuti aende nozita rangu kuvanhu voyamwe Marudzi, madzimambo nokuvana vaIzirairi,
16 For I will show him how much he must suffer for the sake of my name." nokuti ndichamunangidza zvese zvaachafanira kutamburira nokuda kwozita rangu.”
17 Ananias went and entered the house. He laid hands on Saul and said, "Brother Saul, the Lord Jesus—who appeared to you on the road you traveled—sent me so you may see again and be filled with the Holy Spirit." Ipopo Ananiyasi adobirika ndokuenda achibva wapinda mumba, adoturika manja pamusoro paSauro ndokuti, “Hama Sauro, Ishe Jesu, adozviratidza kwauri munzira yaudouya nayo, wandituma kuti udzotsehwe kuona kwako futi kuti uzaziwe naMweya Mutsvene.”
18 Immediately something like scales fell from his eyes, and he could see again. He got up and was baptized, Ipopo mumaziso yache mudobirika tunenge tumabade, adothanga kuona pakamu, ndokusumuka achibva waombekewa.
19 and after eating, he regained his strength. For some days he was with the disciples in Damascus, Adoja zvokuja ndokuwana simba. Adogara novadzidzi paDhamasiko mazuva yadotikuti.
20 and immediately he began proclaiming Jesus in the synagogues, that he is the Son of our Father. Ipopo adoparidzirafuti nozva Jesu mumasinagoge, kuti ndiye mwanakomana waMwari.
21 All who heard were amazed and said, "Isn't this the man who caused such havoc in Jerusalem among those calling on this name? And hasn't he come here for this: to bring them bound before the chief priests?" Vese vadozvinzva vadoshamisika vachiti, “Anga wakareyu ndiyeba waiparadza vaidana kuzita rakareri paJerusarema, adovinga zvakarezvo ikokuno, kuti aende navo vadosungiwa kuvapirisita vakuru?”
22 But Saul grew stronger still, bewildering the Jews living in Damascus by proving this one is the Christ. Asi Sauro adoramba achiingidzika simba, adokunda vaJudha vanga vari paDhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Khirisitu.
23 After many days had passed, the Jews plotted to kill him, Zvino mazuva mazinji payadopera, vaJudha vadorangana kuti vamubaye.
24 but Saul learned of their plot; they watched the gates day and night to kill him, Asi kurangana kwavo kudozikana naSauro. Vadogaririra misuwo yese masikati nousiku, kuti vamubaye.
25 but at night his disciples lowered him through the wall in a basket. Manje vadzidzi vache vadomutora usiku, ndokumuvikha mudengu, vachimuburutsa nopamadziro.
26 Arriving in Jerusalem, he tried to join the disciples, but all feared him, not believing he was a disciple. Zvino adoti wasvika kuJerusarema, adoedza kubatana novadzidzi, asi ivo vese vadomucha, vanga vasingatende kuti wava mudzidziwo.
27 But Barnabas took him to the apostles and explained how Saul had seen the Lord on the road, who spoke to him, and how in Damascus he had spoken boldly in Jesus' name. Asi Bhanabhasi adomutora ndokuenda naye kunhumwa, ndokuvarondedzera maonero yaadoita Ishe, achibva wanyaira naye nomaparidziro yaadoita zita raJesu noushingi paDhamasiko.
28 So he was with them, moving freely about Jerusalem, speaking boldly in the name of the Lord. Saka Sauro adogara paJerusarema, achifambidzana navo,
29 He spoke and debated with the Hellenists, but they were seeking to kill him. adoparidza nozita raShe asingambocha. Adonyaira nokupikisana novaJudha vainyaira chiGiriki, asi ivo vadoedza kumubaya.
30 When the brothers learned this, they brought him down to Caesarea and sent him off to Tarsus. Zvino hama dzidoti dzazviziva, dzidomuendesa kuzasi kuKesariya, ndokumutumira kuThasasi.
31 So the church throughout Judea, Galilee, and Samaria had peace and was strengthened; walking in the fear of the Lord and comforted by the Holy Spirit, it multiplied in number. Zvino Kherekhe idova norunyararo paJudhiya rese, Gaririya, nopaSamariya. Kuburikidza naMweya Mutsvene kherekhe idosimbisiwa ichiingidzihwa muuwandu.
32 As Peter traveled among all the believers, he also went down to the holy ones living in Lydda. Zvino Pita adoti achitenderera kwese, pakati pavo vese adosvikawo nokuvatsvene vanga vari kuRidha.
33 There he found a man named Aeneas, bedridden for eight years, who was paralyzed. Adowana kwakareko munhu, waiitiwa Eniyasi, wanga adoenzera pabonde kwomakore masere, nokuda kwokuremara.
34 Peter said to him, "Aeneas, Jesus Christ heals you. Get up, make your bed." He got up at once. Pita adoti kwaari, “Eniyasi, Jesu Khirisitu anokuporesa, sumuka, uwarure bonde rako!” Ipopo adosumukirafuti.
35 And all who lived in Lydda and Sharon saw him, and they turned to the Lord. Zvino vese vanga vachigara muRidha noSaroni vadomuona, vachibva vapindukira kuna Ishe.
36 In Joppa lived a disciple named Tabitha, meaning Dorcas. She was full of good works and help for the poor. Zvino paJopa panga pano mukadzi waiva mudzidzi, waiitiwa Tabhita, ndokuti Dhokasi, kana zvichisanduhwa. Iye wanga adozara nomabasa yadonaka nokupereka zvipo.
37 In those days she got sick and died; they washed her and laid her in an upstairs room. Zvino nomazuva yakareyo adohwara, ndokupfa. Vadoti vashambidza mutumbi wache, vadouisa muimba yokumusoro.
38 Since Lydda was near Joppa, disciples who heard Peter was there sent two men to him, urging, "Don't delay coming to us." Zvino Ridha zvaranga riri papfupi nopapfupi noJopa, pavadonzva kuti Pita ari kwakareko, vadomutumira vanhu vairi kuti vamukumbire vachiti, “Tapota rekai kuchehwa kuuya kwatiri.”
39 So Peter got up and went with them. When he arrived, they brought him to the upper room. All the widows stood beside him crying, showing the tunics and cloaks Dorcas had made while with them. Ipopo Pita adosumuka, ndokuenda navo. Adoti wasvika, vadomuperekedza kuimba yokumusoro chirikadzi dzese dzidomira naye dzichirira, vadomunangidza majasi nohembe, zvidoitiwa naDhokasi, achiri navo.
40 Peter sent everyone out, knelt, and prayed. Turning to the body, he said, "Tabitha, get up." She opened her eyes, saw Peter, and sat up. Pita adovabiritsa panze vese, ndokupfugama achinamata, adochunungukira kumutumbi ndokuti, “Tabhita, muka!” Wanga adopfa adovhura meso yache, zvino paadoona Pita, adobva wagarikika.
41 Giving her his hand, he raised her up. Calling the holy ones and the widows, he presented her alive. Adomubata janja ndokumusumudza, adodaidza vatsvene nochirikadzi, ndokumuisa pamberi pavo ari mupenyu.
42 And it became known throughout all Joppa, and many believed in the Lord. Zvidozikana novese paJopa, vazinji vadotenda kuna Ishe.
43 And he stayed in Joppa for many days with a man named Simon, a tanner. Ipopo adogara mazuva mazinji paJopa, kuno umwe musuki womatehwe waiitiwa Simoni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]