Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 21 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Having torn ourselves away from them, we set sail and went straight to Cos, then the next day to Rhodes, then from there to Patara. Zvino patidopararana navo tidokhwasva, ndokuuya tidorungama kuKosi, nozuva ridozotevera tidosvika paRodzi, uye kubva pakarepo tidoenda kuPatara.
2 Finding a ship crossing over to Phoenicia, we went aboard and set sail. Ipopo patidowana chikepe chaigwatira nokuFonisiya, tidochikwira, ndokukwasva.
3 Sighting Cyprus and leaving it on our left, we sailed to Syria and landed at Tyre, where the ship was to unload its cargo. Patidosvika panoita kuti Saipurasi iwoneke, tichiisiya kurubose tidokhwasva kuenda kuSiriya, ndokumira paTire, ndava pakarepo chikepe chaidzoburutsa mutoro.
4 We found the disciples there and stayed seven days. Through the Holy Spirit they kept telling Paul not to set foot in Jerusalem. Patidotsvaga vadzidzi, tidodzogara mazuva manomwe pakarepo. Kuburikidza naMweya vadoudza Phauro kuti areke kuenda kuJerusarema.
5 When our time there was up, we left and went on, all of them with wives and children walking with us out of the city. We knelt on the beach and prayed, Zvino padopera mazuva yedu yokuva pakarepo, tidobirika ndokuenda hwendo hwedu, zvino ivo vese novanhukadzi novana, vadotiperekedza kusvika kunze kwoguta, uye patidopfugama pamahombekombe yogungwa tidonamata ndokugonekana.
6 and said farewell to one another. Then we went aboard the ship, and they returned home. Zvino tidokwira chikepe, ivo ndokudzokera kumba.
7 Finishing our voyage from Tyre, we arrived at Ptolemais, greeted the brothers, and stayed one day with them. Patidopedza hwendo hwokubva kuTire, tidosvika paToremisi, ndokumoresa hama tichitogara navo zuva ribodzi.
8 The next day we left for Caesarea and entered the house of Philip the evangelist, one of the seven, and stayed with him. Mangwana yacho tidobirika ndokusvika muKesariya, saka tidopinda mumba maFiripi Muvhangeri, wanga ari umwe wovanomwe, ndokubva tagara naye.
9 He had four unmarried daughters who prophesied. Wanga ano vanasikana vanai dzanga dziri mhandara, vaiporofita.
10 While we were staying there for many days, a prophet named Agabus came down from Judea. Patidogara kwomazuva, muporofiti waiitiwa Agabhasi adouya achibva Judhiya.
11 He came to us, took Paul's belt, tied his own feet and hands, and said, "The Holy Spirit says this: the Jews in Jerusalem will tie up this belt's owner the same way, then hand him over into Gentile hands." Paadouya kwatiri adotora bhande raPhauro ndokuzvisunga makumbo nomanja, achiti, “Ndozviri kunyaihwa naMweya Mutsvene, ‘kuti vaJudha kuJerusarema vachasunga muridzi wobhande rakareri vomupereka mumanja yoyamwe marudzi.’”
12 When we heard this, we and the local people begged Paul not to go up to Jerusalem. Patidonzva zvakarezvi, isisu novanhu vopakarepo tidomuteterera kuti areke kuenda kuJerusarema.
13 Paul answered, "Why weep and break my heart? I'm ready not only to be bound but to die in Jerusalem for the name of the Lord Jesus." Zvino Phauro adopindura achiti, “Chii chamurikuita, muchirira nokupwanya mwoyo wangu? Nokuti ndidozvimisira aikona kusungiwa chete asi kana kutopfira zita raIshe Jesu kuJerusarema.”
14 And since he would not be persuaded, we fell silent and said, "The Lord's will be done." Paadoreka kupenzveredzeka, tidonyarara ndokuti, “Kuda kwaIshe mbakuitiwe.”
15 After these days we got ready and went up to Jerusalem. Mumasure momazuva yakareya tidogadzirira ndokuenda kuJerusarema.
16 Some disciples from Caesarea also went with us, bringing us to stay with Mnason, a Cypriot and early disciple. Uye vamwe vovadzidzi vadobva kuKesariya vadoenda naisisu, vachitisvitsa kumba kwaMunasoni wokuSaipurasi, mudzidzi wokuthanga, wataifanira kugara naye.
17 When we arrived in Jerusalem, the brothers welcomed us gladly. Patidosvika kuJerusarema, hama dzidotitambira nomufaro.
18 On the following day Paul went with us to see James, and all the elders were present. Mangwana yacho Phauro adoenda naisisu kunaJakobho, uye vakuru vese vanga varipo.
19 He greeted them, then related one by one what our Father had done among the Gentiles through his ministry. Tapedza kuvamoresa, adorondedzera chibodzi nochibodzi chozvinhu zvese zvidoitiwa naMwari kuburikidza noushumiri hwache pakati poyamwe marudzi.
20 Hearing this, they praised our Father, then told him, "You see, brother, how many thousands of Jews have believed, and all are passionate for the law. Zvino pavadozvinzva, vadorumbidza Mwari. Uye vadoti kuna Phauro, “Hama, unoona kuti zviuru zvingani zviripo pakati povaJudha vadotenda uye vanoshingairira mutemo.
21 They were told you teach all Jews among the nations to abandon Moses, telling them not to circumcise their children or follow our customs. Vadonyepewa pamusoro pako kuti uri kudzidzisa vaJudha vese vari pakati poyamwe marudzi kuti vasiye Mozisi, uchivanyepa kuti vareke kuchecheudza vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu.
22 So what should we do? They will certainly hear that you have come. Zvino chii chatingaite? Chokwadi vachazvinzva kuti wauya.
23 So do what we tell you. We have four men who are under a vow. Zvino chiita zvatichakunyairira, tinovarume vanai vari pasi pomhiko,
24 Take these men, purify yourself with them, and pay their expenses so they may shave their heads. Then everyone will know the reports about you are false, and that you yourself keep the law. Tora varume vakareva uzvinatse pabodzi navo woripa miripo, kuti vaguse bvudzi misoro yavo. Pakarepo vese vachaziva kuti hapanai chiripo pano zvavadonyepewa pamusoro pako, asi kuti iwewe pachako unorarama uchiteedza mutemo.
25 As for the Gentiles who have believed, we already wrote our decision: avoid food offered to idols, blood, strangled animals, and sexual immorality." Asi pamusoro pomarudzi yadotenda, tatumira tsamba rino matongero yedu kuti vanofanira kusiyana nozvidobaihwa zvifananidzo nomusiya nozvidodzipiwa nokuita upombwe.”
26 So Paul took the men, and the next day, having purified himself with them, entered the temple, announcing when the purification days would end and the offering would be made for each of them. Naizvozvo Phauro adotora varumevo, pazuva ridotevera adozvinatsa pabodzi navo ndokupinda muimba yaMwari, kuti azivise paidzogumira mazuva yokuzvinatsa kwavo nokupereka chipo chinoperekewa nomunhu wese pakati pavo.
27 As the seven days were ending, Jews from Asia saw him in the temple, stirred up the whole crowd, and grabbed him, Zvino mazuva manomwe payanga yaakutopera, vaJudha vadobva kuEzhiya, vadomuona muimba yaMwari, vadopesvedzera mhomho yese, ndokumusunga,
28 shouting, "Men of Israel, help! This is the man teaching everyone everywhere against our people, the law, and this place. He's even brought Greeks into the temple, making this holy place unclean." vadodaidzira vachiti, “Varume voIzirairi, batsirai! Murume wakareyu ari kudzidzisa vanhu kwese kwese zvinopesana novanhu nonzvimbo ino, wauya pakare nomaGiriki muimba yaMwari, futi wasvipisa nzvimbo ino itsvene.”
29 They had earlier seen Trophimus the Ephesian with Paul in the city and assumed Paul had brought Trophimus into the temple. Nokuti mumasure vadombomuona muguta anaTirofimasi wokuEfeso, saka vadozimbwa kuti Phauro anogona kunge adopinda naye muimba yaMwari.
30 The whole city was stirred; people ran together, seized Paul, dragged him out of the temple, and at once the gates were shut. Zvino guta rese ridonyongana, vanhu ndokutizirana pabodzi; vadobata Phauro ndokumuzvuvira kunze kwoimba yaMwari, kabodzi nokabodzi masuwo makuru yadovhariwa.
31 As they tried to kill him, word reached the cohort commander that all Jerusalem was in turmoil. Zvino pavaiedza kumubaya, shoko ridosvika kumukuru woboka romauto kuti Jerusarema rese rava nonyongano.
32 He immediately took soldiers and centurions and ran down to them. Seeing the commander and soldiers, the crowd stopped beating Paul. Pakarepo adotorerafuti mauto novakuru vomazana, ndokumhanyira kwavari, pavadoona mukuru womauto nomauto vadomira kurova Phauro.
33 The commander came, seized him, ordered him bound with two chains, then asked who he was and what he'd done. Zvino mukuru womauto adosvika ndokumusunga, ndokuraira kuti asungiwe nongetani dziiri. Adobvunza kuti mbani pakare kuti chii chaanga waita.
34 In the crowd some shouted one thing, some another. Unable to learn what was true because of the uproar, he ordered Paul brought into the barracks. Vamwe mumhomho vadodaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwewo, saka paadotadza kubatitsitsa chinangwa nopamusaka pomhere mhere, adoraira kuti aendesewe kumuzinda womauto.
35 When Paul reached the steps, soldiers had to carry him because of the crowd's violence, Manje paadosvika pazvikwiriso, wanga adototakuriwa nomauto nondava yomunyonga womhomho,
36 for the mob kept following, shouting, "Away with him!" Nokuti mhomho yovanhu yaitevera, ichidaidzira ichiti, “Mbaabisiwe!”
37 As Paul was about to be led into the barracks, he asked the commander, "May I say something to you?" He replied, "Do you know Greek?" Zvino Phauro paanga wakuendesewa munhandare yomauto, adoti kumukuru wavo, “Ndinganyairewo zvimwe zvinhu kwamuri chere?” Iye adoti, “Unoziva chiGiriki chere?
38 Aren't you the Egyptian who stirred up a revolt earlier and led 4,000 Assassins into the wilderness? Ndiweba chere muIjipiti adomutsa munyonga manjemanjepa ndokukweverera musango vapanduki vanosvika zviuru zvinai?”
39 Paul answered, "I am a Jew, from Tarsus in Cilicia, a citizen of no insignificant city. I beg you, let me speak to the people." Phauro adopindura, “Inipano ndiri muJudha, anobva kuThasasi muSirisiya, mugari womuguta risiri romangamanga; ndinokukumbirai, nditenderei kunyaira kuvanhu.”
40 With permission granted, Paul stood on the steps and motioned to the people with his hand. When deep silence fell, he spoke to them in Hebrew: Paadomubvumidza, Phauro paanga adomira pazvikwiriso adoninira nojanja kuvanhu, pavadonyarara, adonyaira kwavari nochiHebheru, achiti,
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]