Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 17 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 After traveling through Amphipolis and Apollonia, they came to Thessalonica, where there was a Jewish synagogue. Zvino Phauro naabiyache pavadodarika nopaAmufiporisi noAporoniya, vadosvika paThesaronika, panga pano sinagoge rovaJudha.
2 Paul, as usual, went in to them and reasoned with them from the Scriptures on three Sabbaths. Zvino Phauro adopinda mukati setsika yache, uye kwomasondo matatu adopikisana navo kubva mumagwaro,
3 Opening and explaining the Scriptures that the Christ must suffer and rise from the dead, he said, "This Jesus I proclaim to you is the Christ." achitsanangura nokuratidza kuti zvanga zvidokodzera kuti Khirisitu atambudzike nokumuka kuvadopfa, achiti, “Jesu wakareyu, wandinokuparidzirai, ndiye Khirisitu.”
4 Some of them were persuaded and joined Paul and Silas, along with a great many devout Greeks and quite a few leading women. Vamwe vavo vadokurudzirika, ndokubatana naPhauro naSairasi, ndizvo zvidoitiwa novanamati vazinji vochiGiriki novanhukadzi vairemekedzewa aikona vashoma.
5 But the Jews grew jealous, gathered evil men from the marketplace, formed a mob, and threw the city into chaos. They stormed Jason's house, seeking to bring them out to the crowd. Asi vaJudha vanga vano chanje, vadotora varume vadoipa, mhandu, vadounganidza mhomho yovanhu, ndokumutsa bongozozo muguta, vachihwisa imba yaJasoni, vachida kuvabiritsira kuvanhu.
6 Not finding them, they dragged Jason and some brothers before the city officials, shouting, "These men who have turned the world upside down have come here too, Pavadovasaya, vadozvuvira Jasoni nodzimwe hama pamberi povakuru voguta, vachidaidzira vachiti, “Varume vakareva vadosunamisa nyika vadosvikawo kuno,
7 Jason welcomed them. They all defy Caesar's decrees, claiming there is another king—Jesus. Jasoni adovatambira, vese vari kuita zvinopesana nozvirevo zvaKesari, vachiti, panoumwe mambo, Jesu.”
8 And they stirred up the crowd and the city authorities who heard these things." Vanhu pabodzi novakuru voguta, vadokanganisiwa pavadonzva zvakarezvo.
9 And when they had taken bail from Jason and the rest, they let them go. Zvino pavadotora chibatiso kuna Jasoni novamwe, vadovasiya vachienda.
10 The brothers at once sent Paul and Silas off by night to Berea; on arrival they went to the Jewish synagogue. Nokamangu hama dzidoendesa Phauro naSairasi kuBheriya nousiku, ivo pavadosvika vadopinda musinagoge rovaJudha.
11 These Jews were more open-minded than those in Thessalonica, receiving the word eagerly and examining Scripture daily to see if these things were true. Zvino vaJudha vakareva vanga vadonaka kukunda vokuThesaronika, ndava vadotambira shoko nomwoyo unochido, vachinzvera magwaro zuva rimwe norimwe, kuti vaone kana zvinhu zvakarezvo zviri izvo.
12 So many of them believed, along with many prominent Greek women and men. Nokudaro vazinji vavo vadotenda, zvichisanganisira varume novakadzi vaikudziwa vaiva vaGiriki vanga vadowanditsa.
13 When Jews from Thessalonica learned Paul proclaimed the word of our Father in Berea too, they went there also, agitating and stirring up the crowds. Asi vaJudha vokuThesaronika pavadozviziva kuti shoko raMwari raiparidziwa naPhauro nopaBheriyawo, vadouyawo ipopo, vachibvundurira nokunyonganisa mhomho.
14 The brothers immediately sent Paul off to the sea, but Silas and Timothy stayed there. Ipopo hama nokamangu dzidoendesa Phauro nokugungwa, asi Sairasi naTimoti vadosara pakarepo.
15 Paul's escorts brought him to Athens, then left with orders for Silas and Timothy to join him as soon as possible. Avo vadoperekedza Phauro vadomusvitsa kuAtene, vadoti vatambira rairo yokuudza Sairasi naTimoti kuti vakurumidze kuuya kwaari, vadobirika vachienda.
16 While Paul waited for them in Athens, his spirit was provoked within him, seeing the city full of idols. Zvino Phauro paanga adovamirira paAtene, adosorewa mumweya wache paadoona kuti guta ranga ridozara nozvifananidzo.
17 So he debated in the synagogue with Jews and worshipers of God, and daily in the marketplace with whoever was there. Nokudaro adopikisana novaJudha, novanamati, novamwe vaaikumana navo musinagoge, nopamusika zuva rimwe norimwe.
18 Some of the Epicurean and Stoic philosophers also debated with him. Some asked, "What's this babbler trying to say?" Others said, "He seems to promote foreign gods"—since he preached the good news of Jesus and the resurrection. Vamwe vafungitsitsi vovaEpikurini novaSitoiki vadosangana naye. Vamwe vadoti, “Chiiko chinonyaihwa nomuwawati wakareyu?” Vamwe vadoti, “Anenge muparidzi wanamwari vasingazikane” ndava adoparidza Jesu norumuko.
19 They took him and brought him to the Areopagus, asking, "Can we know what this new teaching you're presenting is? Ipopo vadomubata, ndokumuisa paAreyopago, vachiti, “Tinoda kuziva kuti nghupi kudzidzisa kutsva uku kwaunoreva?
20 For you bring strange things to our ears, so we want to know what they mean." Nokuti uri kuuya nozvinhu zvitsva panzeve dzedu; saka tinoda kuziva kuti zvinhu zvakarezvi zvinorevei?”
21 Now all the Athenians and foreigners living there spent their time on nothing but telling or hearing something new. Zvino vanhu vokuAtene vese, novatohwa vaigara makaremo, hapanai chavaipedzera nguwa kunze kwokunyaira kana kunzva chinhu chitsva.
22 Paul stood in the middle of the Areopagus and said, "Athenians, I see that you are extremely religious in every way. Zvino Phauro, adomira pakati poAreyopago, adoti, “Varume voAtene, ndinoona kuti pazvinhu zvese muri vanamati chaizvo.
23 For as I passed through and examined your sacred objects, I found an altar inscribed: 'To an unknown god.' What you worship without knowing it, I now proclaim to you. Nokuti pandaipfuura, ndidowanawo atari ino munembo uyu, ‘Kuna mwari asingazikane.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
24 Our Father, who made the world and everything in it, being Sovereign of heaven and earth, doesn't live in temples made by hands, Mwari adoita nyika nozvese zviri mairi, ari Ishe wodenga nonyika, haagari muzvivakwa zvidogadzihwa novanhu,
25 nor served by human hands, as if he needed anything—he himself gives everyone life, breath, and everything. haashumihwe nomanja yovanhu, kunge ano chinhu chaanosaya, sezvo ari iye anopasa vanhu vese upenyu nokufema nozvese,
26 From one man he made every nation of mankind live across the whole earth, fixing their set times and the boundaries of their homelands, iye adoita marudzi yese yovanhu yachibva pamunhu mubodzi kuti vagare panyika pese, wambotara nguwa nomigano yougaro hwavo,
27 so they might seek our Father, perhaps reach for him and find him—though he is not far from each of us, kuti vatsvage Mwari, notariro yokuti vamutsvatsvadzire, vamuwane. Kana nepo asiri kurefu noumwe noumwe wedu.
28 for 'In him we live and move and have our being'; as even some of your own poets have said, 'We too are his descendants.' Nokuti ‘Maari tinorarama nokufamba nokuva zvatiri,’ sezvidoreva vamwe vadetembi venyu, ‘Nokuti tiri vorudzi rache.’
29 So as our Father's children, we shouldn't think the divine is like gold, silver, or stone—an image shaped by human skill and imagination. Zvatiri rudzi raMwari, hatifaniri kufunga kuti hu Mwari hudofanana nondarama, kana sirivha, kana ribwe, zvidovezewa noumasiri nokufunga kwomunhu.
30 The times of ignorance our Father overlooked, but now he commands all people everywhere to repent. Mwari adoreka zvache kuyeuka nguwa dzokusaya zivo, asi zvino anoraira vanhu vese kwesekwese kuti vapinduke,
31 He set a day to judge the world justly, through a man he appointed—proving it to all by raising him from the dead." nokuti adotara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waadomisikidza, zvakarezvi adozvisimbisa kuvanhu vese nokumumutsa kubva kuvadopfa.”
32 Hearing of the resurrection of the dead, some mocked; others said, "We'll hear you on this again." Zvino pavadonzva zvokumuka kovadopfa, vamwe vadoseka, asi vamwe vadoti, “Tichadzokunzva pakamu pamusoro pozvakarezvi.”
33 So Paul left them. Nokudaro Phauro adobirika pakati pavo.
34 But some men joined him and believed, including Dionysius the Areopagite, a woman named Damaris, and others. Asi vamwe varume vadobatana naye pakutenda, pakati pavo paiva naDhiyonisiyasi, muAreyopago, nomukadzi wainzi Dhamari, novamwe pabodzi navo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]