Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Acts 16 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Paul went on to Derbe and Lystra. A disciple was there named Timothy, son of a believing Jewish woman, but his father was a Greek. Adosvikawo paDhebhe nopaRisitira. Mudzidzi wanga ari pakarepo, waiitiwa Timoti, mwanakomana womukadzi muJudha wanga ari mutendi, asi baba vache vaiva muGiriki.
2 He was well thought of by the brothers at Lystra and Iconium. Iye waipfakazihwa zvidonaka nohama dzopaRisitira nopaIkoniyo.
3 Paul wanted him to travel with him, so he took and circumcised him, because of the Jews in those places, for they all knew his father was Greek. Phauro waida kuenda naTimoti, saka adomutora ndokumuchecheudza nokuda kwovaJudha vanga vari kunzvimbo dzakaredzo, ndava vese vaizviziva kuti baba vache vaiva muGiriki.
4 Traveling through the towns, they delivered the decisions the apostles and elders in Jerusalem had made, for them to keep. Zvino vadoenda hwendo hwavo vachipinda nomumaguta, vachivapasa dzidziso dzokuti vachengete mirau yanga yaitiwa nonhumwa novakuru vaiva kuJerusarema.
5 So the churches were strengthened in the faith and grew in numbers daily. Nokudaro kherekhe dzidosimbisiwa pakutenda, futi dzidoingidzika pakuwanda kwovanhu zuva rimwe norimwe.
6 They crossed the Phrygian and Galatian region, since the Holy Spirit had stopped them from speaking the word in Asia. Vadopinda nomumatunhu yoFirigiya noGaratiya, vabva kurambidziwa naMweya Mutsvene kunyaira shoko paEzhiya.
7 Reaching Mysia, they tried entering Bithynia, but the Spirit of Jesus wouldn't let them. Zvino pavadosvika padonangarana noMizhiya, vadoedza kupinda muBhitiniya, asi Mweya waJesu haunai kuvabvumidza.
8 So passing by Mysia, they went down to Troas. Vapfuura paMizhiya, vadosvika kuTiroasi.
9 Paul saw a vision in the night: a Macedonian man stood pleading with him, "Cross over to Macedonia and help us." Zvino chiratidzo chidoonewa naPhauro usiku, murume wokuMakedhoniya wanga adomira achimukumbira achiti, “Yambukiraiwo kuno kuMakedhoniya mutibatsire.”
10 When he had seen the vision, we tried at once to leave for Macedonia, concluding our Father had called us to tell them the good news. Zvino paadoona chiratidzo, tidotsvaga nokamangu kuenda Makedhoniya tichiti, Mwari watidaidza kovaparidzira vhangeri.
11 So we set sail from Troas and sailed straight to Samothrace, and the next day to Neapolis, Tichisumuka kubva paTiroasi nochikepe, tidonanga kuSamoturasi, mangwana yacho tidosvika paNeyapori,
12 and from there to Philippi, a leading city of that district of Macedonia, a Roman colony. We stayed there several days. kubva pakarepo tidoenda kuFiripi, rinova guta rikuru rodunhu roMakedhoniya, riri pasi poRoma. Tidogara muguta rakarero kwomazuva,
13 On the Sabbath we went outside the gate to a river, supposing there was a place of prayer. We sat and spoke with the women gathered there. pazuva roSabata tidobirika kunze kwosuwo rikuru kuhwizi, kwataiti kuno nzvimbo yokunamatira, zvino tidogara pasi tichinyaira kuvakadzi vanga vaungana pabodzi.
14 A woman named Lydia, from Thyatira, who sold purple cloth and worshiped our Father, was listening. The Lord opened her heart to Paul's words. Umwe adotinzva wanga ari mukadzi waiitiwa Rudhiya, waibva muguta roTiyatira, mutengesi womachira yadotsvukuruka, wanga ari munamati waMwari. Ishe vadovhura mwoyo wache kuti anzve zvainyaihwa naPhauro.
15 When she and her household were baptized, she urged us: "If you judge me faithful to the Lord, come to my house and stay." And she persuaded us. Paadoombekewa, iye novoimba yache, adotikumbira achiti, “Kana maona ndidotendeka kuna Ishe, uyai kumba kwangu mugare.” Uye adotipenzverera.
16 As we went to the place of prayer, we met a slave girl possessed by a spirit of divination; she earned her owners great profit through fortune-telling. Zvino pataienda panzvimbo yokunamatira, tidosangana nomuranda wochisikana wanga ano mweya wosvikiro, waiwanisa atenzi vache mari izinji nokuwombeza kwache.
17 She followed Paul and us, shouting, "These men are servants of the Most High God, announcing to you the way of salvation." Iye adotevera Phauro naisisu, achidaidzira achiti, “Varume vakareva varanda vaMwari Wokumusorosoro, vanokuparidzirai nzira yoruponiso.”
18 She did this for many days. Paul, deeply annoyed, turned and told the spirit, "I command you in the name of Jesus Christ to come out of her." It came out instantly. Adoita zvakarezvo mazuva mazinji. Zvino Phauro adosemburiwa nazvo, ndokubva wachungunuka achiti kumweya, “Ndinokuraira muzita raJesu Khirisitu kuti ubirike maari.” Udobirikirafuti nonguwa yakareyo.
19 When her owners saw their hope of profit was gone, they seized Paul and Silas, dragged them to the marketplace before the rulers. Zvino varidzi vache vadoti vachiona kuti tariro yokunota kwavo yaenda, vadobata Phauro naSairasi, vachivazvuvira kudare pamberi povatongi,
20 Bringing them to the magistrates, they said, "These men are Jews, disturbing our city. pavadovaendesa kuvatongi, vadoti, “Vanhu vakareva vaJudha uye vari kukanganisa guta redu,
21 They advocate customs that are not lawful for us as Romans to accept or practice." vanotiparidzira tsika dzatisingabvumihwe isisu vaRoma kuti tidzitambire, kana kudzitevera.”
22 The crowd joined the attack, and the magistrates ripped off Paul and Silas's clothes and ordered them beaten with rods. Zvino mhomho idopindira pakuvahwisa, uye vakuru vovatongi vadovakerurira hembe, ndokuraira kuti vabutiwe notsvimbo.
23 After beating them severely, they threw them into prison, ordering the jailer to guard them securely. Zvino pavadovashapura zvidokungudza, vadovakhanda mutorongo, ndokuraira muchengeti wotorongo kuti avachengetetse.
24 Given that order, he locked them in the inner cell and clamped their feet in stocks. Waraihwa, adovaisa mutorongo romukatikati, adosungirira makumbo yavo pamatanda.
25 About midnight Paul and Silas prayed and sang hymns to our Father while the prisoners listened to them. Asi panenge pakati pousiku Phauro naSairasi vainamata nokuimbira Mwari zvimbo, uye vamwe vasungwa vanga vachivatetekera.
26 Suddenly a violent earthquake shook the prison's foundations; instantly all doors opened and everyone's chains loosened. Kabodzi nokabodzi padova nokugwetedzeka kwonyika kukuru, zvokuti nheyo dzotorongo dzidozunguzika, pakarepo misuwo yese idovhurika uye misungo yomunhu wese idopfudzunuka.
27 The jailer woke, saw the prison doors open, drew his sword meaning to kill himself, thinking the prisoners had escaped. Zvino muchengeti wotorongo paadopepuka ndokuona misuwo yotorongo idovhurika, adovhomora bakatwa rache achida kuzvibaya, achifunga kuti vasungwa vatsvudumuka.
28 But Paul shouted, "Don't harm yourself, for we are all here!" Asi Phauro adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, “Reka zvako kuzvikuwadza. Tiripo tese!”
29 The jailer called for lights, rushed in, and fell trembling before Paul and Silas. Ipopo adodaidzira moto ndokumhanyira makaremo, achitetemera nokucha adowira pasi pamberi paPhauro naSairasi,
30 Then he brought them outside and said, "Sirs, what must I do to be saved?" adovabiritsa kunze ndokuti, “Varume, chii chandinofanira kuita kuti ndiponesewe?”
31 And they said, "Believe in the Lord Jesus, and you will be saved, you and your household." Ivo vadoti, “Tenda muna Ishe Jesu, uchaponesewa, iwewe novoimba yako.”
32 They spoke the Lord's word to him and everyone in his house. Vadonyaira shoko raIshe kwaari novese vanga vari mumba mache.
33 In that hour of the night, he took them and washed their wounds; then he and his whole household were baptized at once. Adovatora nonguwa yakareyo yousiku, ndokusuka zvironda zvavo, achibva waombekehwerafuti pakarepo, iye nomhuri yache yese.
34 He brought them up into his house, set food before them, and was overjoyed with his whole household at believing in our Father. Paadoenda navo mumba mache, adovapasa zvokuja, adofara novoimba yache vese kuti, wanga watenda muna Mwari.
35 But when morning came, the magistrates sent the police, saying, "Release those men." Asi pakudochena, vatongi vomhosva vadotuma mapurisa, vachiti, “Biritsai vanhu vaye.”
36 The jailer told Paul, "The magistrates sent orders to release you. Come out now and go in peace." Muchengeti wotorongo adonyepa Phauro mashoko iyoyo, achiti, “Vatongi vatumira shoko rokuti mubiritsiwe, saka zvino birikai muende norugare.”
37 But Paul said to them, "They beat us publicly, without trial, Roman citizens that we are, and threw us into prison. Now they want to send us off secretly? No! Let them come themselves and lead us out." Asi Phauro adoti kwavari, “Vadotirova paruzinji, tisinai kutongewa isisu tiri nzvahwa dzokuRoma, vachitotiisa mutorongo, zvino vaakutibiritsa kabisira? Neye! Mbavauye ivo vatibiritse.”
38 The officers reported these words to the magistrates, who were afraid to hear they were Roman citizens. Mapurisa yadonyepa vatongi mashoko yakareya, ivo vadocha pavadonzva kuti vanga vari nzvahwa dzokuRoma,
39 They came, apologized, led them out, and asked them to leave the city. saka vadouya vachikumbira ruregerero kwavari. Zvino vadovabiritsa ndokuvakumbira kuti vabirike muguta.
40 So they left the prison and went to Lydia's house. There they saw the brothers, encouraged them, and left. Saka vadobirika mutorongo, ndokubvakachira Rudhiya, vadoti vaona hama, vadovakurudzira vachibva vaenda.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]