Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

2 Timothy 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Paul, apostle of Christ Jesus by the will of our Father, by the promise of life in Christ Jesus, Kubva kuna Phauro, Nhumwa yaJesu Khirisitu nokuda kwaMwari, maererano nochivimbiso choupenyu huri muna Khirisitu Jesu,
2 to Timothy, my beloved child: Grace, mercy, and peace from our Father and Christ Jesus our Lord. Kuna Timoti, mwana wangu wandinoda. Mutsa, notsitsi, norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Khirisitu Jesu Ishe wedu mbazvive kwauri.
3 I thank our Father, whom I serve with a clear conscience as my ancestors did, remembering you constantly in my prayers, night and day. Ndinotenda Mwari wandinoshumira nohana idochena, kunge zvidoitiwa nomadzibaba yangu, pandinokuyeuka muminamato yangu.
4 Remembering your tears, I long to see you, so that I may be filled with joy. Pandinoyeuka misodzi yako, ndinosuva kukuona masikati nousiku, kuti ndizaziwe nomufaro.
5 I recall your sincere faith—alive first in your grandmother Lois and mother Eunice, and now, I'm convinced, in you too. Ndiri kufungisiwa kutenda kwako kudoperera, kutenda kudothanga kugara munaambuya vako Roisi nomuna mai vako Yunisi, iye zvino ndinochokwadi kuti kuri mauri.
6 So I remind you to fan into flame the gift of our Father in you, through the laying on of my hands. Nondava yakarei ndinokukurudzira kuti upfutidzire chipo chaMwari, chiri mauri chidouya nokukubata pamusoro kwandidoita.
7 For our Father gave us no spirit of fear, but the Spirit of power, love, and self-control. Ndava Mwari haanai kutipasa Mweya wokucha, asi Mweya wosimba noworudo nowokuzvidzora.
8 So don't be ashamed of our Lord's testimony, nor of me his prisoner, but share in suffering for the gospel by our Father's power. Saka reka kunyara kuita upfakazi pamusoro paIshe wedu, kana pamusoro pangu inini musungwa wache. Asi batana nainini pakutambudzikira vhangeri nomusimba raMwari,
9 He saved and called us with a holy calling, not by our works but by his own purpose and grace, given us in Christ Jesus before time began, iye adotiponesera upenyu hutsvene— nokudaidza kutsvene, aikona nondava yozvatidoita, asi nokuda kwochinangwa chache nomutsa waadotipasa karekare muna Khirisitu Jesu.
10 and now made known through the appearing of our Savior Christ Jesus, who ended death and illuminated life and immortality through the gospel. Iye zvino mutsayo udoisiwa pachenu peno kuburikidza nokuoneka kwoMuponisi wedu, Khirisitu Jesu, adoparadza ipfa ndokuuyisa pachenu upenyu nokusaora, kuburikidza novhangeri.
11 For this gospel I was appointed a preacher and an apostle and a teacher. Nokuda kwovhangeri rakareri ndidosarudziwa kuva muparidzi nonhumwa nomudzidzisi,
12 That's why I suffer this way. But I'm not ashamed, for I know whom I've believed, and am convinced he can guard what's entrusted to me until the day he returns. nokudaro ndiri kutambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadzisiwe nozvakarezvi, ndava ndinoziva wandidotenda, futi ndino chokwadi kuti anokona kuchengeta chandidomuchengetesa kusvikira paZuva rakarero.
13 Hold the pattern of sound words you heard from me, in faith and love in Christ Jesus. Tevera muenzaniso womazvi yadonaka yaudonzva kwandiri, mukutenda nomurudo zviri muna Khirisitu Jesu,
14 Guard the good deposit entrusted to you, through the Holy Spirit who lives within us. chengeta chokwadi chidonaka chidoisiwa mauri noMweya Mutsvene anogara matiri.
15 You know this: everyone in the province of Asia turned away from me, including Phygelus and Hermogenes. Unozviziva kuti vese vari muEzhiya vadondisiya, pakati pavo pana Figerasi naHemogenesi.
16 May our Lord Jesus grant mercy to Onesiphorus's household, for he often refreshed me and wasn't ashamed of my chains. Dai Ishe waitira tsitsi imba yaOnesiforasi, ndava anondimutsiridza kadowanda futi haanai kunyadzisiwa nongetani dzangu
17 On the contrary, when he arrived in Rome he searched eagerly for me until he found me. Paadouya kuRoma, adotonditsvagitsitsa kusvikira wandiwana.
18 May our Lord Jesus grant that he finds mercy from the Lord on that day. You know very well how much he served in Ephesus. Dai Ishe vaita kuti adzowana tsitsi pamberi pache paZuva rakarero. Futi unozivitsitsa ushumiri hwese hwaadopereka paEfeso.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]