Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Zechariah 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In King Darius's fourth year, our Father's word came to Zechariah on the fourth day of the ninth month, Chislev. Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi.
2 The people of Bethel sent Sharezer and Regem-melech and their men to plead for our Father's favor, Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha
3 and to ask the priests of the house of the Father of heaven's armies, and the prophets, "Should I weep and fast in the fifth month, as I have these many years?" kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?”
4 Then the word of the Father of heaven's armies came to me: Ipapo shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvika kwandiri richiti,
5 Say to all the people of the land and the priests: When you fasted and mourned in the fifth and seventh months these seventy years, was it really for me that you fasted? “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya uye mukachema mumwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?
6 When you eat and drink, isn't it for yourselves that you eat and drink? Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here?
7 Aren't these the very words our Father proclaimed through the earlier prophets, when Jerusalem and her surrounding towns were settled and at peace, and the Negev and foothills were inhabited? Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akaripoteredza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’ ”
8 And the word of our Father came to Zechariah: Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti,
9 What the Father of heaven's armies says: Render true justice; show kindness and compassion to one another. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.
10 Do not oppress the widow, the fatherless, the foreigner, or the poor; and do not plot evil against one another in your hearts. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’
11 But they refused to listen, stubbornly turned their backs, and covered their ears so they wouldn't hear. “Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo.
12 They made their hearts as hard as flint, refusing to hear the law and the words the Father of heaven's armies had sent by his Spirit through the earlier prophets. So great anger came from the Father of heaven's armies. Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru.
13 "Just as I called and they would not listen, so when they called I would not listen," says the Father of heaven's armies. “ ‘Pandakadana, havana kuteerera; saka pavakadana, handina kuvateerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
14 I scattered them with a whirlwind among all the nations they had not known. The land was left desolate behind them, with no one passing through, coming or going. This is how they made the pleasant land a wasteland. ‘Ndakavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose, uko kwavakava vatorwa. Nyika yakava dongo shure kwavo zvokuti hapana aizogona kupinda kana kubudamo. Izvi ndizvo zvavakaita kunyika yaifadza, ikava dongo.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]