Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ruth 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When the judges ruled, a famine struck the land, and a man from Bethlehem in Judah went with his wife and two sons to stay a while in the fields of Moab. Mumazuva okutonga kwavatongi munyika makaita nzara, uye mumwe murume aibva kuBheterehema Judha, pamwe chete nomukadzi wake navanakomana vake vaviri, akaenda kundogara munyika yeMoabhu kwechinguva.
2 The man was named Elimelech, his wife Naomi, and his two sons Mahlon and Chilion—Ephrathites from Bethlehem in Judah. They went to the territory of Moab and stayed there. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, uye mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni. Vaiva vaEfurata vaibva kuBheterehema Judha. Uye vakaenda kuMoabhu vakagarako.
3 Then Elimelech, Naomi's husband, died, and she was left with her two sons. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, iye akasiyiwa aine vanakomana vake vaviri.
4 They married Moabite women—Orpah and Ruth—and lived there about ten years. Vakawana vakadzi vechiMoabhu, zita romumwe rainzi Opa uye romumwe rainzi Rute. Mushure mokunge vagarako kwamakore anenge gumi,
5 Both Mahlon and Chilion also died, and Naomi was left without her two children and husband. vose vari vaviri, Maroni naKirioni vakafawo, Naomi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.
6 In Moab's fields, Naomi heard that our Father had attended his people, giving them food, so she set out with her two daughters-in-law to return from there. Naomi paakanga achiri muMoabhu, akanzwa kuti Jehovha akazoshanyira vanhu vake akavapa zvokudya, iye navaroora vake vakagadzirira kudzokera kumusha vachibva ikoko.
7 She left the place where she had been, with her two daughters-in-law, and they went on the road back to the land of Judah. Akabva pamwe chete navaroora vake panzvimbo yavaigara vakasimuka vakaenda nenzira yaizovasvitsa kunyika yeJudha.
8 Naomi told her two daughters-in-law, "Return, each to your mother's home. May our Father deal kindly with you, as you dealt with the dead and with me. Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, “Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri.
9 May our Father give each of you rest in another husband's home." Then she kissed them, and they wept aloud. Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume.” Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru.
10 And they said to her, "No—we will return with you to your people." Zvino vakati kwaari, “Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu.”
11 Naomi said, "Go back, my daughters. Why go with me? Do I have more sons in my womb to become your husbands? Asi Naomi akati kwavari, “Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here?
12 Return, my daughters, go, for I'm too old to marry. Even if I said there's still hope, even if I had a husband tonight and bore sons, Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana,
13 would you wait for them until grown? Would you stay unmarried for them? No, my daughters—it's far more bitter for me than you, since our Father's hand has turned against me." maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!”
14 At this they wept aloud again. Then Orpah kissed her mother-in-law goodbye, but Ruth clung to her. Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo.
15 Naomi said, "Look, your sister-in-law went back to her people and her gods. Go back with her." Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.”
16 Ruth said, "Don't push me to leave you or turn back from following you. Where you go, I'll go; where you stay, I'll stay. Your people will be my people, and your God my God. Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu.
17 Where you die I will die, and there I will be buried. May our Father punish me ever so severely if anything but death separates you and me." Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.”
18 When Naomi saw that Ruth was determined to go with her, she said no more to her. Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera.
19 So both of them traveled until they reached Bethlehem. When they entered Bethlehem, the whole town stirred over them, and the women said, "Is this Naomi?" Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?”
20 "Don't call me Naomi," she said. "Call me Mara—the Almighty has dealt very bitterly with me. Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo.
21 I went away full, but our Father has brought me back empty. Why call me Naomi, when our Father has afflicted me and the Almighty has brought misfortune upon me?" Ndakaenda ndakazara, asi Jehovha akandidzosa ndisina chinhu. Seiko muchinditi Naomi? Jehovha akandirwadzisa; Wamasimba Ose akauyisa rushambwa pamusoro pangu.”
22 So Naomi returned from the fields of Moab with Ruth the Moabite, her daughter-in-law, who came back with her. They reached Bethlehem as barley harvest began. Naizvozvo Naomi akadzokera achibva kuMoabhu, naRute muMoabhu, muroora wake, vakasvika muBheterehema nguva yokukohwa bhari ichangotanga.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]