Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Philippians 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul and Timothy, servants of Christ Jesus, to all the holy ones in Christ Jesus at Philippi, with the overseers and deacons: Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:
2 Grace to you and peace from our Father and the Lord Jesus Christ. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri.
3 I thank my Father every time I remember you, Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.
4 always praying for all of you with joy in every prayer, Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro
5 because of your partnership in the gospel from the first day until now. nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,
6 I'm confident of this very thing: the one who began a good work in you will complete it until the day of Christ Jesus. ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
7 I'm right to feel this about you—I hold you in my heart, all of you sharing with me in grace, in my chains and in defending and confirming the gospel. Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa nengetani kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari.
8 For our Father is my witness, how I long for you all with Christ Jesus's deep affection. Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu.
9 This is my prayer: that your love overflow more and more, with knowledge and all discernment, Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,
10 so you can discern what is best, staying pure and blameless until the day of Christ. kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,
11 Filled with the fruit of righteousness through Jesus Christ, to our Father's glory and praise. muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.
12 I want you to know, brothers and sisters, that my circumstances have actually advanced the gospel, Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri.
13 so my chains for Christ became known to the whole imperial guard and everyone else. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu.
14 Most of the brothers and sisters, made confident in the Lord by my chains, now dare more to speak the word fearlessly. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.
15 Some, it is true, preach Christ out of envy and rivalry, but others out of goodwill. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka.
16 These act from love, knowing I'm assigned to defend the gospel. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri.
17 The others proclaim Christ out of selfish ambition, not sincerely, thinking to stir up trouble for me in my chains. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani.
18 What then? Only that in every way—whether in pretense or truth—Christ is proclaimed, and I rejoice in this. Yes, I will keep rejoicing. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara,
19 For I know this will result in my rescue, through your prayers and the help of Jesus Christ's Spirit. nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.
20 My eager expectation and hope: I will never be ashamed, but with full courage, now as always, Christ will be praised in my body, whether by life or by death. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu.
21 For to me, to live is Christ, and to die is gain. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.
22 If I am to go on living in the body, this will mean fruitful work for me. Yet I don't know which to choose. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi!
23 Torn between the two, I want to leave and be with Christ—far better, Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza;
24 but to remain in the body is more necessary for your sake. asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu.
25 Convinced of this, I know I'll remain and stay with you all, for your progress and joy in the faith, Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu,
26 so your boasting in Christ Jesus may overflow because of me, when I come to you again. kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.
27 Just live worthy of the gospel of Christ, so that whether I come and see you, or am absent, I hear you stand firm in one spirit, contending together with one mind for the gospel's faith, Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri,
28 and not scared of your opponents at all—proof to them of their destruction, but of your salvation, and that from our Father. musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari.
29 For it has been graciously granted to you, for Christ's sake, not only to believe in him but also to suffer for him, Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake,
30 going through the same struggle you saw me face, and now hear that I still face. sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]