Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Command the Israelites to send from the camp everyone with a skin disease, everyone with a discharge, and everyone unclean from a corpse. “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha.
3 Send away both male and female; send them outside the camp, so they don't make their camp unclean, where I live among them." Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.”
4 The Israelites did this, sending them outside the camp; as our Father told Moses, the Israelites did. VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
5 Then our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
6 "Tell Israel's people: When a man or woman commits any human sin, betraying me, that person is guilty. “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva,
7 They must confess the sin they committed, repay in full for the wrong, add a fifth, and give it to the one they wronged. uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.
8 But if that person has no relative to receive restitution, it belongs to me and goes to the priest, plus the ram of atonement made for the guilty one. Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondobwe rokumuyananisira.
9 Every contribution among all Israel's holy gifts brought to the priest belongs to him. Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake.
10 Everyone's holy gifts remain their own; what one gives the priest belongs to the priest." Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’ ”
11 Then our Father spoke to Moses: Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
12 "Speak to the Israelites and tell them: If any man's wife goes astray and is unfaithful to him, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka, akasava akatendeka kwaari,
13 if another man sleeps with her, hidden from her husband, and she goes undetected though unclean—no witness against her, not caught in the act, akavata nomumwe murume, uye izvi zvikavanzwa kumurume wake uye kusvibiswa kwake kusati kwabatwa (sezvo pasina chapupu pamusoro pake uye asati abatwa achiita izvozvo),
14 a spirit of jealousy comes over the husband, and he is jealous of his wife, who is unclean; or a spirit of jealousy comes over him, and he is jealous though she is not unclean. uye murume wake akava neshanje mukati make uye akafungira mukadzi wake, uye iye mukadzi achinge akasvibiswa, kana dai akava neshanje uye achimufungira kunyange zvake iye asina kusvibiswa,
15 The man must bring his wife to the priest, along with her offering: about two quarts of barley flour. He must pour no oil on it and put no frankincense on it, because it is a grain offering of jealousy, a grain offering of remembrance, recalling guilt. ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuhwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva.
16 The priest is to bring her near and set her before our Father. “ ‘Muprista achamuuyisa agoita kuti amire pamberi paJehovha.
17 The priest is to take holy water in a clay jar, take dust from the tabernacle floor, and put it into the water. Ipapo anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu agoisa guruva rinobva pauriri hwetabhenakeri mumvura.
18 The priest is to stand the woman before our Father, unbind her hair, and put in her hands the grain offering of remembrance—the jealousy offering—while he holds the bitter, curse-bringing water. Shure kwokunge muprista amisa mukadzi uyu pamberi paJehovha, achasunungura vhudzi rake agoisa mumaoko ake chipiriso chokuyeuchidza, chipiriso chezviyo cheshanje, muprista pachake akabata mvura inovava inouyisa chituko.
19 The priest is to put her under oath and say to her: 'If no man has slept with you, and you have not gone astray and made yourself unclean under your husband's authority, be free from this bitter water that brings the curse. Ipapo muprista anofanira kuita kuti mukadzi uyu apike uye agoti kwaari, “Kana kusina mumwe murume akavata newe uye usina kumbotsauka ukava wakasvibiswa panguva yokuwanikwa kwako nomurume wako, mvura inovava iyi, iyo inouyisa kutukwa, ngairege kukukuvadza.
20 But if you strayed under your husband, made yourself unclean, and a man besides your husband slept with you.' Asi kana wakatsauka iwe wakawanikwa nomurume wako uye ukazvisvibisa nokuvata nomumwe murume pachinzvimbo chomurume wako,”
21 Then the priest is to bind the woman by this curse-oath, saying: May the Father turn you into a curse and a disgrace among your people, as he makes your thigh shrivel and your belly swell. ipapo muprista anofanira kuisa mukadzi uyu pachituko ichi chemhiko achiti, “Jehovha ngaaite kuti vanhu vako vakutuke uye vakurambe paanoita kuti chidya chako chionde uye kuti dumbu rako rizvimbe.
22 May this curse-bringing water enter your body, swelling your belly and wasting your thigh. Then the woman must say, 'Amen, amen.' Mvura iyi inouyisa kutuka ngaipinde mumuviri wako kuitira kuti dumbu rako rizvimbe uye chidya chako chionde.” “ ‘Ipapo mukadzi anofanira kuti, “Ameni. Ngazviite saizvozvo.”
23 "Then the priest writes these curses on a scroll and washes them off into the bitter water. “ ‘Muprista anofanira kunyora zvituko izvi papepa ipapo agozvisuka mumvura inovava.
24 He is to make the woman drink the bitter, cursing water; the cursing water will enter her, causing bitter suffering. Anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura inovava, inouyisa kutukwa, uye mvura iyi ichapinda maari igouyisa kutambudzika nokuvaviwa.
25 The priest takes the jealousy grain offering from her hand, waves it before our Father, and brings it to the altar. Muprista anofanira kutora kubva mumaoko omukadzi chipiriso chezviyo cheshanje, agochininira pamberi paJehovha nokuchiuyisa kuaritari.
26 The priest takes a handful of the grain offering, its memorial portion, burns it on the altar, then makes the woman drink the water. Ipapo muprista anofanira kutora tsama yechipiriso chezviyo sechipiriso chokurangaridza agochipisa paaritari; shure kwaizvozvo, anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura.
27 After he makes her drink the water, if she has made herself unclean and betrayed her husband, the curse-bringing water will enter her, causing bitter suffering: her belly will swell, her thigh wither, and she will become a curse among her people. Kana akazvisvibisa uye anga asina kutendeka kumurume wake, ipapo kana zvaitwa kuti anwe mvura inouyisa kutukwa, ichapinda maari igoita kuti arwadziwe zvikuru; dumbu rake richazvimba uye chidya chake chichaonda, uye achava akatukwa pakati pavanhu vokwake.
28 But if the woman has not made herself unclean and is clean, she is cleared and will conceive children. Kunyange zvakadaro hazvo, kana mukadzi uyo asina kuzvisvibisa uye akachena achasunungurwa pamhosva iyo uye achagona kubereka vana.
29 "This is the law of jealousy: when a wife under her husband strays and makes herself unclean, “ ‘Uyu, zvino ndiwo murayiro weshanje kana mukadzi atsauka, akazvisvibisa iye ari mukadzi womunhu,
30 or when a spirit of jealousy seizes a man and he is jealous of his wife: he is to stand her before our Father, and the priest is to apply this whole law to her. uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari.
31 The husband will be free from guilt, but the woman will answer for her own sin." Murume achange asina mhosva pakukanganisa kupi zvako, asi mukadzi achava nemhosva yechivi chake.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]