Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Tell Aaron and his sons to be careful with the holy offerings Israel's people dedicate to me, so they don't desecrate my holy name. I am your Father. “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha.
3 "Tell them: In every generation, any descendant of yours who is unclean and approaches the holy offerings Israel's people dedicate to me will be cut off from my presence. I am your Father. “Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha.
4 "No descendant of Aaron with a skin disease or discharge may eat the holy offerings until clean. Whoever touches something unclean from a corpse, or a man who has a semen emission, “ ‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu,
5 or touches any swarming creature that makes him unclean, or a person who makes him unclean, whatever his uncleanness. kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako.
6 Whoever touches it is unclean until evening and must not eat the holy offerings unless he has washed his body in water. Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura.
7 At sunset he is clean; then he may eat the holy offerings, for it is his food. Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake.
8 He must not eat anything dead or torn by wild animals, for that makes him unclean. I am your Father. Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha.
9 Priests must keep my instructions, or bear guilt and die for treating them with contempt. I am your Father, who makes them holy. “ ‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene.
10 "No outsider may eat the holy offering; no guest or hired worker of a priest may eat it. “ ‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya.
11 But if a priest buys a slave with his own money, that slave may eat it; those born in the priest's house may eat his food. Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake.
12 If a priest's daughter marries a non-priest, she may not eat the holy contributions. Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista.
13 But if a priest's daughter is widowed or divorced, has no child, and returns to her father's house as in her youth, she may eat her father's food. No outsider may eat it. Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku.
14 "Anyone who eats a holy offering by mistake must add a fifth of its value and give it to the priest. “ ‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro.
15 Priests must not desecrate the holy offerings Israel's people present to me, Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha,
16 and bring guilt requiring payment on them by their eating their holy offerings. For I am your Father, who makes them holy." nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’ ”
17 Then our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
18 "Tell Aaron, his sons, and all Israelites: When any of you—native-born or a foreigner living in Israel—brings a burnt offering to me, to fulfill a vow or as a voluntary gift. “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo,
19 Present a male without defect from cattle, sheep, or goats, so it's accepted for you. munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
20 Do not present anything with a defect, because it will not be accepted on your behalf. Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu.
21 When anyone brings a peace offering to me from herd or flock to fulfill an extraordinary vow or as a freewill offering, it must be flawless to be accepted—no defect in it. Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe.
22 Do not offer me anything blind, broken, maimed, wart-covered, scabbed, or oozing. Do not put any of these on the altar as a food offering to me. Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
23 You may present an ox or sheep that's deformed or stunted as a voluntary offering, but it won't be accepted for a vow. Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko.
24 Don't offer me an animal with testicles bruised, crushed, torn, or cut. Don't do this in your own land. Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu.
25 You must not accept such animals from a foreigner to offer as your Father's food, since they are deformed and defective—they will not be accepted for you." Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’ ”
26 Then our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
27 "When a calf, lamb, or goat is born, it stays with its mother seven days; from the eighth day on, it is acceptable as a food offering to me. “Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
28 Do not slaughter a cow or a sheep and its young on the same day. Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete.
29 "When you sacrifice a thank offering to me, sacrifice it so you'll be accepted. “Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
30 It must be eaten that same day; leave none of it until morning. I am your Father. Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha.
31 "Keep my commands and follow them. I am your Father. “Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha.
32 Do not desecrate my holy name; I must be honored as holy among the Israelites. I am your Father, who makes you holy, Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene
33 and who brought you out of Egypt to be your Father. I am your Father." uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]