Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 39 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Joseph was brought down to Egypt; Potiphar, Pharaoh's Egyptian official and captain of the guard, bought him from the Ishmaelites who had brought him down there. Zvino Josefa akanga atorwa akaendeswa kuIjipiti. Potifa muIjipita uyo akanga ari mumwe wamachinda aFaro ari mukuru wavarindi, akamutenga kuvaIshumaeri avo vakanga vamuendesa ikoko.
2 Our Father was with Joseph; he thrived, serving in his Egyptian master's house. Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake.
3 His master saw our Father was with him, our Father making all he did succeed in his hand. Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita kuti abudirire muzvinhu zvose zvaakanga achiita,
4 Joseph found favor with him and served him; his master put Joseph over his house, entrusting him with all he owned. Josefa akawana nyasha pamberi pake uye akava mubatiri wake. Potifa akamuita kuti ave mutariri weimba yake, uye akamuita muchengeti wezvinhu zvose zvakanga zviri zvake.
5 From when he put Joseph over his house and all he owned, our Father blessed the Egyptian's house for Joseph's sake; our Father's blessing was on all he had, house and field. Kubvira panguva yaakamuisa kuti ave mutariri weimba yake nowezvinhu zvose zvaaiva nazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipita nokuda kwaJosefa. Maropafadzo aJehovha akanga ari pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zviri zvaPotifa, zvose mumba nomumunda.
6 Potiphar left all he owned in Joseph's care, aware of nothing except what he ate. Joseph was well-built and handsome. Saka akaisa mumaoko aJosefa zvinhu zvose zvaakanga anazvo; Josefa ari mutariri, iye haana kumbova nehanya nezvimwe zvinhu kunze kwezvokudya zvaaidya bedzi. Zvino Josefa akanga akanyatsoumbwa, akanaka,
7 After these things, his master's wife cast her eyes on Joseph and said, "Sleep with me." uye shure kwechinguva mukadzi watenzi wake akatarira Josefa ndokubva ati kwaari, “Uya uzovata neni!”
8 He refused, telling his master's wife, "Look, with me here, my master oversees nothing in the house; all he owns he has put in my hands. Asi akaramba. Akati kwaari, “Ini somutariri, tenzi wangu haana kuva nehanya nezvinhu zvose zviri mumba make; zvose zvaanazvo, akazviisa mumaoko angu.
9 He is no greater in this house than I am; he's held back nothing from me except you, since you are his wife. How could I do this great evil and sin against our Father?" Hamuna munhu mukuru muno mumba kupfuura ini. Tenzi wangu havana kundinyima kana chinhu chimwe zvacho kunze kwenyu, nokuti imi muri mukadzi wavo. Zvino ndingaitirei chinhu chakaipa kudai uye ndichitadzira Mwari?”
10 Day after day she spoke to Joseph, but he refused to listen to her, to lie beside her, to be with her. Uye kunyange zvake aitaura naJosefa zuva nezuva, iye akaramba kuenda panhoo naye, kana kutombova naye.
11 One day Joseph entered the house to do his work, with no household man inside. Rimwe zuva akapinda mumba kuti andoita mabasa ake, uye kwakanga kusina mumwe wavashandi vomumba aivamo.
12 She caught him by his garment, saying, "Sleep with me!" He left it in her hand and fled outside. Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba.
13 When she saw that he had left his garment in her hand and fled outside, Akati aona kuti asiya jasi rake muruoko rwake uye kuti akanga abuda kunze kwemba,
14 she called the men of her household and said, "Look—he brought us a Hebrew man to mock us. He came in to me to sleep with me, and I screamed loudly. akadanidzira kuvashandi, akati, “Tarirai, muHebheru uyu akauyiswa kwatiri kuti azotidadira! Apinda muno kuti azovata neni, asi ndaridza mhere.
15 When he heard me cry out, he left his garment beside me and fled outside. Paanzwa ndoridza mhere kuti ndibatsirwe, abva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.”
16 She kept his garment beside her until his master came home." Akachengeta jasi rake parutivi pake kusvikira tenzi wake auya kumba.
17 She told him the same story: "The Hebrew servant you brought us came to me to mock me. Ipapo akamutaurira nyaya iyi akati, “Uya muranda wechiHebheru wamakauyisa kwatiri akauya kwandiri kuti azondidadira.
18 But when I cried out, he left his garment beside me and fled outside." Asi pandangoridza mhere kuti ndibatsirwe, akabva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.”
19 When his master heard his wife's words to him—"Your servant did these things to me"—his anger flared. Tenzi wake akati anzwa nyaya yaakaudzwa nomukadzi wake achiti, “Izvi ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wako,” akavira nehasha.
20 Joseph's master took him and put him in the prison holding the king's prisoners. He stayed there in the prison. Tenzi waJosefa akamutora akamuisa mutorongo, nzvimbo yaichengeterwa vasungwa vamambo; saka akava mutorongo.
21 But our Father was with Joseph, showing him covenant love and favor with the prison warden. Jehovha akava naJosefa; akamunzwira tsitsi akamuitira nyasha pamberi pomutariri womutorongo.
22 The prison warden put Joseph in charge of all its prisoners; whatever was done there, he did. Saka mutariri womutorongo akaita kuti Josefa ave mutariri wavose vaiva vakabatwa mutorongo, uye ndiye aiona nezvose zvaiitwa imomo.
23 The warden checked nothing in Joseph's care, since our Father was with him—whatever he did, our Father made succeed. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chipi zvacho chaiva pasi paJosefa, nokuti Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire pane zvose zvaaiita.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]