Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 37 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jacob settled in the land where his father had lived as a foreigner, the land of Canaan. Jakobho akagara munyika yakanga yambogarwa nababa vake, iyo nyika yeKenani.
2 This is Jacob's family record. Joseph, a young man of seventeen, tended the flock with his brothers, the sons of Bilhah and Zilpah, his father's wives—and brought their father a bad report about them. Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo.
3 Israel loved Joseph more than all his other sons, because he was born to him in his old age, and made him a robe of many colors. Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka.
4 When his brothers saw their father loved him more than all of them, they hated him and could not speak kindly to him. Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka.
5 Joseph dreamed a dream and told it to his brothers, who hated him even more. Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga.
6 He said to them, "Listen to this dream I had: Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi:
7 Suddenly we were binding sheaves in the field, and suddenly my sheaf rose and stood upright, and suddenly your sheaves gathered around and bowed down to it." Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamira chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.”
8 His brothers said to him, "Will you really reign over us? Will you actually rule us?" So they hated him even more for his dreams and his words. Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.
9 He dreamed again and told his brothers, "Look, I had another dream—the sun, moon, and eleven stars were bowing down to me." Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvanga zvichindipfugamira.”
10 When he told his father and brothers, his father scolded him: "What is this dream you had? Will I, your mother, and your brothers really come and bow to the ground before you?" Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?”
11 His brothers were jealous of him, but his father kept the matter in mind. Madzikoma ake akamuitira godo, asi baba vake vakazvichengeta mumwoyo mavo.
12 Now his brothers had gone to graze their father's flocks near Shechem. Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu,
13 Israel said to Joseph, "Aren't your brothers grazing the flocks at Shechem? Come, I'll send you to them." "Here I am," he replied. uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.” Iye akati, “Zvakanaka.”
14 He said to him, "Go see how your brothers and the flock are doing, and bring me word." So he sent him from the Valley of Hebron, and Joseph came to Shechem. Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni. Josefa akati asvika kuShekemu,
15 A man found him wandering in the fields and asked him, "What are you looking for?" mumwe murume akamuwana achidzungaira musango akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?”
16 He replied, "I'm looking for my brothers. Can you tell me where they are grazing their flocks?" Akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?”
17 "They've left here," the man said. "I heard them say, 'Let's go to Dothan.'" Joseph went after his brothers and found them at Dothan. Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Saka Josefa akatevera madzikoma ake akandovawana pedyo neDhotani.
18 They saw him in the distance, and before he reached them, they plotted to kill him. Asi vakamuona achiri kure, asati asvika kwavari, vakarangana kumuuraya.
19 "Here comes that dreamer!" they said to one another. Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya!
20 "Now come, let's kill him, throw him into one of the pits, and say a wild animal ate him. Then we'll see what becomes of his dreams." Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.”
21 Reuben heard and tried to rescue him from their hands. "Let's not take his life," he said. Rubheni akati anzwa izvi, akaedza kumununura kubva mumaoko avo. Akati, “Ngatiregei kumuuraya.
22 Reuben told them, "Shed no blood—throw him into this desert cistern, but don't touch him." Reuben said this to rescue Joseph from them and take him back to his father. Regai kuteura ropa. Mukandei mutsime iri muno mugwenga, asi regai kutambanudza maoko enyu paari.” Rubheni akareva izvozvi kuti amununure kwavari uye kuti agomudzosera kuna baba vake.
23 When Joseph reached his brothers, they stripped off his robe—the robe of many colors he wore. Saka Josefa akati asvika kumadzikoma ake, vakamubvisa nguo yake, iyo nguo iya yakanga yakaisvonaka, yaiva nemavara-mavara yaakanga akapfeka,
24 They took him and threw him into the cistern. The cistern was empty, no water in it. uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura.
25 They sat to eat, looked up, and saw an Ishmaelite caravan coming from Gilead, their camels carrying spices, balm, and myrrh, headed down to Egypt. Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti.
26 Judah told his brothers, "What do we gain if we kill our brother and hide his blood? Judha akati kuhama dzake, “Tichawaneiko kana tikauraya mununʼuna wedu tikafushira ropa rake?
27 Come, let's sell him to the Ishmaelites, not harm him ourselves—he's our brother, our own flesh." His brothers agreed. Uyai, ngatimutengesei kuvaIshumaeri ava tirege kutambanudza maoko edu paari; pamusoro pezvo iye mununʼuna wedu, nyama yedu neropa redu.” Madzikoma ake akatenderana.
28 As Midianite traders passed, his brothers lifted Joseph from the pit and sold him to the Ishmaelites for twenty silver pieces, and the Ishmaelites brought him to Egypt. Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviri esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti.
29 When Reuben returned to the cistern and saw that Joseph was not there, he tore his clothes. Rubheni paakadzokera kutsime uye akawana Josefa asisimo akabvarura nguo dzake.
30 He went back to his brothers and said, "The boy is gone! Where can I turn now?" Akadzokerazve kuvanunʼuna vake akati, “Mukomana haasisimo! Zvino ndichaendepiko?”
31 Then they took Joseph's robe, slaughtered a goat, and dipped the robe in the blood. Ipapo vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi ndokunyika nguo iya muropa.
32 They sent the robe of many colors and brought it to their father, saying, "We found this. Examine it: is it your son's robe, or not?" Vakatora nguo iya yakaisvonaka vakaenda nayo kuna baba vavo vakati, “Takanonga ichi. Cherechedzai muone kana ingava nguo yomwanakomana wenyu here.”
33 He recognized it: "My son's robe—a dangerous animal ate him! Joseph is surely torn apart." Akaiziva akati, “Inguo yomwanakomana wangu! Zvimwe zvikara zvesango zvamudya. Zvirokwazvo Josefa akabvamburwa-bvamburwa.”
34 Then Jacob tore his clothes, put on mourning clothes, and mourned for his son many days. Ipapo Jakobho akabvarura nguo dzake, akapfeka nguo dzamasaga akachema mwanakomana wake kwamazuva mazhinji.
35 All his sons and daughters came to comfort him, but he refused to be comforted, saying, "No, mourning I will go down to my son in the grave." So his father wept for him. Vanakomana vake navanasikana vake vose vakauya kuzomunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa. Akati, “Kwete, ndichaburuka kuguva ndichichema mwanakomana wangu.” Saka baba vake vakamuchema.
36 Now the Midianites sold Joseph in Egypt to Potiphar, a Pharaoh official and captain of the guard. Zvichakadaro, vaMidhiani vakatengesa Josefa muIjipiti kuna Potifa mumwe wavabati vaFaro, mukuru wavarindi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]