Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 34 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Dinah, the daughter Leah bore to Jacob, went out to see the young women of the land. Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo.
2 Shechem son of Hamor the Hivite, prince of the land, saw her, seized her, lay with her, and abused her. Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamumanikidza akavata naye, uye akamunyadza.
3 His heart clung to Dinah, daughter of Jacob—he loved the girl and spoke to her heart. Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro.
4 So Shechem said to his father Hamor, "Get me this girl as a wife." Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.”
5 Jacob heard that Shechem had made his daughter Dinah unclean, but his sons were with his livestock in the field, so Jacob said nothing until they came. Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba.
6 Then Hamor, Shechem's father, went out to Jacob to speak with him. Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho.
7 Jacob's sons came in from the field. When they heard, the men were deeply pained and furious—for Shechem had done a disgraceful thing in Israel, sleeping with Jacob's daughter, a thing not to be done. Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa.
8 Hamor spoke with them: "My son Shechem longs for your daughter. Please give her to him as wife. Asi Hamori akati kwavari, “Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake.
9 Intermarry with us—give your daughters to us, and take our daughters for yourselves. Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu.
10 Live with us; the land lies open to you—settle, trade, and acquire property in it." Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.”
11 Shechem said to her father and brothers, "Let me find favor in your eyes; whatever you say to me, I will give. Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, “Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda.
12 Ask me any bride-price and gift, however great—I'll pay it. Just give me the girl as my wife." Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.”
13 Jacob's sons answered Shechem and his father Hamor dishonestly, because Shechem had defiled their sister Dinah. Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori.
14 They said to them, "We can't do this—give our sister to an uncircumcised man; that would disgrace us. Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadziso kwatiri ichocho.
15 We agree to this alone: if you become like us, every male of you circumcised. Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose.
16 We'll give you our daughters and take yours for ourselves; we'll live with you and become one people. Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi.
17 But if you will not listen and be circumcised, we will take our daughter and leave." Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.”
18 Their words pleased Hamor and his son Shechem. Kutaura kwavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu.
19 The young man didn't delay, since he delighted in Jacob's daughter—he was the most honored in his father's house. Jaya iri raikudzwa zvikuru pakati pemhuri yose yababa varo, harina kunonoka kuita zvavakareva, nokuti akanga achifadzwa nomwanasikana waJakobho.
20 Hamor and his son Shechem came to the gate of their city and spoke to the men of their city: Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo.
21 "These men are peaceful with us. Let them live in the land and trade in it—the land is wide enough for them. We'll take their daughters as wives and give them ours. Vakati, “Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo.
22 Only on this condition will the men agree to live with us as one people: that every male among us be circumcised, as they are circumcised. Asi varume vachatenderana nesu kuti tive savanhu vamwe nechinhu chimwe bedzi, chokuti vanhurume vedu vadzingiswe, sezvavari ivo.
23 Won't their livestock, property, and all their animals be ours? Just let us agree with them, and they'll live with us." Ko, mombe dzavo, pfuma yavo nezvimwe zvipfuwo zvavo hazvingavi zvedu here? Saka ngatitenderanei navo, vagogara pakati pedu.”
24 All who went out through his city's gate listened to Hamor and his son Shechem, and every male was circumcised—all who went out through his city's gate. Varume vose vakabuda kusuo reguta vakabvumirana naHamori nomwanakomana wake Shekemu, uye vanhurume vose vomuguta vakadzingiswa.
25 On the third day, while they were still in pain, two of Jacob's sons, Simeon and Levi, Dinah's brothers, each took his sword, came against the unsuspecting city, and killed every male. Shure kwamazuva matatu, vose vachiri kurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhaina, vakatora minondo yavo vakarwisa guta rakanga risina chifungidziro, vakauraya munhurume wose.
26 They killed Hamor and his son Shechem with the sword, took Dinah from Shechem's house, and left. Vakauraya Hamori nomwanakomana wake nomunondo uye vakatora hanzvadzi yavo Dhaina kubva mumba maShekemu vakaenda.
27 Jacob's sons came upon the slain and plundered the city, because the men there had defiled their sister. Vanakomana vaJakobho vakasvika kuzvitunha vakapamba guta iro makanga masvibiswa hanzvadzi yavo.
28 They took their flocks, their herds, their donkeys, and everything in the city and in the field. Vakatora makwai avo nemombe dzavo, mbongoro dzavo nezvose zvakanga zviri zvavo muguta uye nezvaiva musango.
29 They took all their wealth, all their children, and their wives captive, plundering everything in the houses. Vakatakura pfuma yavo navakadzi vavo vose navana, vakapamba zvinhu zvose zvaiva mudzimba.
30 Jacob said to Simeon and Levi, "You've brought trouble on me—making me stink to those living here, the Canaanites and Perizzites. My men are few; if they band together against me, they'll attack, and I'll be destroyed, I and my household." Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuhwa kuvaKenani navaPerizi, vanhu vagere munyika muno. Tiri vashoma isu, uye kana vakandikomberana uye vakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.”
31 But they said, "Should he treat our sister like a prostitute?" Asi ivo vakapindura vakati, “Zvakanaka here kuti vabate hanzvadzi yedu sechifeve?”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]