Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 35 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Moses gathered the whole community of Israel's people and told them, "These are the things our Father commanded you to do. Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite:
2 Work six days; the seventh is holy to you, a Sabbath of complete rest to our Father. Anyone who works on it must be put to death. Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa.
3 You shall not light a fire in any of your homes on the Sabbath day." Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”
4 Moses told all Israel's assembly, "This is what our Father commanded: Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
5 Take from among you a gift for our Father. Let each willing heart bring our Father's gift: gold, silver, and bronze. Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso: “chegoridhe, sirivha uye nendarira;
6 Blue, purple, and scarlet yarns, fine linen, goats' hair, wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi;
7 tanned rams' skins, fine leather, and acacia wood, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;
8 oil for the light, spices for the anointing oil and for the fragrant incense, mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuhwira kwazvo;
9 and onyx stones and stones for setting, for the ephod and for the breastpiece. mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
10 "Let every skillful person among you come and make all that our Father has commanded: “Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
11 the tabernacle: its tent, cover, clasps, frames, bars, posts, and bases, “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12 the ark with its poles, the mercy seat, and the veil that screens it; areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira;
13 the table with its poles and all its utensils, and the bread of the Presence; tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza;
14 the lampstand for the light, with its utensils and its lamps, and the oil for the light; chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
15 the incense altar and its poles; anointing oil and fragrant incense; and the screen for the tabernacle entrance; aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16 the burnt-offering altar with its bronze grate, poles, and all its utensils; the basin and its stand, aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
17 the courtyard's curtains, its pillars and bases, and the screen for its gate, zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
18 the pegs of the tabernacle and the pegs of the courtyard, with their cords; hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
19 the finely woven garments for serving in the Holy Place, the holy garments for Aaron the priest, and the garments for his sons to serve as priests." nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
20 Then all the congregation of the people of Israel left Moses. Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,
21 Everyone whose heart stirred him, everyone whose spirit moved him, brought our Father's contribution for the tent of meeting's work, all its service, and the holy garments. uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
22 Men and women came together; all who were willing-hearted brought brooches, earrings, signet rings, and armlets—every kind of gold object—and everyone presented a wave offering of gold to our Father. Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
23 Everyone who had blue, purple, or scarlet yarn, fine linen, goat hair, tanned ram skins, or fine leather brought them. Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.
24 Everyone who could give a contribution of silver or bronze brought it as our Father's contribution; everyone with acacia wood for any task of the work brought it. Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.
25 Every skilled woman spun with her hands and brought her spun thread: blue, purple, scarlet, and fine linen. Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.
26 All the skilled women whose hearts were stirred spun the goat hair. Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi.
27 The leaders brought onyx stones and gems for mounting, for the ephod and for the breastpiece, Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
28 and spices, and the oil for the light, for the anointing oil, and for the fragrant incense. Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo.
29 Every Israelite man and woman whose heart willed it brought a voluntary offering to our Father for all the work our Father commanded through Moses. VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.
30 Then Moses told the Israelites, "See, our Father has called by name Bezalel son of Uri, son of Hur, of Judah's tribe, Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
31 and filled him with the Spirit of our Father—skill, understanding, knowledge, and every kind of craftsmanship, uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha,
32 to devise artistic designs, to work in gold, silver, and bronze, kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira,
33 in cutting stones for setting and in carving wood, to work in every kind of skilled craft. kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha.
34 Our Father has put in Bezalel's heart to teach—he and Oholiab son of Ahisamach, of the tribe of Dan. Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe.
35 He filled them with skill for every kind of work—engraving, designing, embroidering in blue, purple, and scarlet yarn and fine linen, and weaving—skilled in every craft, full of ideas." Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]