Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 32 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When the people saw Moses delayed coming down the mountain, they gathered around Aaron and said to him, "Get up, make us gods to go before us. This Moses, the man who brought us up from the land of Egypt—we don't know what's happened to him." Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.”
2 Aaron told them, "Take off the gold earrings on the ears of your wives, sons, and daughters, and bring them to me." Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.”
3 All the people removed the gold rings from their ears and brought them to Aaron. Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni.
4 He took the gold from their hands, shaped it with an engraving tool, and cast it into a calf. Then they said, "These are your gods, Israel, who brought you up from the land of Egypt!" Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.”
5 Seeing this, Aaron built an altar before it and announced, "Tomorrow is a festival to our Father." Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.”
6 They rose early next day, offered burnt offerings, and brought peace offerings. The people sat to eat and drink, then got up to revel. Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya, vakanwa uye vakasimuka kuti vatambe.
7 Then our Father said to Moses, "Go down, because your people, whom you brought up from the land of Egypt, have corrupted themselves. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora.
8 They have quickly turned from the way I commanded them, made themselves a cast calf, bowed to it, sacrificed to it, and said, 'Israel, these are your gods who brought you up from the land of Egypt.'" Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ”
9 Our Father said to Moses, "I have seen this people, and they are a stubborn people. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu.
10 Now leave me alone, that my anger may burn against them and I may consume them, and I will make you a great nation." Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.”
11 Moses pleaded with our Father: "Why, our Father, does your anger burn against your people, whom you brought out of the land of Egypt with great power and a mighty hand? Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba?
12 Why should the Egyptians say, 'He brought them out with evil intent, to kill them in the mountains and wipe them off the face of the earth'? Turn from your burning anger; relent from this disaster against your people. VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika’? Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu.
13 Remember Abraham, Isaac, and Israel, your servants, to whom you swore by yourself and told them: 'I will multiply your offspring like the stars of heaven, and I will give your offspring all this land I have promised, and they will inherit it forever.'" Rangarirai varanda venyu vanaAbhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’ ”
14 So our Father relented from the disaster he had spoken of bringing on his people. Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake.
15 Moses turned and went down from the mountain, the two tablets of the testimony in his hand, tablets written on both sides, front and back. Mozisi akadzoka akaburuka mugomo ane mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake. Akanga akanyorwa kumativi ose ari maviri, mberi neshure.
16 The tablets were the work of our Father; the writing was the writing of our Father, engraved on the tablets. Mahwendefa aya rakanga riri basa raMwari; runyoro rwakanga rwuri runyoro rwaMwari, rwakatemwa pamahwendefa.
17 When Joshua heard the sound of the people shouting, he told Moses, "That's the sound of war in the camp." Joshua akati anzwa mheremhere yavanhu vaidanidzira, akati kuna Mozisi, “Mune ruzha rwehondo mumusasa.”
18 Moses replied, "Not the sound of victory's shout, nor the sound of defeat's cry—I hear the sound of singing." Mozisi akapindura akati, “Harusi ruzha rwokukunda, harusi ruzha rwokukundwa; ruzha rwokuimba rwandinonzwa.”
19 As Moses neared the camp and saw the calf and the dancing, his anger flared; he threw the tablets from his hands, shattering them at the base of the mountain. Mozisi akati aswedera pamusasa akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kukavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo.
20 He took the calf they made, burned it in fire, ground it to powder, scattered it on the water, and made the Israelites drink it. Uye akatora mhuru yavakanga vagadzira ndokuipisa nomoto; ipapo akaikuya kuita upfu, akahuparadzira pamusoro pemvura uye akaita kuti vaIsraeri vainwe.
21 Moses said to Aaron, "What did this people do to you, that you brought such great sin on them?" Akati kuna Aroni, “Ko vanhu ava vakaiteiko kwauri, zvawakavatungamirira muchivi chikuru zvakadai?”
22 Aaron said, "Don't be angry, my lord; you know the people are inclined to evil. Aroni akapindura akati, “Regai kutsamwa, ishe wangu. Munoziva kuti vanhu ava vanorerekera sei pakutadza.
23 They said to me, 'Make us gods to go ahead of us. This Moses, the man who brought us out of the land of Egypt—we can't say what became of him.' Vakati kwandiri, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa kubva muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.’
24 I told them, 'Whoever has gold, strip it off.' They gave it to me; I threw it into the fire, and out came this calf." Saka ndakati kwavari, ‘Ani naani ane zvishongo zvegoridhe, ngaabvise.’ Ipapo vakandipa goridhe ndikarikanda mumoto, uye ndipo pakabuda mhuru iyi!”
25 Moses saw that the people ran wild, for Aaron had let them run wild, to their enemies' mockery. Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo.
26 Moses stood at the camp gate and said, "Whoever is for our Father, come to me!" All the Levites gathered around him. Saka akamira pamukova wokupinda nawo mumusasa akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Uye vaRevhi vose vakaenda kwaari.
27 He said to them, "This is what our Father says: Strap your sword to your side, each of you. Go back and forth through the camp, gate to gate, and kill your brother, your friend, your neighbor." Ipapo akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Murume mumwe nomumwe ngaapakate munondo parutivi rwake. Mufambe mumusasa kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, mumwe nomumwe achiuraya hama yake neshamwari yake nomuvakidzani wake.’ ”
28 The Levites did as Moses commanded, and that day about 3,000 of the people fell. VaRevhi vakaita sezvavakarayirwa naMozisi, uye nomusi uyo vanhu zviuru zvitatu vakafa.
29 Moses said, "Today you set yourselves apart for our Father, each at the cost of his son and brother, so he might bless you today." Ipapo Mozisi akati, “Imi matsaurirwa Jehovha nhasi, nokuti makanga muchirwa navanakomana venyu uye nehama dzenyu, uye akuropafadzai nhasi.”
30 The next day Moses told the people, "You have sinned greatly. Now I will go up to our Father—perhaps I can atone for your sin." Fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, “Maita chitadzo chikuru. Asi zvino ndichaenda kuna Jehovha; zvimwe ndingagona kukuitirai yananiso nokuda kwechivi chenyu.”
31 Moses returned to our Father and said, "Oh, this people has sinned greatly, making themselves gods of gold. Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa vanhu ava vaita chivi chikuru sei! Vazviitira vamwari vegoridhe.
32 Now, if you'll forgive their sin—if not, blot me, please, out of the book you wrote." Asi zvino, ndapota hangu varegererei chivi chavo, asi kana zvisina kudaro, ipapo ndidzimei henyu mubhuku ramakanyora.”
33 But our Father told Moses, "I will blot out of my book whoever has sinned against me. Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu.
34 Go, lead the people where I told you; my angel will go before you. But on the day I settle accounts, I will charge them with their sin." Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.”
35 Then our Father struck the people with plague because of what they did with the calf that Aaron made. Uye Jehovha akarova vanhu nedenda nokuda kwezvavakaita nemhuru yakaitwa naAroni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]