Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Whoever steals an ox or sheep, then kills or sells it, repays five cattle for the ox, four sheep for the sheep. “Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete.
2 If a thief is caught breaking in and beaten to death, no bloodguilt for it. “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa;
3 If sunrise finds him, bloodguilt is his. He must repay; if he has nothing, he's sold for his theft. asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana isina chinhu, inofanira kutongeswa kuti iripe umbavha hwayo.
4 If the stolen animal is found alive in his possession—ox, donkey, or sheep—he must repay double. “Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri.
5 "If someone lets livestock loose and it grazes in another's field or vineyard, he repays with the best of his field and the best of his vineyard. “Kana munhu akafudza zvipfuwo zvake mumunda kana mumunda womuzambiringa uye akarega zvipfuwo zvake zvichidya mumunda womunhu, anofanira kudzorera zvakaisvonaka zvinobva mumunda wake kana mumunda wake womuzambiringa.
6 "If fire spreads and catches thornbushes, burning stacked grain, standing grain, or the field, whoever started it must repay in full. “Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo.
7 "If someone entrusts a neighbor with silver or goods, and it's stolen from his house, the thief—if caught—pays back double. “Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri.
8 If the thief isn't found, the householder must come before our Father to see if he took his neighbor's property. Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu.
9 For any disputed ox, donkey, sheep, garment, or lost item claimed as his, both come before our Father; whoever our Father condemns pays double to his neighbor. Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri.
10 "If someone gives his neighbor a donkey, ox, sheep, or any animal to guard, and it dies, is hurt, or is taken unseen, “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona,
11 an oath before me settles the matter between them: the keeper did not lay a hand on his neighbor's property. The owner accepts it; no repayment is due. nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa.
12 But if the animal was in fact stolen from him, he must make restitution to its owner. Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo.
13 If it was torn apart, he must bring it as proof; he owes nothing for the torn animal. Kana chakabvarurwa-bvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa.
14 "If someone borrows an animal from a neighbor and it's injured or dies without the owner present, full repayment is required. “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa.
15 If its owner was with it, he owes nothing; if the animal was hired, the fee covers the loss. Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake.
16 "If a man entices an unengaged virgin and sleeps with her, he must pay bride price and marry her. “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.
17 If her father flatly refuses to give her to him, he must weigh silver equal to virgins' bride-price. Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara.
18 "You shall not allow a sorceress to live. “Usatendera muroyikadzi kuti ararame.
19 "Whoever has sexual relations with an animal must surely be put to death. “Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa.
20 "Whoever sacrifices to any god other than me alone must be completely destroyed. “Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa.
21 "Do not wrong or oppress a foreigner, for you were foreigners in the land of Egypt. “Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti.
22 "You shall not mistreat any widow or orphan. “Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera.
23 If you do mistreat them, and they cry out to me, I will surely hear their cry. Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo.
24 My anger will flare; I will kill you by the sword—your wives widows, your children fatherless. Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera.
25 "If you lend money to my people, the poor among you, don't be a creditor to him or charge him interest. “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu.
26 If you take your neighbor's cloak as a pledge, you must return it to him by sunset, Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka,
27 it's his only covering, his cloak for his skin. What will he sleep in? When he cries out to me, I'll hear, for I'm compassionate. nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko? Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi.
28 "You shall not speak evil of our Father, nor curse a ruler of your people. “Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako.
29 "Do not delay giving the fullness of your harvest and your juice. Give me the firstborn of your sons. “Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako. “Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako.
30 Do the same with your ox and sheep: keep it with its mother seven days, then give it to me on the eighth day. Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere.
31 "Be holy people to me. Do not eat meat torn by beasts in the field—throw it to the dogs." “Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]