Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Deuteronomy 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When your Father brings you into the land you're entering to possess, and drives out many nations ahead of you—Hittites, Girgashites, Amorites, Canaanites, Perizzites, Hivites, and Jebusites—seven nations bigger and stronger than you. Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuurai,
2 When your Father gives them to you and you defeat them, you must devote them to complete destruction. Make no covenant with them, show them no mercy. uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanira kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi.
3 Don't intermarry with them—don't give your daughters to their sons or take their daughters for your sons. Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo,
4 For they will turn your children from following me to serve other gods; our Father's anger will burn against you, and he will quickly destroy you. nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza.
5 Instead, do this to them: tear down their altars, smash their sacred pillars, cut down their Asherah poles, and burn their carved images with fire. Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa zvifananidzo zvavo.
6 You are a people holy to your Father; your Father chose you from all peoples on earth to be his people, his treasured possession. Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha.
7 Your Father loved and chose you not because you outnumbered other peoples—you were the fewest of all peoples. Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma kwazvo pandudzi dzose.
8 But because your Father loves you and keeps his oath sworn to your fathers, he brought you out with a mighty hand and redeemed you from the house of slavery, from the hand of Pharaoh king of Egypt. Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti.
9 Know: your Father is our Father, the faithful One who keeps covenant and faithful love for 1,000 generations, for those who love him and keep his commands, Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.
10 but repays haters to their face, destroying them; he is not slow to repay a hater to his face. Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga.
11 So keep the commandment—the statutes and the rules—that I am commanding you today, and carry them out. Naizvozvo, chenjerai kuti mutevere zvakarayirwa, mitemo nemirayiro yandinokupai nhasi.
12 Because you listen to these rules, keeping and doing them, your Father will keep for you the covenant and faithful love sworn to your fathers. Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu.
13 He will love you, bless you, multiply you—bless the fruit of your womb and the fruit of your ground: grain, new wine, oil, the increase of your herds, the young of your flock—in the land he swore to your fathers to give you. Achakudai uye achakuropafadzai uye achakuwedzerai uwandu hwenyu. Acharopafadza zvibereko zvomuviri wako, zvirimwa zvomunda wako, zviyo zvako, waini itsva namafuta, mhuru dzemombe uye makwayana amapoka ako munyika iyo yaakapikira madzitateguru enyu, kuti achakupai.
14 You will be blessed above all peoples; none among you, male or female, will be barren, nor your livestock. Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki.
15 Your Father will remove all sickness from you, putting none of Egypt's evil diseases you knew on you, but on all who hate you. Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai.
16 Destroy all the peoples your Father gives you. Don't pity them or serve their gods—that will trap you. Munofanira kuparadza marudzi ose akaiswa mumaoko enyu naJehovha Mwari wenyu. Musavanzwira tsitsi uye musashumira vamwari vavo nokuti izvozvo zvichava musungo kwamuri.
17 If you think, 'These nations are greater than I; how can I drive them out?' Mungati mumwoyo menyu, “Ndudzi idzi dzakasimba kutipfuura. Tingadzidzinga seiko?”
18 do not fear them. Remember well what your Father did to Pharaoh and to all Egypt: Hamufaniri kuvatya; nyatsorangarirai zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Faro neIjipiti yose.
19 the great trials your eyes saw, the signs and wonders, the strong hand and outstretched arm by which your Father brought you out. Your Father will do the same to all peoples you fear. Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino.
20 Your Father will send the hornet among them until those remaining and hiding from you die. Pamusoro pezvo Jehovha Mwari achatumira mago pakati pavo kusvikira kunyange nevachasara vari vapenyu vakavanda kubva kwamuri vaparadzwa.
21 Do not dread them, for your Father is among you, a great and awesome our Father. Musatyiswa navo, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ari pakati penyu ndiMwari mukuru anotyisa.
22 Your Father will drive out these nations before you slowly. You cannot finish them quickly, or wild animals will multiply against you. Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi kubva pamberi penyu, zvishoma nezvishoma. Hamungatenderwi kuvaparadza vose kamwe chete, kuti zvikara zvesango zvirege kuwanda munzvimbo dzakakupoteredzai.
23 Your Father will hand them over to you, throwing them into great confusion until they are destroyed. Asi Jehovha Mwari wenyu achavapa kwamuri, achivakanganisa zvikuru kusvikira vaparadzwa.
24 He will give their kings into your hand, and you will erase their name from under heaven. No one will be able to stand against you until you destroy them. Achaisa madzimambo avo muruoko rwenyu, uye achabvisa mazita avo pasi pedenga. Hapana achagona kumira pamberi penyu; muchavaparadza.
25 Burn their gods' carved images with fire. Don't crave the silver or gold on them or take it for yourself, or you'll be trapped by it—it is detestable to your Father. Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe riri pazviri, uye musaritora kuti rive renyu, nokuti ringava musungo kwamuri, nokuti rinonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu.
26 Do not bring a detestable thing home, or you will be devoted to destruction like it. Detest it, despise it, for it is devoted to destruction. Usauyisa chinhu chinonyangadza mumba mako, kuti iwe, saicho, urege kutsaurirwa kuparadzwa. Chiseme kwazvo ugochivenga, nokuti chinhu chakatsaurirwa kuparadzwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]