Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Deuteronomy 32 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Listen, heavens, and I will speak; let the earth hear the words of my mouth. Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.
2 May my teaching fall like rain, my speech settle like dew, like gentle showers upon the tender grass, and like rain upon the growing plants. Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro.
3 For I will proclaim the name of our Father; ascribe greatness to our Father! Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!
4 The Rock—our Father—his work is perfect, for all his ways are justice. Our Father is faithful and does no wrong; just and upright is he. Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi.
5 They have acted corruptly toward him; they are no longer his children, but a blemish—a crooked and twisted generation. Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,
6 Is this how you repay our Father, you foolish and senseless people? Is he not your Father, who created you, who made you and established you? Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai?
7 Remember the days of old; consider the years of generation after generation. Ask your father, and he will tell you, your elders, and they will explain. Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira.
8 When the Most High, our Father, gave the nations their inheritance, when he divided humanity, he fixed the borders of the peoples according to the number of the sons of Israel. Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.
9 For our Father's portion is his people, Jacob his allotted heritage. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.
10 He found him in a desert land, in the howling waste of the wilderness; he encircled him, he cared for him, he guarded him as the apple of his eye. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake,
11 Like an eagle that stirs up its nest, that hovers over its young, he spread out his wings and caught them, carrying them on his wings. segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro.
12 Our Father alone guided him, and there was no foreign god with him. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.
13 He set him atop the heights of the land, and he ate the produce of the field; he nourished him with honey from the rock, and oil from the flinty crag. Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara,
14 Curds from the herd and milk from the flock, with the fat of lambs, rams of Bashan and goats, with the finest of the wheat—and you drank the foaming wine of the blood of grapes. noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondobwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.
15 But Jeshurun grew fat and kicked—you grew fat, bloated, and sleek—then he abandoned our Father who made him and scorned the Rock of his salvation. Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.
16 They stirred him to jealousy with foreign gods; they provoked him to anger with abominations. Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.
17 They sacrificed to demons that were not God, to gods they had never known, new gods who had only recently appeared, whom your fathers had never dreaded. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.
18 You neglected the Rock who fathered you, and you forgot our Father who gave you birth. Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.
19 Our Father saw it and spurned them, because of the provocation of his sons and his daughters. Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.
20 And he said, "I will hide my face from them; I will see what becomes of them, for they are a perverse generation, children in whom there is no faithfulness. “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro, “tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.
21 "They made me jealous with what is no god; they provoked me to anger with their worthless idols. So I will make them jealous with those who are no people; I will provoke them to anger with a foolish nation. Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.
22 For my anger has kindled a fire that burns to the depths of the grave; it devours the earth and its produce and sets ablaze the foundations of the mountains. Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo.
23 I will heap disasters upon them; I will exhaust my arrows against them. “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
24 Wasted by hunger, consumed by burning plague and bitter destruction; I will send the teeth of beasts against them, with the venom of things that crawl in the dust. Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.
25 Outside, the sword will bring death, and inside, terror—for young man and young woman alike, the nursing infant with the gray-haired elder. Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo.
26 I would have said, 'I will cut them to pieces; I will blot out their memory from among mankind,' Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,
27 had I not feared the taunt of the enemy, for fear their adversaries would misjudge and say, 'Our own hand has triumphed; it was not God who did all this.' asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ”
28 For they are a nation without wisdom, and there is no understanding in them. Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo.
29 If only they were wise, they would understand this; they would see their final fate. Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!
30 How could one chase 1,000, and two put 10,000 to flight, unless their Rock had sold them, and our Father had given them up? Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?
31 For their rock is not like our Rock; even our enemies concede it. Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu.
32 For their vine comes from the vine of Sodom and from the fields of Gomorrah; their grapes are grapes of poison, their clusters are bitter. Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu nokuminda yeGomora. Mazambiringa avo azere nomuchetura, uye masumbu avo azere nokuvava.
33 Their wine is the venom of serpents, the cruel poison of cobras. Waini yavo uturu hwenyoka, uturu hwakaipisisa hwemhakure.
34 "Is this not stored up with me, sealed within my treasuries? “Ko, handina kuchengeta izvi here, uye ndikazvipfigira mumatura angu?
35 Justice and recompense are mine, for the time when their foot will slip; for the day of their calamity is near, and their doom rushes upon them. Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”
36 For our Father will vindicate his people and have compassion on his servants, when he sees that their strength is gone and no one remains, neither slave nor free. Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina.
37 Then he will say, 'Where are their gods, the rock in which they took refuge, Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko, dombo ravakahwanda mariri,
38 who ate the fat of their sacrifices and drank the wine of their drink offering? Let them rise and help you; let them be your shelter!' vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa? Ngavasimuke kuti vakubatsirei! Ngavakupei pokuvanda!
39 Look—I myself am he, and there is no god beside me. I put to death and I give life; I wound and I heal, and no one can deliver from my hand. “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.
40 For I lift my hand to heaven and declare: As surely as I live forever, Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
41 when I sharpen my flashing sword and my hand grasps judgment, I will bring justice on my adversaries and repay those who hate me. kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga.
42 I will make my arrows drunk with blood, and my sword will devour flesh—with the blood of the slain and the captives, from the long-haired heads of the enemy." Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.”
43 Rejoice, nations, with his people, for he will avenge the blood of his children and bring justice on his adversaries; he will make atonement for his land and his people. Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.
44 Moses came and spoke all the words of this song to the people, he and Joshua son of Nun. Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.
45 And when Moses had finished speaking all these words to all Israel, Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,
46 he told them, "Set your heart to all these words I testify to you today, that you command your children to keep and do all the words of this law. akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.
47 This is no empty word for you—it is your life. Through this word you will live long in the land you are crossing the Jordan to possess." Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”
48 That very day our Father spoke to Moses, saying, Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati,
49 "Go up this Abarim mountain, Mount Nebo, in Moab facing Jericho, and view Canaan, which I'm giving Israel's people as their possession. “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo.
50 Then die on the mountain you are climbing, and be gathered to your people, as Aaron your brother died on Mount Hor and was gathered to his people, Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake.
51 because you broke faith with me among the Israelites at the waters of Meribah-kadesh in the Wilderness of Zin, because you did not treat me as holy among the Israelites. Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri.
52 For you will see the land from a distance, but not enter it—the land I'm giving Israel's people." Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]