Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the first year of Darius son of Xerxes, a Mede, made king over the Babylonian realm. Mugore rokutanga raDhariasi mwanakomana waAhasuerasi (chizvarwa cheMedhia), uyo akaitwa mutongi pamusoro poumambo hwavaBhabhironi,
2 In his reign's first year, I, Daniel, understood from the books how many years our Father told Jeremiah the prophet: seventy, to complete Jerusalem's ruins. mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva muMagwaro, sezvakataura shoko raJehovha rakapiwa kuna Jeremia muprofita, kuti Jerusarema richagara riri dongo kwamakore makumi manomwe.
3 So I turned my face to the Sovereign Father, to seek him in prayer and pleading, with fasting, sackcloth, and ashes. Saka ndakatendeukira kuna Ishe Mwari ndikamukumbira mukunyengetera nokuteterera, ndichitsanya, uye ndikafuka nguo dzamasaga namadota.
4 I prayed to my Father, confessing: "Sovereign Father, great and awesome, keeping covenant and faithful love for those loving him and keeping his commands, Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti: “Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake,
5 we have sinned, done wrong, done evil, rebelled, turning from your commands and rulings. takatadza tikaita zvakaipa. Takaita zvinhu zvakaipa uye takakumukirai; takatsauka tikava kure nemitemo nemirayiro yenyu.
6 We haven't listened to your servant prophets speaking in your name to our kings, princes, ancestors, and all the land's people. Hatina kuteerera varanda venyu vaprofita, vakataura muzita renyu kumadzimambo, machinda edu namadzibaba edu, uye nokuvanhu vose venyika.
7 Righteousness is yours, Sovereign Father, but ours is open shame today—Judah's people, Jerusalem's residents, all Israel, near and far, in every land where you drove them for their unfaithfulness to you. “Ishe, imi makarurama, asi nhasi takafukidzwa nenyadzi, vanhu veJudha navanhu veJerusarema navaIsraeri vose, vari pedyo navose vari kure, munyika dzose kwamakatiparadzira nokuda kwokusatendeka kwedu kwamuri.
8 O our Father, open shame belongs to us—our kings, princes, and ancestors—because we sinned against you. Haiwa Jehovha, isu namadzimambo edu, machinda edu namadzibaba edu takafukidzwa nenyadzi nokuti takakutadzirai.
9 To the Sovereign Father belong mercy and forgiveness, for we have rebelled against him, Ishe Mwari wedu ndiye ane ngoni uye anokanganwira, kunyange dai takamumukira.
10 and we disobeyed our Father's voice to walk in his laws set before us through his servants the prophets. Hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu kana kuchengeta mirayiro yaakatipa kubudikidza navaranda vake vaprofita.
11 All Israel broke your law and turned away, refusing to obey your voice. So the curse and the sworn oath written in the Law of Moses, our Father's servant, poured out on us, because we sinned against him. VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi. “Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi.
12 He confirmed his words against us and our judges who judged us, bringing great disaster on us; nothing under all heaven matches what happened to Jerusalem. Makazadzisa mashoko akataurwa pamusoro pedu napamusoro pamadzishe edu nokuuyisa pamusoro pedu njodzi huru. Hakuna kumbova nechinhu chakaitwa pasi pedenga rose chakafanana nezvakaitwa paJerusarema.
13 As written in the Law of Moses, all this disaster came on us; yet we have not sought our Father's favor by turning from our sins and understanding your truth. Sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, njodzi iyi yose yakawira pamusoro pedu, kunyange zvakadaro hatina kutsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wedu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu tichiteerera chokwadi chenyu.
14 So our Father readied the disaster and brought it on us, for our Father is righteous in all he does; but we did not obey his voice. Jehovha haana kunonoka kuuyisa njodzi pamusoro pedu, nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pazvinhu zvose zvaanoita; asi hatina kumuteerera.
15 And now, Sovereign Father, you brought your people out of Egypt with a strong hand and made yourself a name lasting to this day—we sinned, we did wrong. “Zvino, imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva muIjipiti noruoko rune simba uye mukazviitira zita rinogara kusvikira iye nhasi, takatadza, takaita zvakaipa.
16 Sovereign Father, by all your righteous acts, turn your anger and rage from your city Jerusalem, your holy mountain—for our sins and our ancestors' wrongdoing made Jerusalem and your people a disgrace to all around us. Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa neavo vose vakatipoteredza.
17 Now, our Father, hear your servant's prayer and pleas, and shine your face on your desolate sanctuary, for your own sake, Sovereign Father. “Zvino, imi Mwari wedu, inzwai minyengetero nemikumbiro yomuranda wenyu. Haiwa Ishe, nokuda kwenyu, mutarire nenyasha pamusoro petemberi yenyu yakaparara.
18 Turn your ear toward us, my Father, and hear; open your eyes, see our ruins and the city called by your name. We bring our pleas before you not for our righteousness but your great mercy. Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru.
19 Sovereign Father, hear! Sovereign Father, forgive! Sovereign Father, listen and act! Don't delay, for your sake, my Father, because your city and your people bear your name." Haiwa Ishe, inzwai! Haiwa Ishe kanganwirai! Haiwa Ishe, inzwai muite! Haiwa Mwari wangu, nokuda kwenyu musanonoka, nokuti vanhu venyu neguta renyu vakatumidzwa Zita renyu.”
20 Still speaking, praying, confessing my sin and my people Israel's sin, laying my plea before my Father for my Father's holy hill, Pandakanga ndichitaura uye ndichinyengetera, ndichireurura chivi changu nechivi chavanhu vangu vaIsraeri ndichiisa chikumbiro changu kuna Jehovha Mwari wangu nokuda kwechikomo chake chitsvene,
21 while I was still praying, Gabriel, the man I saw earlier in the vision, reached me, flying fast, about the time of the evening offering. ndichiri pakunyengetera, Gabhurieri, murume wandakanga ndaona muchiratidzo changu chokutanga, akasvika pandiri achibhururuka kwazvo nenguva inenge yechibayiro chamadekwana.
22 He gave me insight, speaking with me and saying, "Daniel, I have now come out to give you insight and understanding. Akandirayira uye akati kwandiri, “Dhanieri, ndauya zvino kuzokupa njere nokunzwisisa.
23 As your pleas began, a word went out, and I came to tell you, for you are deeply loved. So weigh the word and understand the vision: Pawakangotanga kunyengetera, mhinduro yakabva yapiwa, ndiyo yandauya kuzokuudza, nokuti iwe unokudzwa kwazvo. Naizvozvo rangarira shoko iri uye unzwisise chiratidzo:
24 "Seventy weeks are decreed for your people and your holy city: to end wrongdoing, finish sin, atone for guilt, bring in everlasting righteousness, seal vision and prophet, and anoint a most holy place. “Vhiki makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako uye neguta rako dzvene kuti vapedze kudarika kwavo, varege kutadza, kana kuyanana nezvakaipa, vauye nokururama kusingaperi, kusimbisa chiratidzo nechiprofita nokuzodza iye mutsvene-tsvene.
25 Know therefore and understand: from the time the command goes out to restore and rebuild Jerusalem until the coming of the Anointed One, the Prince, there will be seven weeks and sixty-two weeks. It will be rebuilt with streets and a moat, but in troubled times. “Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika.
26 And after the sixty-two weeks the Anointed One will be cut off and will have nothing. The people of the prince who is to come will destroy the city and the sanctuary. Its end will come like a flood, and to the end there will be war; desolations are decreed. Shure kwevhiki makumi matanhatu nembiri, Muzodziwa achagurwa uye achashaya chinhu. Vanhu vomutongi vachasvika vagoparadza guta nenzvimbo tsvene. Kuguma kuchauya sokudira kwemvura. Hondo icharamba iripo kusvikira kumagumo, uye kuparadzwa kwakatemwa kare.
27 He will confirm a covenant with many for one week; mid-week he will stop sacrifice and offering. On a temple wing he will set up an abomination that causes desolation, until the decreed end pours on the desolator." Achasimbisa sungano navazhinji kwevhiki imwe. Pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipiriso. Uye pano rumwe rutivi rwetemberi achaisa chinyangadzo chinokonzera kuparadzwa, kusvikira kuguma kwakatemwa kwadururirwa pamusoro pake.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]