Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this, Absalom son of David had a beautiful sister named Tamar, and David's son Amnon loved her. Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo.
2 Amnon was so distressed over his sister Tamar he made himself sick; she was a virgin, and he saw no way to get near her. Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu.
3 Amnon had a friend named Jonadab, son of David's brother Shimeah; Jonadab was very shrewd. Zvino Amunoni aiva neshamwari yake yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu akanga ari munhu aiva namano.
4 He asked Amnon, "Why so haggard morning after morning, son of the king? Won't you tell me?" Amnon said, "I love Tamar, sister of my brother Absalom." Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomununʼuna wangu Abhusaromu.”
5 "Lie in bed and act sick," Jonadab said. "When your father comes to see you, tell him, 'Please let my sister Tamar feed me. Let her make the meal where I can watch, so I eat from her hand.'" Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ”
6 Amnon lay down and faked illness. When the king came to see him, Amnon said, "Let my sister Tamar come make two cakes for me to watch, so I can eat from her hand." Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.”
7 David sent word to Tamar at the palace: "Go to your brother Amnon's house and make him food." Dhavhidhi akatumira shoko kuna Tamari kumba kwamambo akati, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umugadzirire zvokudya.”
8 Tamar went to her brother Amnon's house, where he lay. She took dough, kneaded it, shaped cakes in front of him, and baked them. Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona.
9 She took the pan and served him, but he refused to eat. "Send everyone out," Amnon said. So everyone left him. Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda.
10 Amnon told Tamar, "Bring the food into the bedroom, so I may eat from your hand." Tamar took the cakes she had made and brought them to her brother Amnon in the bedroom. Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni.
11 As she brought them near to eat, he grabbed her: "Come, sleep with me, my sister." Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.”
12 "No, my brother!" she said. "Don't force me. Such a thing is never done in Israel. Don't do this disgraceful thing. Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai.
13 And I—where could I take my shame? And you—you'd be like one of Israel's contemptible fools. Please, speak to the king; he won't keep me from you." Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.”
14 But he refused to listen; being stronger than she, he forced her and had relations with her. Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo.
15 Then Amnon hated her with intense hatred—greater than the love he had felt for her. "Get up and get out!" he said to her. Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!”
16 "No," she said, "sending me away is a worse wrong than what you already did to me." But he refused to listen. Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera.
17 He called his attendant and said, "Get this woman out of here, and bolt the door behind her." Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.”
18 She wore a long decorated robe, the dress of the king's virgin daughters back then. His attendant put her out and bolted the door behind her. Ipapo muranda wake akamubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara.
19 Tamar put ashes on her head and tore the long ornamented robe she wore. She put her hand on her head and went off, crying aloud as she went. Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru.
20 Her brother Absalom said, "Has Amnon your brother been with you? Stay quiet now, my sister; he is your brother. Don't take this to heart." So Tamar lived as a desolate woman in her brother Absalom's house. Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa.
21 When King David heard all about this, he was furious. Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo.
22 Absalom said nothing to Amnon, good or bad, for he hated him for violating his sister Tamar. Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari.
23 Two full years later Absalom had sheepshearers at Baal-hazor near Ephraim, and invited all the king's sons. Mushure mamakore maviri; vaveuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko.
24 Absalom went to the king: "Your servant has shearers. Will the king and his servants join me?" Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vaveuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?”
25 "No, my son," the king told Absalom, "we shouldn't all go, or we'd burden you." Though Absalom urged him, he would not go but blessed him. Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza.
26 Absalom said, "If not, please let my brother Amnon come with us." "Why should he go with you?" the king asked. Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu mununʼuna wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko nemi?”
27 But Absalom pressed him, so he let Amnon and all the king's sons go with him. Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo.
28 Absalom ordered his servants, "Watch carefully. When wine makes Amnon merry and I say, 'Strike Amnon down,' kill him. Don't be afraid. Haven't I commanded you myself? Be strong and brave." Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.”
29 Absalom's servants did to Amnon as Absalom had ordered. Then all the king's sons rose, each mounted his mule, and fled. Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza.
30 On the way, David heard: "Absalom has killed all the king's sons; not one is left." Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.”
31 The king stood, tore his clothes, and lay on the ground; all his servants stood by, clothes torn. Mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake akazvambarara pasi; ipapo varanda vake vose vakauya vaine nguo dzakabvaruka vakamira paari.
32 But Jonadab son of Shimeah, David's brother, said: "My lord should not think they killed all the young men, the king's sons. Only Amnon is dead. Absalom intended this from the day Amnon violated his sister Tamar. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni.
33 My lord the king must not take it to heart, thinking all the king's sons are dead. Only Amnon is dead." Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.”
34 Meanwhile Absalom had fled. The young watchman looked up and saw many people coming down the road on the hillside behind him. Panguva iyoyo, Abhusaromu akatiza. Zvino murume akanga amire akarinda akatarira kumusoro akaona vanhu vazhinji mumugwagwa nechokumavirazuva kwake, vachiburuka norutivi rwegomo. Nharirire iyi yakaenda ikandoudza mambo kuti, “Ndiri kuona varume kunzira yeHoronaimu, kurutivi rwegomo.”
35 Jonadab said to the king, "Look, the king's sons have come. It's just as your servant said." Jonadhabhu akati kuna Mambo, “Tarirai, vanakomana vamambo vasvika; zvaitika sokutaura kwomuranda wenyu.”
36 As he finished speaking, the king's sons arrived weeping loudly; the king and all his servants also wept very bitterly. Akati achipedza kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachiungudza zvikuru. Zvino mambo pamwe chete navaranda vake vakachema neshungu kwazvo.
37 Absalom fled and went to Talmai son of Ammihud, king of Geshur. David mourned for his son day after day. Abhusaromu akatiza akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi, mambo weGeshuri. Asi mambo Dhavhidhi akachema pamusoro pomwanakomana wake mazuva ose.
38 After Absalom had fled and gone to Geshur, he stayed there three years. Mushure mokunge Abhusaromu atiza akaenda kuGeshuri, akandogarako kwamakore matatu.
39 And King David's heart longed to go to Absalom, for he had found comfort after Amnon's death. Uye mweya wamambo wakashuva kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti zvino akanga anyaradzwa pamusoro porufu rwaAmunoni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]