Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Peter 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Beloved, this is now the second letter I write you; in both I stir up your sincere mind by reminder. Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene.
2 Remember the words the holy prophets spoke beforehand, and the command of our Lord and Savior given through your apostles. Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu.
3 Know this first: mockers will come in the last days, mocking, following their own lusts. Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo.
4 They will ask, "Where is his promised coming? Since the fathers fell asleep, everything continues as it has since creation's beginning." Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.”
5 They willfully ignore this: long ago, by our Father's word, heavens existed, and earth formed out of water and through water, Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga rakavapo uye nyika ikaumbwa ichibva mumvura uye ikaitwa nemvura.
6 and through these the world of that time was deluged with water and perished. Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa.
7 By the same word, today's heavens and earth are stored up for fire, kept for the day of judgment and destruction of the wicked. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
8 Don't overlook this, loved ones: with our Father, one day is like 1,000 years, and 1,000 years like one day. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete.
9 Our Father isn't slow to keep his promise, as some think; he's patient with you, wanting no one to perish, but all to reach repentance. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.
10 But the day of our Lord Jesus will come like a thief: the heavens will vanish with a rushing sound, the elements will burn and melt, and the earth with all its works will be exposed. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.
11 Since all this will dissolve, what sort of people should you be? You should live holy lives, devoted to God, Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari,
12 as you wait for and hasten the coming of our Father's day, when the heavens will be set ablaze and dissolved, and the elements melt in the heat. muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa.
13 But as he promised, we wait for new heavens and a new earth, where righteousness lives. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.
14 So, beloved, awaiting these things, strive to be found by him in peace, spotless and without defect. Saka zvino, vadikani, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye.
15 Regard our Lord's patience as salvation, just as our beloved brother Paul wrote you, with the wisdom given him, Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari.
16 as in all his letters, where he speaks about these things. Some parts are hard to understand, and the ignorant and unstable twist them—as they do the other Scriptures—to their own destruction. Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa.
17 So then, loved ones, knowing this in advance, guard yourselves, so you aren't swept away by the error of lawless people and lose your own firm standing. Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu.
18 Grow in the grace and knowledge of our Lord and Savior Jesus Christ. To him be glory, now and to the day of eternity. Amen. Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]