Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Samuel 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The boy Samuel served our Father under Eli. In those days our Father's word was rare; visions were uncommon. Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.
2 One day Eli lay in his usual place. His eyes had grown so weak he could not see. Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka.
3 The lamp of our Father had not yet gone out; Samuel lay in the temple of our Father, where his ark was. Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari.
4 Then our Father called to Samuel, and Samuel said, "Here I am." Ipapo Jehovha akadana Samueri. Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.”
5 He ran to Eli and said, "Here I am; you called me." Eli said, "I did not call you; go back and lie down." So he went and lay down. Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara.
6 Again our Father called, "Samuel!" Samuel got up, went to Eli, and said, "Here I am; you called me." "I didn't call, my son," Eli said. "Go back and lie down." Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.”
7 Samuel did not yet know our Father; the word of our Father had not yet been revealed to him. Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari.
8 So our Father called Samuel again, a third time. He got up, went to Eli, and said, "Here I am; you called me." Then Eli realized our Father was calling the boy. Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu.
9 Eli told Samuel, "Go lie down. If he calls, say, 'Speak, my Father, for your servant is listening.'" So Samuel went and lay down in his place. Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.
10 Then our Father came, stood there, and called as before: "Samuel! Samuel!" Samuel said, "Speak, for your servant is listening." Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”
11 Then our Father said to Samuel, "Watch—I'm about to do something in Israel that will make both ears of everyone who hears it ring. Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge.
12 That day I will carry out against Eli all I said about his family, start to finish. Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo.
13 I told him I will judge his house forever for the sin he knew of: his sons blasphemed me, and he never stopped them. Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora.
14 So I have sworn to Eli's house: the guilt of Eli's house will never be atoned for by sacrifice or offering." Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’ ”
15 Samuel lay down until morning, then opened the doors of our Father's house. But he was afraid to tell Eli the vision. Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake,
16 But Eli called him and said, "Samuel, my son." "Here I am," Samuel replied. asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.” Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.”
17 "What did he say to you?" Eli asked. "Don't hide it from me. May our Father punish you severely if you hide from me anything he told you." Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.”
18 Samuel told him everything and hid nothing from him. Eli said, "It is our Father; let him do what he thinks right." Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”
19 Samuel grew up; our Father was with him, letting none of Samuel's words fall to the ground. Samueri akakura uye Jehovha aiva naye; uye Jehovha haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi.
20 All Israel, from Dan to Beersheba, knew Samuel was confirmed as a prophet of our Father. Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha.
21 Our Father continued to appear at Shiloh, because there he revealed himself to Samuel through his word. Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]