Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Philippians 3 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Finally, brothers and sisters, rejoice in the Lord. Writing the same things again is no trouble for me, and it protects you. Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Inipano nosemburiwaba nokukunyorerai zvinhu zvibodzibodzi zviye, nokuti zvinokusimbisai.
2 Watch for the dogs, watch for the evil workers, watch for those who mutilate the flesh. Chenjererai vanenge imbwa, chenjererai vanoita zvidoipa, chenjererai vaye vanocheka muviri.
3 We are the circumcision—worshiping by the Spirit of our Father, boasting in Christ Jesus, trusting nothing in the flesh, Nokuti vadochecheudziwa pachokwadi nhisu, vanonamata noMweya waMwari nhisu vanozvirumbidza muna Khirisitu Jesu, tisingavimbe nonyama.
4 though I too could have confidence in the flesh. If anyone else thinks he has grounds for confidence in the flesh, I have more: Kunyange zvazvo inipano pachangu ndinachowo chikonzero chokuvimba nonyama. Kana kuno umwe munhu anofunga kuti anacho chikonzero chokuvimba nonyama inipano ndidosokoka,
5 Circumcised the eighth day; Israelite by birth, from Benjamin's tribe; Hebrew of Hebrews; a Pharisee under the law. ndidochecheudziwa nozuva rochisere, ndiri nzvahwa yorudzi rovaIzirairi, woimba yaBhenjamini, muHebheru wovaHebheru, pamutemo ndiri muFarisi,
6 In zeal, persecuting the church; in righteousness under the law, blameless. pakushingirira kwangu ndidotambudza kherekhe, pakururama pasi pomutemo handinai chandinganenedzehwe.
7 But whatever was gain to me, I now count as loss for the sake of Christ. Asi zvese zvandidowana kare, ndidozviita zvinhu zvomangamanga nokuda kwaKhirisitu.
8 Yes, I count everything as loss because of the priceless worth of knowing Christ Jesus my Lord. For his sake I've lost all things, and count them garbage, so I may gain Christ, Pamusoro pozvakarezvo zvinhu zvese zvidova zvomangamanga kwandiri nokuda kwokunaka kudopindiridza kwokuziva Khirisitu Jesu Ishe wangu. Nokuda kwache ndidotaikihwa nozvinhu zvese, uye zvinhu zvese ndidozviita manyara, kuitira kuti ndiwane Khirisitu
9 and be found in him, not having my own righteousness from the law, but that through faith in Christ—the righteousness from our Father based on faith, kuti ndiwanike ndiri maari ndisinai kururama kwangu ndega, kudobva pamutemo, asi kunouya kuburikidza nokutenda muna Khirisitu, kururama kunobva kunaMwari nonzira yokutenda,
10 so I may know him, his resurrection's power, sharing his sufferings, becoming like him in death, kuti ndimuzive iye nosimba rokumuka kwache, nokusangana naye pakutambudzika kwache, ndifanane naye mukupfa kwache,
11 if somehow I may attain to the resurrection from the dead. kuti ndisvikewo pakumuka kubva kuvadopfa.
12 Not that I have already obtained it, or am already perfected, but I press on to grasp that for which Christ Jesus grasped me. Aikona kuti ndidochiwana kare kana kuti ndatosvika kare, asi ndinoshingirira kuti ndichibate icho Khirisitu Jesu chaadondibatira.
13 Brothers, I don't count myself as having grasped it yet. But one thing: forgetting what's behind, reaching for what's ahead, Hama dzangu, inipano handisi kuti ndatochibata, asi chinhu chibodzi chandinoita nyhichi, ndinokangamwa zviri kumasure ndichinanairira zviri kumberi,
14 I press toward the goal for the prize of our Father's heavenward call in Christ Jesus. saka ndinomhanya ndidonanga padotariwa kuitira kuti ndipasiwe mubairo wokumusoro wandidodaidzihwa naMwari muna Khirisitu Jesu.
15 Let all of us who are mature think this way; if you think differently on anything, our Father will reveal that to you too. Nokudaro isisu tese takura mbativei nomurangariro udodaro, kana imipa munoumwe murangariro udosiyana, Mwari achakuisirai pachenu zvakarezvo.
16 Only let us hold true to what we have already attained. Asi mbatibatitsitsei pachokwadi izvo zvatawana.
17 Brothers, imitate me together, and watch those who live by the pattern you have in us. Hama dzangu, nditeedzerei. Cherechedzai avo vanorarama nomuenzaniso wamudowana kuna isisu.
18 Many live as enemies of Christ's cross—I've told you this often, and now say it in tears. Nokuti mbazinji, vandidokunyepai kadowanda uye nanasi ndinokunyepai ndichirira, vanorarama vari vavengi vomuchinjikwa waKirisitu.
19 Their end is destruction, their god the stomach, their glory their shame, minds fixed on earthly things. Magumo yavo kuparadziwa, mwari wavo mimba yavo, vanozvitutumadza pamusoro pozvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvinhu zvomunyika.
20 But our citizenship is in heaven; from there we eagerly await a Savior, the Lord Jesus Christ, Asi isisu unzvahwa hwedu huri kudenga, uye kubva kwariri tidomirira Muponisi, Ishe Jesu Khirisitu,
21 who will transform our lowly body to match his glorious body, by the power that subjects all things to himself. uyo achasandura miviri yedu idovhuwa kuti ifanane nomuviri wache unobhwinya, nosimba iro raanokona naro iye kuzviisira zvinhu zvese pasi pache.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]