Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Matthew 17 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Six days later, Jesus took Peter, James, and John his brother, and led them up a high mountain alone. Mumasure momazuva matanhatu Jesu adotora Pita naJakobho mukoma nomunin'ina’ina naJohwani ndokukwira mugomo rirefu pavo vega.
2 He was transfigured before them: his face shone like the sun, his clothes turned white as light. Ipopo adosanduka pamberi pavo, chiso chache chidoyetima kunge zuva, majasi yache yadoti ngwerevere kunge chiedza.
3 Suddenly, Moses and Elijah appeared to them, talking with him. Zvino padobva paoneka Mozisi naEriya vachinyaira naye.
4 Peter said to Jesus, "Lord, it's good we're here. If you want, I'll build three shelters—one for you, one for Moses, and one for Elijah." Pita adoti kuna Jesu, “Ishe, zvidonaka kuti tiri pano, kana muchida, ndichakuvakirai matumba matatu pano, rimwe renyu rimwe raMozisi norimwe raEriya.”
5 While he was still speaking, a bright cloud covered them, and a voice from the cloud said, "This is my beloved Son; I delight in him. Listen to him." Paanga achiri kunyaira daipo, padobva pauya guti rinopenya ndokuvafukidza, izvi ridobva muguti rakarero ridoti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, ndinofadziwa naye maninge mutetekerei!”
6 When the disciples heard it, they fell on their faces and were terrified. Vadzidzi pavadonzva zvakarezvo, vadokotamira pasi nozviso zvavo, vachicha.
7 But Jesus came and touched them, "Rise, and do not be afraid." Asi Jesu adouya ndokuvabata, achiti, “Mukai rekai kucha.”
8 When they looked up, they saw only Jesus. Pavadosumudza meso yavo, hapanai wavadoona kunze kwaJesu basi.
9 Descending the mountain, Jesus ordered them, "Tell no one the vision until the Son of Man is raised from the dead." Pavanga voburuka mugomo, Jesu adovatsindikira, “Rekai kuudza munhu zvamaona, kusvikira Mwanakomana woMunhu amutsiwa kubva kuvadopfa.”
10 The disciples asked him, "Then why do the scribes say that Elijah must come first?" Zvino vadzidzi vadomubvunza, “Anga zvino seiko vadzidzisi vomurairo vachiti Eriya ndiye anothanga kuuya?”
11 He answered, "Elijah does come, and he will restore all things. Iye adopindura achiti, “Eriya anouya, achidzotsera zvinhu zvese,
12 But I tell you, Elijah has already come, and they didn't recognize him, but treated him as they pleased. So too the Son of Man is about to suffer at their hands." asi ndinokunyepai kuti Eriya adotouya kare, asi havanai kumuziva, vadobva vamuitira zvavaida. NoMwanakomana woMunhu kamu achatambudziwa mumaoko yavo.”
13 Then the disciples understood that he was speaking to them about John the Baptist. Ipopo vadzidzi vadonzvitsitsa kuti wanga achivanyairira zvaJohwani Muombeki.
14 And when they came to the crowd, a man came up to him, kneeling before him, Pavadosvika pamhomho, murume adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti,
15 and saying, "Lord, have mercy on my son, for he has seizures and suffers terribly, often falling into fire, often into water. “Ishe, nzvirai tsitsi mwanakomana wangu, nokuti anopfavi, anotambudzika zvidoipa, kazinji anowira mumoto, pamwe pacho mumvura.
16 And I brought him to your disciples, and they could not heal him." Ndidouya naye kuvadzidzi venyu, vachibva vatadzirira kumuporesa.”
17 Jesus answered, "Unfaithful, twisted generation! How long must I remain with you, how long put up with you? Bring him here to me." Zvino Jesu adopindura achiti, “Ndichava naimimi kusvikira rini, naimi vanhu vanasi vadopombonyoka, vasinai kutenda? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvika rini? Uyai naye kuno kwandiri.”
18 And Jesus rebuked the demon, and it came out of him, and the boy was healed instantly. Ipopo Jesu adodzuma shave, richibva rabirika mukomana achibva waporerafuti.
19 Then the disciples came to Jesus privately and said, "Why could we not cast it out?" Pasure vadzidzi vadouya kuna Jesu kabisira vachiti, “Ko isisu tatadzirira tini kuridzinga?”
20 He said to them, "Because your faith is small. Truly I tell you: with faith like a mustard seed, you will tell this mountain, 'Move from here to there,' and it will move. Nothing will be impossible for you." Adoti kwavari, “Indava yokutenda kwenyu kudiki. Ndava chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kudiki kunge mbeu yomasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende uko,’ richaenda, hapanai chingatadzike nemi.”
21 Not in this edition Asi rudzi iri rinobirikaba kunze kwokunamata nokutsanya.
22 While gathering in Galilee, Jesus told them, "The Son of Man is about to be handed over to men, Pavadosangana kuGaririya, Jesu adoti kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaperekewa mumaoko yovanhu,
23 they will kill him, and on the third day he will be raised." They were deeply grieved. ivo vachamubaya, asi pazuva rochitatu achamutsiwa.” Ivo vadoshushikana nazvo chaizvo.
24 Arriving in Capernaum, the temple tax collectors approached Peter and asked, "Doesn't your teacher pay the temple tax?" Pavadosvika kuKaperenaume, vateresi vomutero woimba yaMwari vadoenda kuna Pita vachiti, “Ko mudzidzisi wenyu anoteraba mutero nai?”
25 He said, "Yes." When he entered the house, Jesus spoke first: "What do you think, Simon? From whom do earthly kings collect tolls or taxes—from their own sons, or from others?" Iye adoti, “Anotera inde.” Kudzoti Pita wasvika kumba, Jesu ndiye adothanga kunyaira kwaari achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo vonyika vanotora mitero kunani? Kubva kuvanakomana vavo chere kana kuvamwewo?”
26 And when Peter said, "From others," Jesus said to him, "Then the sons are free." Iye paadoti, “Kubva kuvamwewo,” Jesu adoti kwaari, “Saka vanakomana vadosunungukaka.
27 "But so we don't offend them, go to the sea, cast a hook, and take the first fish that comes up. Open its mouth and you'll find a coin. Take it and give it to them for me and you." Zvisinei, kuti tireke kuvagumbura, enda kugungwa wokhanda chirauro, utore hove inothanga kubirika, ukavhura mukamwa mayene uchawana kobiri rinokosha, ritore uvapase yangu noyako.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]