Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Mark 13 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Leaving the temple, one of his disciples said to him, "Teacher, look! What huge stones, what magnificent buildings!" Zvino paanga achibirika muimba yaMwari, umwe mudzidzi wache adoti kwaari, “Mudzidzisi, nangarai muone kushamisa kwomabwe nozvivakwa zviri pano.”
2 Jesus said to him, "Do you see these great buildings? Not one stone will remain here on another; all will be torn down." Jesu adomudaira achiti, “Muri kuona chere zvivakhwa izvi zvikuru zvoimba yaMwari? Hapanai dombo richasara riri pamusoro porimwe risinai kukoromohwa.”
3 As he sat on the Mount of Olives facing the temple, Peter, James, John, and Andrew asked him privately, Paanga wagarikika pagomo roMiorivhi padonangarana noimba yaMwari, Pita, Jakobho, Johwani naAndireya vadouya kwaari pavo vega ndokumubvunza,
4 tell us, when will these things happen, and what sign shows all this is about to be fulfilled? “Tinyepei, ndirini pachaitika zvinhu zvakarezvi, pachava nochiratidzo chei chokuti zvaakuda kuitika?”
5 Jesus began to tell them: "Watch out that no one deceives you. Jesu adoti kwavari, “Chenjerai kuti mureke kutsambutsiwa nomunhu.
6 Many will come in my name, claiming, 'I am he,' and they will deceive many. Vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji.
7 When you hear of wars and rumors of wars, don't be troubled—these must happen, but the end isn't yet. Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, regai kuvhunduka nokuti zvakarezvo zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusinati kwasvika.
8 Nation will rise against nation, kingdom against kingdom, earthquakes in various places, famines—these are the beginning of birth pains. Nyika dzichapandukirana, noumambo huchamukirana, pachava nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji, pachava nonzara. Kwakareku kuchava kuthanga kwonhamu asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
9 Watch yourselves. They'll hand you to councils and beat you in synagogues. Because of me you'll stand before governors and kings, as a testimony to them. Zvichenjererei nokuti vachakukwirirai kumatare, nokukurovai mumasinagoge. Muchamisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwangu kuti huve upfakazi kwavari.
10 And the gospel must first be proclaimed to all nations. Nyaya Idonaka inofanira kuthanga yaparidzihwa marudzi yese.
11 When they arrest and hand you over, don't worry beforehand what to say. Say whatever you're given in that hour—it's not you speaking, but the Holy Spirit. Kana maendesewa kudare, regai kunetseka kuti muchanyairei. Panokwana nguwa yacho ndotaurai zvamunopasiwa. Ndava mashoko yamunonyaira njenyuba, yanobva kuna Mweya Mutsvene.
12 Brother will betray brother to death, father his child. Children will rise against parents and have them put to death. Mukoma nomunin'ina vachabayisana, baba nomwana wavo. Novana vachamukira vabereki vachivabayisa.
13 All will hate you for my name, but whoever endures to the end will be saved. Muchazondewa novanhu vese nokuda kwangu, asi anochiirira kusvika pakuguma achaponesewa.
14 When you see the abomination of desolation standing where it should not be (reader, take note), those in Judea must flee to the mountains. Asi kana moona nyangadzi honzeri yotsambwa (anoverenga mbaacherechedze). Vari muJudhiya mbavatizire kumakomo.
15 Let no one on the housetop go down or enter the house to take anything out. Ari pamusoro poimba yache mbaarege kuburuka achipinda mumba kuti awane chaangabiritse.
16 Let no one in the field go back to get their coat. Naiyewo ari kumunda mbaarege kudzoka kumba kudzotora chokusimira.
17 How dreadful it will be in those days for pregnant women and nursing mothers! Asi pamazuva yakareyo zvichanyanya kunyangarira vanomimba novanomwisa!
18 Pray that it will not happen in winter, Namatai kuti zvireke kuitika panguwa yomhepo.
19 for those days will bring suffering unmatched since our Father created the world until now—and never to be matched again. Nokuti pamazuva yakareyo pachaita matambudziko yasinai kumboitika kubva pakusikiwa kwonyika naMwari kusvika zvino, futi yanodzoitikaba kamu.
20 Had the Sovereign not shortened those days, no one would survive; but the Sovereign shortened them for the elect he chose. Dai Ishe vaireka kutapudza mazuva yakareyo, hapanai waichira, asi nokuda kwovasaruhwa vache mazuva yakareyo yachatapudziwa.
21 Then if anyone tells you, 'Look, here is the Christ!' or 'Look, there!' don't believe it. Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Onai, Khirisitu ari pano kana kuti onai ari uko,’ regai kuzvitenda.
22 False christs and false prophets will appear, performing signs and wonders to deceive the elect, if possible. Nokuti anaKhirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachiita zviratidzo nozvishamiso kuti kana zvichikwanisika vatsambutse novasaruhwa vacho.
23 So be on your guard; I have told you everything ahead of time. Asi chenjerai nokuti ndagara ndakuudzai zvese zvisati zvaitika.”
24 But in those days, after that suffering, the sun will darken, and the moon will not give its light; “Mumazuva yakareyo, mumasure mokutambudzika, zuva richadzimwa, mwedzi uchatadza kuvhenekera,
25 the stars will fall from the sky, and the powers in the heavens will be shaken. Nyenyedzi dzichambwera kubva kudenga, masimba yokudenga yachagwetedzeka.
26 Then they will see the Son of Man coming in clouds with great power and glory. Ipopo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakuti nomasimba makuru nokubhwinya.
27 He will send his angels and gather his chosen from the four winds, from earth's ends to heaven's ends. Achatuma ngirozi dzache kuti dziunganidze vasaruhwa vache kubva kumativi manai yonyika, kubva kumheramhera kwonyika kusvika kumheramhera kwodenga.
28 Learn this from the fig tree: once its branch softens and leaves sprout, you know summer is near. Zvino dzidzai pamukuyu kana mathai yawene yaakuthungira mazani matsva, munoziva kuti mainza yaakusvika.
29 So also, when you see these things happening, know it's near, at the door. Ndomwenze daro kana maakuona zviitiko zvakarezvi zvathanga kuitika, zivai kuti kudzoka kwache kwava papfupi, pamusuwo chaipo.
30 Truly I tell you, this generation will certainly not pass away until all these things have happened. Chokwadi, ndinoti kwamuri vanhu vonguwa yakarei havapfi vese zvisati zvathanga kuitika.
31 Heaven and earth will pass away, but my words will never pass away. Denga nonyika zvichapfuura asi mashoko yangu yanopfuuraba.
32 But no one knows that day or hour—not the angels in heaven, not the Son, only the Father. Asi kana riri zuva nonguwa yakareyo inoziviwaba nomunhu, kana ngirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega.
33 Be on guard! Stay alert! For you do not know when that time will come. Chenjerai, murindire, ndava hamuzive kuti nguwa inosvika rini.
34 Like a man on a journey: he leaves his house, gives his servants authority—each his own task—and orders the doorkeeper to stay alert. Zvidofanana nomunhu adoenda hwendo hurefu. Anosiya wapasa vashandi vache mabasa yokuita, ndokuudza murindiri wopamusuwo kuti agaririre.
35 So stay alert, since you don't know when the master of the house comes—evening, midnight, rooster's crow, or dawn. Rambai mudondogaririra nokuti nguwa inodzoka mwenekachiro womusha munoizivaba, pangave pakati pousiku, mukanganyama kana mangwanani.
36 Otherwise, if he comes suddenly, he may find you sleeping. Kuti areke kundoyerekana wasvika achikuwanai mudoenzera hope.
37 What I say to you, I say to everyone: Keep watch!" Zvandinokunyairirai imimi ndinoudza vese: Garirirai!”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]