Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Mark 10 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 He left there for the region of Judea and beyond the Jordan; crowds gathered to him again, and as usual he taught them once more. Wabva pakarepo adoenda mudunhu roJudhiya, nokumhiri kwaJorodhani. Gurusvusvu rovanhu ridouya kamu kwaari. Iye adovadzidzisa semaitiro yaaiita nguwa dzese.
2 Some Pharisees came to test him, asking, "Is it lawful for a man to divorce his wife?" Vamwe vaFarisi vadouya kudzomuedza vachibva vamubvunza, “Tiudze, zviri pamutemo chere kuti munhu arambe mukadzi wache?”
3 He answered them, "What did Moses command you?" Adovapindura achiti, “Ko Mozisi adokurairai chii?”
4 They said, "Moses permitted a man to write a certificate of divorce and send her away." Vadoti, “Mozisi adobvumira kuti murume apase mukadzi gupuro womuendesa.”
5 Jesus told them, "He wrote you this command because your hearts were hard. Ipopo Jesu adovapindura kuti, “Kwaitova kuoma mwoyo kwenyu saka adokunyorerai mutemo udodaroyo.
6 But from the beginning of creation, our Father made them male and female. Asi kubva pakusikiwa, Mwari adovaita murume nomukadzi.
7 'For this reason a man will leave his father and mother and be joined to his wife, Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache namaache (anamatirane nomukadzi wache).
8 and the two will become one flesh.' So they are no longer two, but one flesh. Vairi vakarevo vachava nyama ibodzi. Saka vanenge vachiriba vairi asi nyama ibodzi.
9 Therefore what our Father has joined together, let no one separate." Saka chabatanidziwa naMwari mbaparege kudzova nomunhu anochikwachanura.”
10 Back in the house, the disciples asked him about this again. Vapinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza kamu pamusoro ponyaya yakareyo.
11 He said to them, "Whoever divorces his wife and marries another commits adultery against her, Adoti kwavari, “Wese anoramba mukadzi wache achiroora umwe anomuitira upombwe.
12 and if she divorces her husband and marries another, she commits adultery." Futi mukadzi akaramba murume wache woroorewa noumwe, anoita uhure.”
13 People were bringing children to him so that he might touch them, but the disciples rebuked them. Zvino vanhu vadoti vachiuya novana vadiki kuna Jesu kuti avabate, vadzidzi vache vadovatsiura.
14 When Jesus saw this, he grew angry and said, "Let the children come to me; don't stop them, for the kingdom of our Father belongs to such as these. Jesu paadozviona haanai kufara nazvo ndokubva wati kwavari, “Siyai vana vadiki vauye kwandiri, regai kuvarambidza nokuti umambo hwokudenga ngwavo.
15 Truly I tell you, whoever doesn't receive our Father's kingdom like a child will never enter it." Ndinokuudzai chokwadi, wese asingatambire umambo hwaMwari semwana mudiki, anopindaba mahuri.
16 And he took them in his arms and blessed them, laying his hands on them. Adovabata mumaoko yache achiturika maoko yache pavari.
17 As he started down the road, a man ran up, knelt before him, and asked, "Good Teacher, what must I do to inherit eternal life?" Adoti wabirika waakutoenda, pano adoenda kwaari achitizira ndokupfugama pamberi pache achibvunza, “Mudzidzisi adonaka, chii chandingaite kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?”
18 Jesus asked, "Why call me good? No one is good except our Father alone. Jesu adoti kwaari, “Sei uchinditi adonaka? Hapanai adonaka kunze kwaMwari.
19 You know the commandments: 'don't murder, commit adultery, steal, or give false testimony; don't defraud; honor your father and mother.'" Mirairo unoiziva inoti, ‘Reka kubaya, reka kuita upombwe, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, reka kubiridzira, kudza baba vako namaako.’”
20 He said to him, "Teacher, all these I have kept since my youth." Iye adoti kwaari, “Mudzidzisi, zvese zvakarezvi ndidozvichengeta kubva paudiki hwangu.”
21 Jesus looked at him and loved him. "One thing you lack: go, sell everything you own, give to the poor—you'll have treasure in heaven—then come follow me." Ipopo Jesu adomunangara achibva wamuda, ndokuti kwaari, “Wasarihwa nochibodzi, enda wotengesa zvaunazvo zvese, wopasa varombo, ipopo unenge wava nopfuma kudenga, wouya wonditevera.”
22 At this word his face fell, and he went away grieving, for he had many possessions. Jaha paridonzva zvakarezvo ridododoma kaso richibva raenda nochitsvumwoyo ndava ranga rinopfuma idowanditsa.
23 Jesus looked around and told his disciples, "How hard it will be for the wealthy to enter the kingdom of our Father!" Jesu adonangara nangara ndokuti kuvadzidzi vache, “Zvichaomera sei vapfumi kupinda muumambo hwaMwari!”
24 The disciples were amazed at his words. Jesus said to them again, "Children, how hard it is to enter the kingdom of our Father! Vadzidzi vache vadoshamisiwa chaizvo nomashoko yache. Asi Jesu adovapindura kamu achiti kwavari, “Vana, muomero rini wazvidoita kupinda muumambo waMwari!
25 A camel goes through a needle's eye easier than a rich person enters our Father's kingdom." Zvidotopusira ngamera kupinda nopaboo ronariti pamupfumi kuti apinde muumambo hwaMwari.”
26 They were even more astonished and said to one another, "Then who can be saved?" Vadoshamisiwa zvidopindiridza ndokutaurirana vachiti, “Manje mbani anoponesewa?”
27 Jesus looked at them and said, "With man, impossible; but not with our Father, for all things are possible with our Father." Zvino Jesu adovanangara ndokuti, “Kuvanhu, zvinokwanisikaba, asi naMwari zvinokwanisika.”
28 Peter began to say to him, "Look, we have left everything and followed you." Ipopo Pita adoti kwaari, “Onai, tidosiya zvese tichikuteverai.”
29 Jesus said, "Truly I tell you, no one has left house or brothers or sisters or mother or father or children or fields for my sake and for the gospel, Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinokunyepai, hapanai munhu adosiya imba kana vana kana vakoma novanin'ina’ina kana hanzvadzi kana minda nokuda kwangu kana kwovhangeri,
30 "who won't receive a hundredfold now, in this time—houses, brothers, sisters, mothers, children, fields, with persecutions—and in the age to come, eternal life. asingadzotambira zvidopetewa kazana zvino, muupenyu hwakarehuno, dzimba, vakoma novanin'ina’ina, hanzvadzi, anamai, vana, minda nokutambudziwa, uye munyika ichauya achava noupenyu husingapere.
31 But many who are first will be last, and the last first." Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokuthanga.”
32 On the road up to Jerusalem, Jesus walked ahead of them. They were amazed, and those following were afraid. Taking the twelve aside again, he began telling them what was about to happen to him: Pavanga vaamunzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu wanga adovatungamira, vadzidzi vaishamisika, futi vaimutevera vachicha. Adotora vanogumi novairi parutivi ndokuvanyepa zvanga zvichadzoitika kwaari,
33 "Look, we're going up to Jerusalem. The Son of Man will be handed over to the chief priests and scribes, who will condemn him to death and hand him over to the Gentiles. achiti, “Onai, tirikuenda kuJerusarema, Mwanakomana woMunhu achaisiwa kuvaprista vakuru, nokuvanyori, ivo vachamutongera ipfa, vomuisa kuvanhu vasiri vaIzirairi.
34 They will mock him, spit on him, flog him, and kill him; after three days he will rise." Ivo vachamuseka nokumuzvidza, vachamurova nokumusvipira mathe, vomubaya, asi musure momazuva matatu achamuka kamu.”
35 James and John, Zebedee's sons, came to him and said, "Teacher, we want you to do for us whatever we ask." Ipopo vanakomana vaZebhedhiya, Jakobho naJohwani, vadonyedza kwaari vachiti, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chese chatinokukumbirai.”
36 He said to them, "What do you want me to do for you?" Adoti kwavari, “Munoda kuti ndikuitirei chii?”
37 They said to him, "Let us sit in your glory, one at your right, one at your left." Vadoti kwaari, “Itai kuti pamunogara mukubhwinya kwenyu mutiise umwe kuruji kwenyu umwe kurubose kwenyu.”
38 Jesus said to them, "You don't know what you're asking. Can you drink the cup I drink, or be baptized with the baptism I'm baptized with?" Asi Jesu adoti kwavari, “Munozivaba zvamunokumbira, munogona nai iyemi kumwa mukombe womatambudziko wandinomwa inini? Nokuombekewa noruombeko randinoombekewa inini?”
39 "We can," they said. Jesus said to them, "The cup I drink, you will drink; the baptism I'm baptized with, you will be baptized with, Ivo vadoti, “Tinogona, “Jesu adobva wati kwavari, “Muchamwa zvenyu mukombe wandichamwa, nokuombekewa ruombeko randichaombekewa.
40 but sitting at my right or left isn't mine to give - that's for those it's prepared for." Asi zvokugara kuruji kwangu nokumamose kwangu nzvanguba kuti ndizvipase munhu, asi nzvoavo vadozvigadzirihwa.”
41 Hearing this, the ten grew indignant at James and John. Vanogumi pavadozvinzva, vadomwamwira Jakobho naJohwani.
42 Jesus called them together and said, "You know that those regarded as rulers of the Gentiles dominate them, and their great ones wield power over them. Ipopo Jesu adovadaidza ndokuti kwaari, “Munoziva kuti vaye vanotohwa sevatongi vodzimwe Ndudzi, vanoremedza vari pasi pavo, novakuru vavo vanoita chisimba kwavari.
43 But it isn't so among you. Instead, whoever wants to be great among you must be your servant, Manje izvozvo ndizvoba zvazvinofanira kuva pakati penyu, wese achava mukuru pakati penyu anofanira kushandira abiyache.
44 and whoever wants to be first among you must be slave of all. Noanoda kuva wokuthanga pakati penyu, achava muranda wovese.
45 For even the Son of Man came not to be served, but to serve, and to give his life as a ransom for many." Nokuti naiyewo Mwanakomana woMunhu haanai kuuya kudzoshumihwa asi kudzoshumira nokupasa upenyu hwache kuti ruve rudzikinuro rovazinji.”
46 They came to Jericho. As Jesus and his disciples were leaving with a large crowd, blind Bartimaeus son of Timaeus sat begging by the road. Zvino vadosvika paJeriko, paanga waakubirika novadzidzi vache nogurusvusvu rovanhu, parutivi ponzira yakareyo panga padogarikika rombe raiitiwa Bhatimeyo mwanakomana waTimeyo.
47 Hearing it was Jesus of Nazareth, he began to cry out, "Jesus, Son of David, have mercy on me!" Ipopo adonzva kuti ndiJesu woNazareta, ndokuthanga kudaidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhiti ndinzvirei tsitsi.”
48 Many scolded him to be silent, but he shouted even louder, "Son of David, have mercy on me!" Vazinji vadomudzuma vachimunyepa kuti anyarare, asi iye adobva wasokokerafuti kuramba achidaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi.”
49 Jesus stopped and said, "Call him." So they called the blind man: "Courage! Get up—he's calling you." Nokudaro Jesu adomira ndokuraira kuti adaidziwe. Ivo vadodaidza rombe vachiti, “Tsunga, ari kukudaidza, chitosumuka uende.”
50 Throwing off his cloak, he jumped up and came to Jesus. Adokutukudza bhachi rake kudodaro ukwo, ndokuvhurumuka kusumuka achienda kuna Jesu.
51 Jesus told him, "What do you want me to do for you?" The blind man told him, "Rabboni, let me see again." Jesu adoti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Rombe ridoti, “Mudzidzisi ndinoda kuti ndione.”
52 Jesus told him, "Go; your faith has healed you." At once he regained his sight and followed Jesus on the road. Jesu adoti kwaari, “Kutenda kwako kwakuporesa, chienda.” Kabodzi nokabodzi adoona, ndokumutevera munziramo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]