Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 17 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 After saying this, Jesus looked up to heaven and said: "Father, the hour has come. Glorify your Son, so the Son may glorify you, Jesu paadonyaira mazvi yakareya, adonangara kudzuru ndokuti, “Baba, nguwa yasvika. Kudzai Mwanakomana kuti Mwanakomana akukudzei,
2 since you gave him authority over all people, to give eternal life to all you gave him. ndava mudomupasa simba pamusoro povanhu vese, kuti apase upenyu husingapere kuno vese vamudomupasa.
3 This is eternal life: that they know you, the only true Father, and Jesus Christ whom you sent. Futi uhu ndihwo upenyu husingapere, kuti vakuzivei imimi Mwari wega wochokwadi, naJesu Khirisitu wamudotuma.
4 I glorified you on the earth, having finished the work you gave me to do. Ndidokukudzai panyika, nokupedzisa basa ramudondipasa kuti ndiite.
5 Father, glorify me now with yourself, with the glory I had with you before the world existed. Zvino Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudziwa kwanga ndinako ndinaimimi nyika isati yagadzihwa.”
6 I revealed your name to those you gave me from the world. They were yours; you gave them to me, and they have kept your word. “Ndaita kuti zita renyu rizikane novanhu vamudondipasa panyika, vanga vari venyu, futi mudovapasa kwandiri, futi vadochengeta shoko renyu.
7 Now they know that everything you have given me is from you, Manje vaakuziva kuti zvese zvamudondipasa zvidobva kwamuri,
8 for I gave them the words you gave me; they received them, truly knew I came from you, and believed you sent me. nokuti ndidovapasa mashoko yamudondipasa, futi vadoyatambira, vadoziva zvochokwadi kuti ndidobva kwamuri, futi vadotenda kuti imimi mudondituma.”
9 I pray for them, not for the world, but for those you gave me, since they are yours. “Ndiri kuvanamatira ndiri kunamatiraba nyika asi vakareva vamudondipasa, ndava mbenyu,
10 Everything mine is yours, and yours is mine, and I am glorified in them. vese vangu mbenyu, futi venyu mbangu, pakare ndinokudziwa kuburikidza nomavari.
11 I'm no longer in the world, but they are in the world, and I'm coming to you. Holy Father, keep them in your name, the name you gave me, so they may be one as we are. Futi handichava panyika, asi ivo vari panyika, inini ndiri kuuya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, ramudondipasa, kuti vave vabodzi, sezvatiri mubodzi.
12 While with them, I kept them in your name you gave me. I guarded them—none was lost except the son of destruction, so Scripture would be fulfilled. Pandaiva navo, ndidovachengeta muzita renyu ramudondipasa, ndidovachengeta, futi hapanai umwe wavo adotaika asi mwanakomana wokuparadziwa, kuti gwaro rizazisiwe.
13 Now I come to you, and I say these things in the world so they may have my joy completed in themselves. Asi zvino ndiri kuuya kwamuri, futi zvinhu zvakarezvi ndinozvinyaira panyika, kuti mufaro wangu uzazisiwe mavari.
14 I've given them your word; the world hated them, since they're not of the world, just as I'm not of the world. Ndidovapasa shoko renyu, nyika ndokuvavenga ndava mbonyikaba, kunge inini ndisiri wonyika.
15 I don't ask you to remove them from the world, but to guard them from the evil one. Ndinonamataba kuti muvabiritse panyika, asi kuti muvachengete kubva kuno uyo adoipa.
16 They are not of the world, just as I am not of the world. Havasi vonyika, fanike inini ndisiri wonyika.
17 Make them holy by truth; your word is truth. Vaitei vatsvene muchokwadi shoko renyu ndiro chokwadi.
18 As you sent me into the world, so I have sent them into the world. Kunge kutuma kwamudondiita panyika, saka ndidovatuma kunyika.
19 For them I make myself holy, so they too may be made holy in truth. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuitira kuti vaitiwewo vatsvene muchokwadi.”
20 I pray not only for these, but also for those who will believe in me through their word. “Handinamatire vakareva chete, asi noavo vanotendawo kwandiri kuburikidza noshoko ravo,
21 Father, let them all be one, as you're in me and I in you, so they're in us too, and the world believes you sent me. kuti vese vave mubodzi, kunge imipa, Baba muri mandiri, nainini ndiri mamuri. Ndinonamatira kuti vavewo matiri, kuitira kuti nyika itende kuti mudondituma.
22 The glory you have given me, I have given them, so they may be one as we are one. Kubhwinya kwamudondipasa ndidovapasa, kuti vave mubodzi kunge isisu tiri mubodzi,
23 I in them and you in me, so they may be made completely one, so the world may know you sent me and loved them as you loved me. inini ndiri mavari futi imimi muri mandiri, kuti vanatse kuita mubodzi, kuitira kuti nyika izive kuti mudondituma futi kuti mudovada zvidofanana nokundida kwamudoita.”
24 Father, I want those you gave me to be with me where I am, to see my glory, which you gave me because you loved me before the world was made. “Baba, ndinoditsa kuti vakareva vamudondipasa, vave nainini pandinenge ndiri, kuti vaone kubhwinya kwangu kwamudondipasa murudo renyu nyika isati yavapo.
25 Righteous Father—the world doesn't know you, but I know you, and these know you sent me. Baba vadorurama, kunyange nyika isinai kukuzivai, asi inini ndidokuzivai, futi ava vanoziva kuti mudondituma.
26 I have made your name known to them, and will keep making it known, so the love you loved me with may be in them, and I in them." Ndidoita kuti vakuzivei, futi ndicharamba ndichiiita kuti muziviwe, kuitira kuti rudo ramudondida naro ruvewo mavari, kuti inini pachangu ndive mavari.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]