Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

2 Peter 3 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Beloved, this is now the second letter I write you; in both I stir up your sincere mind by reminder. Vadikani, iri rava tsamba rangu rochipiri kwamuri. Mayari yese ndidonyora iri yeuchidzo yokukumutsai mufungo udochena,
2 Remember the words the holy prophets spoke beforehand, and the command of our Lord and Savior given through your apostles. ndinoda kuti muyeuke mashoko yadonyaihwa mumasure novaporofiti, nomurairo waIshe naMuponisi kuburikidza nonhumwa dzenyu.
3 Know this first: mockers will come in the last days, mocking, following their own lusts. Chokuthanga, munofanira kunzvitsitsa kuti mumazuva yokupedzisira vaseki vachauya vachiseka nokuzvidza. Vachitevera zvido zvavo zvidoipa
4 They will ask, "Where is his promised coming? Since the fathers fell asleep, everything continues as it has since creation's beginning." vachiti, “Chiri poi chivimbiso chokuuya kwache? Ndava chipfiro chidoita madzibaba yedu, zvinhu zvese zviri paugariro hwazvene kubva pachisikihwo!”
5 They willfully ignore this: long ago, by our Father's word, heavens existed, and earth formed out of water and through water, Vanokangamwa utova kuti matenga nonyika zvanga zviripo kare zvidoitiwa noshoko raMwari, nonyika idoitiwa nomvura uye kubva mumvura,
6 and through these the world of that time was deluged with water and perished. futi kuburikidza nomvura yakareyo nyika yanga iripo idonyudziwa nokuparadziwa.
7 By the same word, today's heavens and earth are stored up for fire, kept for the day of judgment and destruction of the wicked. Noshoko ribodzibodziro matenga nonyika zvazvino zvidochengetehwa zuva rokutonga norokuparadziwa kwovanhu vasinai umwari.
8 Don't overlook this, loved ones: with our Father, one day is like 1,000 years, and 1,000 years like one day. Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi.
9 Our Father isn't slow to keep his promise, as some think; he's patient with you, wanting no one to perish, but all to reach repentance. Ishe anochehwaba pachivimbiso chache semanzvitsitsiro yovamwe vanoti nghuchehwa, asi anomwoyo murefu nemi, anodaba kuti pawane anoparara, asi kuti vese vasvike pakupinduka.
10 But the day of our Lord Jesus will come like a thief: the heavens will vanish with a rushing sound, the elements will burn and melt, and the earth with all its works will be exposed. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Ipopo matenga yachapfuura noruzha rikuru, nozvinhu zviri kumatenga zvichanyungudutsiwa nomoto, nonyika nomabasa yese yari mairi yachatsva.
11 Since all this will dissolve, what sort of people should you be? You should live holy lives, devoted to God, Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari,
12 as you wait for and hasten the coming of our Father's day, when the heavens will be set ablaze and dissolved, and the elements melt in the heat. mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru.
13 But as he promised, we wait for new heavens and a new earth, where righteousness lives. Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.
14 So, beloved, awaiting these things, strive to be found by him in peace, spotless and without defect. Saka, hama dzangu, sezvo mudomirira zvakarezvi, edzai chaizvo kuti akuwanei musinai dondorozi kana chamunonenehwa, uye munorugare naye.
15 Regard our Lord's patience as salvation, just as our beloved brother Paul wrote you, with the wisdom given him, Mbazvive mupfungwa dzenyu kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponiso, sezvamudonyorehwa naPhauro hama yedu inodikana muuchenjeri hwaadopasiwa naMwari,
16 as in all his letters, where he speaks about these things. Some parts are hard to understand, and the ignorant and unstable twist them—as they do the other Scriptures—to their own destruction. anonyora nonzira ibodzibodziyo mutsamba dzache dzese, achinyaira zvinhu zvakarezvi madziri. Tsamba dzache dzinozvinhu zvidooma kunzvitsitsa, izvo zvinophidigutsiwa novasingazive novasinai kudiha, sezvavanoita noyamwe Magwaro kuti vaparadziwe nazvo.
17 So then, loved ones, knowing this in advance, guard yourselves, so you aren't swept away by the error of lawless people and lose your own firm standing. Nokudaro, hama dzangu, sezvo izvi muchizviziva, chenjererai kuti mureke kukukuhwa nokuphonya kwovanhu vasingachengete mutemo muchiwa kubva panzvimbo yamudochengeteka.
18 Grow in the grace and knowledge of our Lord and Savior Jesus Christ. To him be glory, now and to the day of eternity. Amen. Asi kurai pamutsa nomuruzivo raIshe wedu naMuponisi Jesu Khirisitu. Kwaari mbakuve kubhwinya kubva zvino nokusingapere! Ameni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]