Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

2 Peter 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Simon Peter, servant and apostle of Jesus Christ, to those given a faith as precious as ours through the righteousness of our God and Savior Jesus Christ: Kubva kuna Simoni Pita, muranda nonhumwa yaJesu Khirisitu. Kuno avo vadotambira kutenda kunokosha kudoenzana nokwedu mukururama kwaMwari wedu noMuponisi Jesu Khirisitu.
2 May grace and peace be multiplied to you through knowing our Father and Jesus our Lord. Mutsa norunyararo mbazviingidzihwe kwamuri kuburikidza nokuziva Mwari naJesu Ishe wedu.
3 His divine power gave us all we need for life and devotion to God, through knowing him who called us by his glory and excellence. Masimba yache youmwari yadotipasa zvese zvatinoda muupenyu hwoumwari kuburikidza nokumuziva iye adotidaidza nokubhwinya nokunaka kwache.
4 Through these he gave us his precious and very great promises, so that through them you may share the divine nature, having escaped the world's corruption from evil desires. Kuburikidza nozvakarezvi adotipasa zvivimbiso zvache zvikuru zvinokosha, kuitira kuti kuburikidza nazvo mupukunyuke kubva pahuori huri munyika hunokonzehwa nozvido zvidoipa mukovehwe umwari.
5 So, making every effort, add goodness to your faith, and to goodness, knowledge; Nochikonzero chakarechi, edzai nopamunokona napo pese, kuti muingidzire buya pakutenda kwenyu, nopabuya ruzivo,
6 to knowledge, self-control; to self-control, endurance; to endurance, devotion to God, noparuzivo kuzvidzora, nopakuzvidzora kuchiirira, nopakuchiirira umwari,
7 to devotion to God, brotherly affection; to brotherly affection, love. nopaumwari kufarira abiyenyu, nopakufarira vabiyenyu rudo.
8 If you have these qualities, growing, they'll keep you from being useless or fruitless in knowing our Lord Jesus Christ. Ndava kana zvinhu zvakarezvi munazvo zvichimbondoingidzika, zvichakubisai pakuva vanhu vadondogara vasinai zvibereko pakuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Khirisitu.
9 Whoever lacks these things is blind, shortsighted, forgetting he was cleansed from his past sins. Ndava kana munhu asinai zvakarezvi, irombe risingaone kurefu, futi wakangamwa kuti adosukiwa zvitema zvache zvomumasure.
10 So, brothers and sisters, strive to confirm your calling and election; do these things and you will never stumble. Saka, hama dzangu, edzai zvidosimba kuti kudaidziwa nokusaruriwa kwenyu kuve pachokwadi. Ndava kana muchiita zvinhu zvakarezvi, munombweraba,
11 This way you'll be richly given entrance into the eternal kingdom of our Lord and Savior Jesus Christ. futi muchanyanyitsa kutambihwa muumambo hwokusingapere hwaIshe naMuponisi wedu Jesu Khirisitu.
12 So I will always remind you of these things, though you know them and stand firm in the truth you now hold. Saka ndichida kukuyeuchidzai zvinhu zvakarezvi nguwa dzese, kana zvenyu muchizviziva uye mudomira zvidosimba muchokwadi chamunacho zvino.
13 I think it right to keep stirring you with reminders while I remain in this tent, Ndinofunga kuti zviri mushe kana ndichiri mumuiri uno kuti ndimutsiridze kufunga kwenyu.
14 since I know I'll soon set my tent aside, as our Lord Jesus Christ showed me. Sezvo ndichiziva kuti kusunhuriwa kwangu pamuiri uno kwava papfupi, sezvandidonangidziwa naIshe wedu Jesu Khirisitu.
15 I will also strive so you can always recall these things after I depart. Ndichaita zvese zvandinokona kuti kana ndaenda mudzokwanisa kuramba muchiyeuka zvinhu zvakarezvi nguwa dzese.
16 For we didn't follow ingenious myths to tell you of our Lord Jesus Christ's power and coming—we were eyewitnesses of his majesty. Patidokuzivisai zvosimba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu, hatinai kutevera zvinzano zvidopakasiwa nouchenjeri, asi taitova pfakazi dzidoona ukuru hwache.
17 He received honor and glory from our Father when a voice came to him from the Majestic Glory: "This is my Son, the one I love; I delight in him." Ndava paadotambira kuremekedzewa nokubhwinya kubva kuna Mwari Baba, izvi ridouya kwaari noKubhwinya Kukuru, richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoditsitsa ndinofadziwa naye maninge,”
18 We ourselves heard this voice come from heaven, for we were with him on the holy mountain. isisu pachedu tidorinzva izvi rakareri ridobva kudenga tinaye pagomo rinoyera.
19 We also have the prophetic word made more certain—you do well to attend to it, like a lamp shining in a dark place, until day dawns and the morning star rises in your hearts. Pakare tinoshoko rochiporofiti rino chokwadi chikuru, futi munoita mushe kana muchiritetekera, semwenje unovhenekera murima, kusvikira kwaakuda kuchena nonhanda yabirika ichivhenekera mumwoyo yenyu.
20 Above all, you must understand that no prophecy of Scripture comes from one's own interpretation. Chokuthangitsitsa munofanira kunzvitsitsa kuti hapanai Gwaro rochiporofiti ridondouya nokurapanura kwomunhu,
21 No prophecy ever came by human will, but men spoke from our Father, carried along by the Holy Spirit. ndava chiporofiti hachinai kuvamba kubva pachido chomunhu, asi vanhu vainyaira zvichibva kuna Mwari vachitungamihwa naMweya Mutsvene waMwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]