Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

1 Peter 1 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 Peter, apostle of Jesus Christ, to the chosen exiles scattered through Pontus, Galatia, Cappadocia, Asia, and Bithynia. Kubva kuna Pita, nhumwa yaJesu Khirisitu. Kuvatohwa vadokwamwarira kudzimwe nyika dzinoti, Pondasi, Garatiya, Kapadhokiya, Ezhiya nokuBhitiniya vari vasaruhwa vaMwari,
2 Chosen by our Father's foreknowledge, made holy by the Holy Spirit, to obey Jesus Christ and be sprinkled with his blood: grace and peace multiplied to you. maererano nokutemehwa naMwari Baba nokuchenesewa naMweya kuti vateerere Jesu Khirisitu nokuwazihwa kwogazi rache. Dai mutsa norunyararo zvawanziwa kwamuri.
3 Blessed is our Father, and the Father of our Lord Jesus Christ: by his great mercy he gave us new birth into a living hope through Jesus Christ's resurrection from the dead, Mbaakudziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu! Mutsitsi dzache dzikuru tidozvahwa patsva kutariro ipenyu kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu kubva kuvadopfa,
4 into an inheritance that can never perish, spoil, or fade, kept in heaven for you, nokunhaka isingapfuruke, yamudochengetehwa kudenga, isingasvipisiwe kana kuuna,
5 protected through faith by our Father's power for the salvation ready to be revealed in the last time. iyemi kuburikidza nokutenda mudodzivirihwa nosimba raMwari nokuda kworuponiso ridogadzirihwa kuonesewa panguwa yokupedzisira.
6 You rejoice greatly in this, though now, briefly, you may have had to be distressed by various trials. Munozvakarezvi zvese munofara maninge, kana zvazvene kwonguwa ino ipfupi muchifanira kudzudziwa nomarudzi yese yomiyedzo.
7 These have come so that your faith—tested and found genuine, worth more than fire-refined gold that still gets destroyed—may bring praise, glory, and honor when Jesus Christ appears. Zvakarezvi zvidouya kuitira kuti pakuonekwa kwaJesu, kutenda kwenyu kunokosha kukunda ndarama, inoparara kana zvayene ichinatsiwa nomoto, kuwanike kuri kwochaiko kunofanira kuva nopembedzo, kubhwinya nokuremekedzewa.
8 Though you've never seen him, you love him; though you don't see him now, you trust him, rejoicing with joy beyond words and full of glory, Kana zvenyu musinai kumuona, munomuda, kana zvenyu musiri kumuona manje, munotenda kwaari uye mudozara nomufaro mukuru usingataurike,
9 for you are receiving the goal of your faith, the salvation of your souls. ndava muri kutambira zvinobva pakutenda kwenyu, iro ruponiso romweya yenyu.
10 Prophets who spoke of the grace meant for you investigated and searched carefully into this salvation, Pamusoro poruponiso rakareri, vaporofiti vadonyaira zvomutsa waidzouya kwamuri, vadonatsa kutsvagitsitsa,
11 searching for the time and situation the Spirit of Christ in them pointed to, when he predicted Christ's sufferings and the glories after them. vachibvunzitsitsa pamusoro pokuti munhui nonguwa idonangiwa noMweya waKirisitu waiva mavari pawainangidza kutambudzika kwaKhirisitu nokubhwinya kwaidzotevera.
12 It was revealed to them: they served not themselves but you, when they spoke of these things now announced to you through those who preached the good news to you by the Holy Spirit sent from heaven. Even angels long to look into these things. Zvidozaruhwa kwavari kuti pavainyaira zvinhu zvakarezvi zvamudodzonyepewa naivo vadokuparidzirai vhangeri naMweya Mutsvene adotumiwa kubva kudenga, vaishumira imipa vasingazvishumire ivo, zviri zvinhu zvinodiwa kuonewa nongirozi.
13 So, minds braced for action and fully sober, hope completely on the grace to be brought to you when Jesus Christ is revealed. Nokudaro gadzirirai pfungwa dzenyu, muve vadopepuka, isai tarisiro yenyu idozara pamutsa uchauya kwamuri pakuonekwa kwaJesu Khirisitu.
14 As obedient children, don't let yourselves be shaped by the desires you once followed in your ignorance. Sevana vanoteerera, rekai kuumbiwa nozvido zvidoipa zvokusaziva kwamaiva nako kare.
15 But just as the one who called you is holy, so be holy in all you do; Asi saiye mutsvene adokudaidzai, ivaiwo vatsvene pamuitiro wenyu wese,
16 for it is written: "Be holy, because I am holy." ndava kudonyohwa kuti, “Ivai vatsvene, ndava inipano ndiri mutsvene.”
17 Since you call on a Father who judges every deed without favoritism, spend your exile time here in reverent fear. Sezvo wamunodaidza kuti Baba achitonga basa romunhu wese pasinai tsvete, raramai upenyu hwenyu sevatohwa muchicha.
18 You know silver and gold—things that decay—didn't rescue you from the empty life passed down from your ancestors, Ndava munoziva kuti hamunai kudzikinuhwa nozvinoparara zvinenge sirivha kana ndarama kubva munzira dzenyu dzisinai nomusoro wese dzamudosiihwa nomadzibaba yenyu,
19 but with Christ's precious blood, a lamb without defect or stain. asi nogazi rinokosha raKhirisitu, kunge rohwayana risinai chinoshoreka kana dondorozi.
20 Chosen before the world's foundation, revealed in these last times for your sake. Iye adosarudziwa nyika isinati yasikiwa, asi adodzoonesewa panguwa dzino dzokupedzisira nondava yenyu.
21 Through him you believe in our Father, who raised him from the dead and glorified him, so your faith and hope are in our Father. Kuburikidza naye mudotenda kuna Mwari, adomumutsa kubva kuvadopfa achimupasa kubhwinya, nokudaro kutenda kwenyu notariro zviri muna Mwari.
22 Having purified your souls by obeying the truth for sincere love of the brothers, love each other deeply from a pure heart. Zvino zvamudozvinatsa kuburikidza nokuteerera chokwadi kuti muve norudo rudoperera kuhama dzenyu, ditsitsanai zvinobva pamwoyo.
23 For you have been born again—not of perishable seed but imperishable—through the living, enduring word of our Father. Mudoberekewa patsva, aikona nombeu inoora, asi noisingaore, kuburikidza noshoko raMwari ripenyu rinogara,
24 For, "All people are like grass, and all their glory like the flowers of the field; the grass withers and the flowers fall, ndava, “Vanhu vese vanenge usva, kubhwinya kwavo kwese kunenge ruva romusango. Usva hunosvava, noruva rinokuhumuka,
25 but the word of our Father endures forever." And this is the word that was preached to you. asi shoko raIshe rinogara nokusingapere.” Futi shoko rakareri ndiro nhau dzidonaka dzidoparidziwa kwamuri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]